Mapisarema 141:1-10
Mapisarema 141:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Haiwa Jehovha, ndinodana kwamuri; kurumidzai kuuya kwandiri. Inzwai inzwi rangu pandinodana kwamuri. Munyengetero wangu ngauiswe pamberi penyu sezvinonhuhwira; kusimudzwa kwamaoko angu ngakuite sechibayiro chamadekwana. Isai murindi pamuromo wangu, imi Jehovha; chengetai mukova wemiromo yangu. Mwoyo wangu ngaurege kukweverwa kune zvakaipa, kuti ndiitewo mabasa akaipa navanhu vanoita zvakaipa; ngandirege kudya zvinozipa zvavo. Akarurama ngaandirove, ndidzo tsitsi; ngaanditsiure, ndiwo mafuta pamusoro wangu. Musoro wangu hauzorambi izvozvo. Asi munyengetero wangu unorwisa mabasa avaiti vezvakaipa nguva dzose. Vatongi vavo vachakandwa kumawere, uye vakaipa vachadzidza kuti mashoko angu akanga akanaka kwazvo. Ivo vachati, “Sezvinoita anorima achiparura pasi, saizvozvo mapfupa edu akaparadzirwa pamuromo weguva.” Asi meso angu anotarira kwamuri, imi Ishe Jehovha; ndinotizira kwamuri, regai kundiisa kurufu. Ndichengetei pamisungo yavakanditeya nayo, napaugombe hwakadzikwa navaiti vezvakaipa. Vakaipa ngavawire mumimbure yavo, ini ndichipfuura napo norugare.
Mapisarema 141:1-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Jehovha, ndakadana kwamuri; kurumidzai kuuya kwandiri; Teererai izwi rangu kana ndichidana kwamuri. Munyengetero wangu ngauve pamberi penyu sezvinonhuwira; Nokusimudzwa kwamaoko angu sechipiriso chamadekwana. Jehovha, isai murindi pamberi pomuromo wangu; Chengetai mukova wemiromo yangu. Regai kurerekesa mwoyo wangu kuchinhu chakaipa, Kuti ndiite zvakaipa Pamwechete navanhu vanoita zvisina kururama. Akarurama ngaandirove netsitsi; Ngaandituke, ave mafuta pamusoro wangu; Musoro wangu haungaarambi; Nokuti ndicharamba ndichinyengetera pamusoro pokuipa kwavo. Vatongi vavo vakawisirwa kumawere edombo; Vachanzwa kuti mashoko angu akanaka. Sezvakaita pasi kana parimwa nokuparurwa, Saizvozvo mapfupa edu akaparadzirwa pamuromo weSheori. Nokuti meso angu anotarira kwamuri, Jehovha Ishe; Ndinovimba nemi; regai kudurura upenyu hwangu. Ndichengetei pamusungo wavakanditeyera, Naparugombe rwavanoita zvisina kururama. Vakaipa ngavabatwe nemimbure yavo vamene, Asi ini ndidarike hangu.
Mapisarema 141:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndinodanidzira kwamuri TENZI kurumidzai kuuya kwandiri. Teererai izwi rangu pandinodanidzira kwamuri. Munamato wangu ngauite serusenzi kwamuri uye kusimudza kwandinoita maoko kuite sechibayiro chamanheru. Batai muromo wangu TENZI; chengetedzai musuwo womuromo wangu. Regai kurerekesa mwoyo wangu kune chinhu chakaipa kuti ndiite zvinhu zvakaipa, pamwechete navanhu vanoita zvakaipa regai kuti ndidye twunonaka twavo. Wakarurama angandirove zvake, kana kunditsiura zvakanaka, asi mafuta avakaipa asatombozora zvao musoro wangu nokuti munamato wangu unogara wakanangana nezvakaipa zvavo. Kana vaiswa mumaoko avanhu vanovabata nemhosva, ndipo pavachadzidza kuti mazwi aTENZI ndeechokwadi. Sokutsemura kunoita munhu dombo achiripwanyira pasi, saizvozvowo mapfupa avo achanzi mwarara pamusuo weguva. Asi maziso angu anotarisa kwamuri Mwari TENZI; ndinopotera kwamuri musandisiye ndiri pamhene. Ndidzivirireiwo kumisungo yavakanditeya nayo uye kumariva avaiti vezvakaipa. Vaipi ngavawire mumambure avo pamwechete ini ndichipunyuka.
Mapisarema 141:1-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Jehova, ndakaɗana kwamuri; kurumidzai kuʋuya kwandiri; Tererai inzwi raŋgu kana ndiciɗana kwamuri. Munyeŋgetero waŋgu ŋgauʋe pamberi penyu seɀinonhuwira; Nokusimudzwa kwamaʋoko aŋgu secipiriso camaɗekwana. Jehova, isai murindi pamberi pomuromo waŋgu; Ceŋgetai mukoʋa wemiromo yaŋgu. Regai kurerekesa mŋoyo waŋgu kucinhu cakaipa, Kuti ndiite ɀakaipa Pamŋe cete naʋanhu ʋanoita ɀisina‐kururama. Wakarurama ŋgaandiroʋe netsitsi; Ŋgaandituke, aʋe mafuta pamusoro waŋgu; Musoro waŋgu hauŋgaarambi; Nokuti ndicaramba ndicinyeŋgetera pamsoro pokuipa kwaʋo. Ʋatoŋgi ʋaʋo ʋakawisirwa kumawere eɗombo; Ʋacanzwa kuti mashoko aŋgu akanaka. Seɀakaita pasi kana parimŋa nokuparurwa, Saiɀoɀo mafupa eɗu akaparadzirwa pamuromo weSheori. Nokuti meso aŋgu anotarira kwamuri, Jehova Ishe; Ndinoʋimba nemi; regai kuɗurura ʋupenyu bgaŋgu. Ndiceŋgetei pamusuŋgo waʋakanditeyera, Naparugombe rwaʋanoita ɀisina‐kururama. Ʋakaipa ŋgaʋaɓatwe nemimbure yaʋo ʋamene, Asi ini ndiɗarike haŋgu.
Mapisarema 141:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)