Nziyo 141
141
Rumbo rwaDhavhidhi.
Mururami anochema kuna Mwari pakati pavakaipa
1Ndinodanidzira kwamuri TENZI
kurumidzai kuuya kwandiri.
Teererai izwi rangu
pandinodanidzira kwamuri.
2Munamato wangu ngauite serusenzi kwamuri
uye kusimudza kwandinoita maoko
kuite sechibayiro chamanheru.
3Batai muromo wangu TENZI;
chengetedzai musuwo womuromo wangu.
4Regai kurerekesa mwoyo wangu
kune chinhu chakaipa
kuti ndiite zvinhu zvakaipa,
pamwechete navanhu vanoita zvakaipa
regai kuti ndidye twunonaka twavo.
5Wakarurama angandirove zvake,
kana kunditsiura zvakanaka,
asi mafuta avakaipa
asatombozora zvao musoro wangu
nokuti munamato wangu
unogara wakanangana nezvakaipa zvavo.
6Kana vaiswa mumaoko
avanhu vanovabata nemhosva,
ndipo pavachadzidza kuti
mazwi aTENZI ndeechokwadi.
7Sokutsemura kunoita munhu dombo
achiripwanyira pasi,
saizvozvowo mapfupa avo
achanzi mwarara pamusuo weguva.#141:7 Weguva: ChiHebheru chendima 141:5–7 hachinyatsonzwisisika.
8Asi maziso angu anotarisa
kwamuri Mwari TENZI;
ndinopotera kwamuri
musandisiye ndiri pamhene.
9Ndidzivirireiwo kumisungo
yavakanditeya nayo
uye kumariva avaiti vezvakaipa.
10Vaipi ngavawire mumambure
avo pamwechete ini ndichipunyuka.
Zvasarudzwa nguva ino
Nziyo 141: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.