Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 141:1-10

Mapisarema 141:1-10 SUB1949

Jehova, ndakaɗana kwamuri; kurumidzai kuʋuya kwandiri; Tererai inzwi raŋgu kana ndiciɗana kwamuri. Munyeŋgetero waŋgu ŋgauʋe pamberi penyu seɀinonhuwira; Nokusimudzwa kwamaʋoko aŋgu secipiriso camaɗekwana. Jehova, isai murindi pamberi pomuromo waŋgu; Ceŋgetai mukoʋa wemiromo yaŋgu. Regai kurerekesa mŋoyo waŋgu kucinhu cakaipa, Kuti ndiite ɀakaipa Pamŋe cete naʋanhu ʋanoita ɀisina‐kururama. Wakarurama ŋgaandiroʋe netsitsi; Ŋgaandituke, aʋe mafuta pamusoro waŋgu; Musoro waŋgu hauŋgaarambi; Nokuti ndicaramba ndicinyeŋgetera pamsoro pokuipa kwaʋo. Ʋatoŋgi ʋaʋo ʋakawisirwa kumawere eɗombo; Ʋacanzwa kuti mashoko aŋgu akanaka. Seɀakaita pasi kana parimŋa nokuparurwa, Saiɀoɀo mafupa eɗu akaparadzirwa pamuromo weSheori. Nokuti meso aŋgu anotarira kwamuri, Jehova Ishe; Ndinoʋimba nemi; regai kuɗurura ʋupenyu bgaŋgu. Ndiceŋgetei pamusuŋgo waʋakanditeyera, Naparugombe rwaʋanoita ɀisina‐kururama. Ʋakaipa ŋgaʋaɓatwe nemimbure yaʋo ʋamene, Asi ini ndiɗarike haŋgu.