Jehovha, ndakadana kwamuri; kurumidzai kuuya kwandiri; Teererai izwi rangu kana ndichidana kwamuri. Munyengetero wangu ngauve pamberi penyu sezvinonhuwira; Nokusimudzwa kwamaoko angu sechipiriso chamadekwana. Jehovha, isai murindi pamberi pomuromo wangu; Chengetai mukova wemiromo yangu. Regai kurerekesa mwoyo wangu kuchinhu chakaipa, Kuti ndiite zvakaipa Pamwechete navanhu vanoita zvisina kururama. Akarurama ngaandirove netsitsi; Ngaandituke, ave mafuta pamusoro wangu; Musoro wangu haungaarambi; Nokuti ndicharamba ndichinyengetera pamusoro pokuipa kwavo. Vatongi vavo vakawisirwa kumawere edombo; Vachanzwa kuti mashoko angu akanaka. Sezvakaita pasi kana parimwa nokuparurwa, Saizvozvo mapfupa edu akaparadzirwa pamuromo weSheori. Nokuti meso angu anotarira kwamuri, Jehovha Ishe; Ndinovimba nemi; regai kudurura upenyu hwangu. Ndichengetei pamusungo wavakanditeyera, Naparugombe rwavanoita zvisina kururama. Vakaipa ngavabatwe nemimbure yavo vamene, Asi ini ndidarike hangu.
Verenga chikamu Mapisarema 141
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 141:1-10
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo