Areruya Rumbidzai zita raTENZI. Imi varanda vaTENZI rumbidzai mumipanda yemba yaMwari wedu. Rumbidzai TENZI nokuti akanaka imbirai zita rake nokuti ane mwoyo wakanaka. TENZI akazvisarudzira Jakobho, Isiraeri achimuita wake nokuti ndinoziva kuti TENZI mukuru uye kuti TENZI wedu mukuru kupinda vamwari vose. Zvose zvinodiwa naTENZI anogona kuzviita kudenga kana panyika mugungwa kana makadzika. Ndiye anosimudza makore kwakaperera nyika, anopenyesa mheni yemvura; anoburitsa mhepo mumatura ake. Ndiye akauraya matangwe eIjipiti, avanhu neemhuka. Ndiye akatuma zviratidzo nezvishamiso mukati mako iwe Ijipiti achirwisa Farao navaranda vake vose. Akaparadza marudzi mazhinji; akauraya madzimambo ane simba anoti: Sihoni mambo wavaAmori naOgu mambo weBhashani noumambo humwe nohumwe hwose hweKenani. Akapa nyika yavo senhaka, senhaka kuvaIsiraeri, vanhu vake. Zita renyu TENZI rinogara nokusingaperi, mukurumbira wenyu kusvika kuzvizvarwa nezvizvarwa. TENZI acharwira vanhu vake uye achaitira ngoni varanda vake. Zvifananidzo zvevechirudzi, isirivha nendarama zvakaitwa namaoko avanhu, zvine miromo asi hazvitauri, zvina maziso asi hazvioni zvine nzeve asi hazvinzwi, uye hazvifemi nomuromo wazvo. Vanozviumba vachafanana nazvo, vachafananawo nazvo vanovimba nazvo. Imi imba yokwaIsiraeri rumbidzai TENZI imi imba yokwaAroni rumbidzai TENZI imi imba yokwaRevhi rumbidzai TENZI imi munotya TENZI rumbidzai TENZI. TENZI ngaarumbidzwe muZioni iye anogara muJerusaremu Areruya.
Verenga chikamu Nziyo 135
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 135:1-21
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo