Hareruya!
Rumbidzai zita raJehovha;
Murumbidzei, imi varanda vaJehovha;
Imi mumire mumba maJehovha,
Muvazhe dzeimba yaMwari wedu.
Rumbidzai Jehovha; nokuti Jehovha akanaka;
Imbirai zita rake nziyo
dzokurumbidza; nokuti ndizvo zvinofadza.
Nokuti Jehovha akazvisanangurira Jakobho,
NaIsiraeri kuti ave pfuma yake chaiyo.
Nokuti ndinoziva kuti Jehovha mukuru,
Uye kuti Ishe wedu ari kumusoro kwavamwari vose.
Zvose zvaakada kuita Jehovha akazviita,
Kudenga napasi, nomumakungwa
napakadzika pose.
Anokwidza makore pamigumo yapasi;
Anoita mheni kuuyisa mvura;
Anobudisa mhepo panovigwa pfuma yake.
Ndiye akaparadza matangwe eIjipiti,
Avanhu neezvipfuwo.
Akatuma zviratidzo nezvishamiso
mukati mako, iwe Ijipiti,
Pamusoro paFarao napamusoro
pavaranda vake vose.
Ndiye akaparadza ndudzi zhinji,
Nokuuraya madzimambo anesimba.
Sihoni mambo wavaAmori,
NaOgi mambo weBhashani,
Noushe hwose hweKanani;
Akapa nyika yavo ive nhaka,
Ive nhaka yaIsiraeri vanhu vake.
Zita renyu, Jehovha, riripo nokusingaperi;
Munorangarirwa Jehovha, kusvikira
kumarudzi namarudzi.
Nokuti Jehovha achatonga vanhu vake,
Nokuzvidemba pamusoro pavaranda vake.
Zvifananidzo zvavahedheni isirivha nendarama,
Mubato wamaoko avanhu.
Zvinemiromo, asi hazvitauri;
Nameso zvinawo, asi hazvioni;
Zvinenzeve, asi hazvinzwi;
Hakuna kufema pamiromo yazvo.
Vanozviita vachafanana nazvo;
Zvirokwazvo, navose vanovimba nazvo.
Imi veimba yaIsiraeri, rumbidzai Jehovha;
Imi veimba yaAroni, rumbidzai Jehovha;
Imi veimba yaRevhi, rumbidzai Jehovha;
Imi vanotya Jehovha, rumbidzai Jehovha.
Jehovha ngaarumbidzwe paZioni,
Iye agere Jerusaremu.
Hareruya!