Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 135:1-21

Mapisarema 135:1-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Rumbidzai Jehovha. Rumbidzai zita raJehovha; murumbidzei, imi varanda vaJehovha, imi munoshumira muimba yaJehovha, muvanze dzeimba yaMwari wedu. Rumbidzai Jehovha, nokuti Jehovha akanaka; imbirai zita rake nziyo dzokurumbidza, nokuti ndizvo zvakanaka. Nokuti Jehovha akasarudza Jakobho kuti ave wake, naIsraeri kuti ave pfuma yake. Ndinoziva kuti Jehovha mukuru, uye kuti Ishe wedu mukuru kupfuura vamwari vose. Jehovha anoita zvose zvinomufadza, kudenga napasi, nomumakungwa napakadzika pose. Anoita kuti makore akwire kubva kumagumo enyika; anotumira mheni nemvura, uye anobudisa mhepo kubva mumatura ake. Ndiye akaparadza matangwe eIjipiti, matangwe avanhu neemhuka. Akatumira zviratidzo nezvishamiso zvake mukati mako, iwe Ijipiti, pamusoro paFaro navaranda vake vose. Akaparadza ndudzi dzakawanda uye akauraya madzimambo ane simba, Sihoni mambo weAmori, Ogi mambo weBhashani namadzimambo ose eKenani, akapa nyika yavo kuti ive nhaka, nhaka yavanhu vake Israeri. Haiwa Jehovha, zita renyu rinogara nokusingaperi, mukurumbira wenyu, imi Jehovha, kuzvizvarwa zvose. Nokuti Jehovha achapupurira vanhu vake uye achava nenyasha pamusoro pavaranda vake. Zvifananidzo zvendudzi isirivha negoridhe, zvakaitwa namaoko avanhu. Zvine miromo, asi hazvigoni kutaura, zvina meso, asi hazvigoni kuona; nenzeve, asi hazvigoni kunzwa, uye hamuna kufema mumuromo mazvo. Vaya vanozviita vachafanana nazvo, saizvozvowo, naivo vanovimba nazvo. Haiwa imi imba yaIsraeri, rumbidzai Jehovha; haiwa imba yaAroni, rumbidzai Jehovha; Haiwa imi imba yaRevhi, rumbidzai Jehovha; imi vanomutya, rumbidzai Jehovha. Jehovha ngaarumbidzwe kubva kuZioni, iye agere muJerusarema.

Mapisarema 135:1-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Hareruya! Rumbidzai zita raJehovha; Murumbidzei, imi varanda vaJehovha; Imi mumire mumba maJehovha, Muvazhe dzeimba yaMwari wedu. Rumbidzai Jehovha; nokuti Jehovha akanaka; Imbirai zita rake nziyo dzokurumbidza; nokuti ndizvo zvinofadza. Nokuti Jehovha akazvisanangurira Jakobho, NaIsiraeri kuti ave pfuma yake chaiyo. Nokuti ndinoziva kuti Jehovha mukuru, Uye kuti Ishe wedu ari kumusoro kwavamwari vose. Zvose zvaakada kuita Jehovha akazviita, Kudenga napasi, nomumakungwa napakadzika pose. Anokwidza makore pamigumo yapasi; Anoita mheni kuuyisa mvura; Anobudisa mhepo panovigwa pfuma yake. Ndiye akaparadza matangwe eIjipiti, Avanhu neezvipfuwo. Akatuma zviratidzo nezvishamiso mukati mako, iwe Ijipiti, Pamusoro paFarao napamusoro pavaranda vake vose. Ndiye akaparadza ndudzi zhinji, Nokuuraya madzimambo anesimba. Sihoni mambo wavaAmori, NaOgi mambo weBhashani, Noushe hwose hweKanani; Akapa nyika yavo ive nhaka, Ive nhaka yaIsiraeri vanhu vake. Zita renyu, Jehovha, riripo nokusingaperi; Munorangarirwa Jehovha, kusvikira kumarudzi namarudzi. Nokuti Jehovha achatonga vanhu vake, Nokuzvidemba pamusoro pavaranda vake. Zvifananidzo zvavahedheni isirivha nendarama, Mubato wamaoko avanhu. Zvinemiromo, asi hazvitauri; Nameso zvinawo, asi hazvioni; Zvinenzeve, asi hazvinzwi; Hakuna kufema pamiromo yazvo. Vanozviita vachafanana nazvo; Zvirokwazvo, navose vanovimba nazvo. Imi veimba yaIsiraeri, rumbidzai Jehovha; Imi veimba yaAroni, rumbidzai Jehovha; Imi veimba yaRevhi, rumbidzai Jehovha; Imi vanotya Jehovha, rumbidzai Jehovha. Jehovha ngaarumbidzwe paZioni, Iye agere Jerusaremu. Hareruya!

Mapisarema 135:1-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Areruya Rumbidzai zita raTENZI. Imi varanda vaTENZI rumbidzai mumipanda yemba yaMwari wedu. Rumbidzai TENZI nokuti akanaka imbirai zita rake nokuti ane mwoyo wakanaka. TENZI akazvisarudzira Jakobho, Isiraeri achimuita wake nokuti ndinoziva kuti TENZI mukuru uye kuti TENZI wedu mukuru kupinda vamwari vose. Zvose zvinodiwa naTENZI anogona kuzviita kudenga kana panyika mugungwa kana makadzika. Ndiye anosimudza makore kwakaperera nyika, anopenyesa mheni yemvura; anoburitsa mhepo mumatura ake. Ndiye akauraya matangwe eIjipiti, avanhu neemhuka. Ndiye akatuma zviratidzo nezvishamiso mukati mako iwe Ijipiti achirwisa Farao navaranda vake vose. Akaparadza marudzi mazhinji; akauraya madzimambo ane simba anoti: Sihoni mambo wavaAmori naOgu mambo weBhashani noumambo humwe nohumwe hwose hweKenani. Akapa nyika yavo senhaka, senhaka kuvaIsiraeri, vanhu vake. Zita renyu TENZI rinogara nokusingaperi, mukurumbira wenyu kusvika kuzvizvarwa nezvizvarwa. TENZI acharwira vanhu vake uye achaitira ngoni varanda vake. Zvifananidzo zvevechirudzi, isirivha nendarama zvakaitwa namaoko avanhu, zvine miromo asi hazvitauri, zvina maziso asi hazvioni zvine nzeve asi hazvinzwi, uye hazvifemi nomuromo wazvo. Vanozviumba vachafanana nazvo, vachafananawo nazvo vanovimba nazvo. Imi imba yokwaIsiraeri rumbidzai TENZI imi imba yokwaAroni rumbidzai TENZI imi imba yokwaRevhi rumbidzai TENZI imi munotya TENZI rumbidzai TENZI. TENZI ngaarumbidzwe muZioni iye anogara muJerusaremu Areruya.

Mapisarema 135:1-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Hareruya! Rumbidzai zita raJehova; Murumbidzei, imi ʋaranda ʋaJehova; Imi mumire mumba maJehova, Muʋazhe dzeimba yaMŋari weɗu. Rumbidzai Jehova; nokuti Jehova wakanaka; Imbirai zita rake nziyo dzokurumbidza; nokuti ndiɀo ɀinofadza. Nokuti Jehova wakaɀisanaŋgurira Jakobo, NaIsraeri kuti aʋe fuma yake caiyo. Nokuti ndinoziʋa kuti Jehova mukuru, Ʋuye kuti Ishe weɗu uri kumsoro kwaʋamŋari ʋose. Ɀose ɀaakaɗa kuita Jehova wakaɀiita, Kuɗeŋga napasi, nomumakuŋgwa napakadzika pose. Unokwidza makore pamigumo yapasi; Unoita mheni kuʋuyisa mvura; Unoɓuɗisa mhepo panoʋigwa fuma yake. Ndiye wakaparadza mataŋgwe eEgipita, Aʋanhu neeɀipfuwo. Wakatuma ɀiratidzo neɀishamiso mukati mako, iwe Egipita, Pamsoro paFarao napamsoro paʋaranda ʋake ʋose. Ndiye wakaparadza ndudzi zhinji, Nokuʋuraya madzimambo anesimba: Sihoni mambo waʋaAmori, NaOgi mambo weBashani, Noʋushe bgose bgeKanani; Akapa nyika yaʋo iʋe nhaka, Iʋe nhaka yaIsraeri ʋanhu ʋake. Zita renyu, Jehova, riripo nokusiŋgaperi; Munoraŋgarirwa Jehova, kuȿikira kumarudzi namarudzi. Nokuti Jehova ucatoŋga ʋanhu ʋake, Nokuɀiɗemba pamsoro paʋaranda ʋake. Ɀifananidzo ɀaʋahedeni isirveri nendarama, Muɓatowa maʋoko aʋanhu. Ɀinemiromo, asi haɀitauri; Nameso ɀinawo, asi haɀiʋoni; Ɀinenzeʋe, asi haɀinzwi; Hakuna‐kufema pamiromo yaɀo. Ʋanoɀiita ʋacafanana naɀo; Ɀirokwaɀo, naʋose ʋanoʋimba naɀo. Imi ʋeimba yaIsraeri, rumbidzai Jehova; Imi ʋeimba yaAroni, rumbidzai Jehova; Imi ʋeimba yaRevi, rumbidzai Jehova; Imi ʋanotya Jehova, rumbidzai Jehova. Jehova ŋgaarumbidzwe paZioni, Iye ugere Jerusarema. Hareruya!

Mapisarema 135:1-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)