Idziwo itsumo dzaSaromoni dzakanyorwa navanhu vokwaEzekiya mambo wokwaJudha. Kuna Mwari kuhwandisa zvinhu inotova mbiri kwaaari asi mbiri yamadzimambo, iri mukutsvakisisa zvinhu. Sokukwira, kwakaita denga nokudzika kwakaita nyika ndizvo zvakaita pfungwa dzamadzimambo, hadzibatiki. Ukabvisa tsvina musirivha mhizha youtare inobva yava nechokuitisa midziyo. Ukabvisa vakaipa panaMambo umambo hwake hunobva hwasimba nohururami. Usazvisesekedze pana mambo kana kutora nzvimbo yavakuru-vakuru. Zviri nani kutaurirwa kuti, “Kwira kuno uku” pano kuzoiswa panzvimbo yapasi kana pava negurukota. Zvaunenge waona nameso ako usakurumidze kuzvikwirira dare ungadaro pokupedzisira ukazonyadziswa nomumwe wako. Kurukurirana nomumwe wako iyeyo asi usaburitse zvakavandika zvomumwe. Anokunzwa iyeyo angadaro akazokunyadzisa. Kunyara kwako hakuzoperi. Shoko rinotaurwa panguva yaro rakaita somufananidzo wemaapuru endarama wakakwenenzverwa mundiro yesirivha. Kumunhu ane nzeve dzokunzwa munhu anomutsiura akaita semhete yendarama kana chishongo chendarama. Kune vanotuma nhumwa yakatendeka yakaita sokutonhora kwamazaya echando panguva yokukohwa anonyevenutsa mwoyo yavatenzi vake. Munhu ane chipo chaanofanira kupa chaasingapi, akafanana namakore nemhepo zvisina mvura.
Verenga chikamu Tsumo 25
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Tsumo 25:1-14
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo