Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvirevo 25:1-14

Zvirevo 25:1-14 SNA2002

Izvowo ndizvo zvirevo zvaSoromoni, zvakanyorwa navanhu vaHezekia mambo wavaJudha, Ndiko kukudzwa kwaMwari kuti avanze chinhu; Asi kukudzwa kwamadzimambo ndiko kuti vanzvere mhosva. Kukwirira kwedenga, nokudzika kwenyika, Nemwoyo yamadzimambo hazvibviri kunzverwa. Bvisa marara pasirivha, Muumbi agobudisirwa hari. Bvisa akaipa pamberi pamambo, Chigaro chake choushe chisimbiswe nokururama. Usava namanyawi pamberi pamambo; Usamira panzvimbo yavakuru. Nokuti zviri nani kuti vati kwauri, “Kwira pano,” Pakuti uninipiswe pamberi pomuchinda. Wawaona nameso ako Usakurumidza kundoita nharo; Nokuti uchazodini pashure, Kana wokwako akunyadzisa? Rangana nowokwako pamusoro pemhosva iri pakati penyu, Asi usareurura zvakavanzika zvomumwe; Kuti mumwe anozvinzwa arege kukutuka, Gungwa rako rikasaguma. Shoko rinotaurwa nenguva yakafanira, Rakafanana namatamba endarama mumidziyo yesirivha. Murairi akachenjera panzeve inoteerera, Zvakafanana nechindori chenzeve chendarama noukomba hwendarama yakaisvonaka. Nhume yakatendeka kuna vanoituma yakafanana nokutonhorera kwechando panguva yokucheka; nokuti anoponesa mweya yavatenzi vayo. Munhu anozvirumbidza pamusoro pechipo chenhema, Akafanana namakore nemhepo zvisina mvura.

Verenga chikamu Zvirevo 25