Zvirevo 25:1-14
Zvirevo 25:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Izvi ndizvo zvimwe zvirevo zvaSoromoni, zvakanyorwa namachinda aHezekia mambo weJudha: Kukudzwa kwaMwari kuviga chinhu; kunzvera nyaya ndiko kukudzwa kwamadzimambo. Sokukwirira kwakaita denga nokudzika kwakaita nyika, saizvozvowo mwoyo yamadzimambo haigoni kunzverwa. Bvisa marara pasirivha, panobva pabuda zvinoshandiswa nomuumbi wemidziyo yesirivha; bvisa akaipa pamberi pamambo, ipapo chigaro chake choushe chichasimbiswa kubudikidza nokururama. Usazvikudza pamberi pamambo, uye usazvipa chigaro pakati pavanhu vakuru; Zviri nani kuti ati kwauri, “Kwira pano,” pano kuti akunyadzise pamberi pavanhu vanoremekedzwa. Zvawakaona nameso ako usakurumidze kuzvikwidza kumatare edzimhosva, nokuti uchazoiteiko pamagumo, kana muvakidzani wako akakunyadzisa? Kana uchipikisana nomuvakidzani wako, usarase chivimbo chomumwe munhu, kana kuti uyo achazvinzwa angangokunyadzisa, uye uchazoramba uine chimiro chakaipa. Shoko rataurwa nenguva yakafanira rakafanana namaapuro egoridhe mumidziyo yesirivha. Semhete yomunzeve yegoridhe kana chishongo chegoridhe rakaisvonaka, ndizvo zvakaita kutsiura kwomunhu akachenjera, kunzeve inoteerera. Nhume yakatendeka kune anoituma yakafanana nokutonhorera kwechando panguva yokukohwa; inonyevenutsa mweya yavanatenzi vake. Samakore nemhepo zvisina mvura, ndizvo zvakaita munhu anozvirumbidza pamusoro pezvipo zvaasingapi.
Zvirevo 25:1-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Izvowo ndizvo zvirevo zvaSoromoni, zvakanyorwa navanhu vaHezekia mambo wavaJudha, Ndiko kukudzwa kwaMwari kuti avanze chinhu; Asi kukudzwa kwamadzimambo ndiko kuti vanzvere mhosva. Kukwirira kwedenga, nokudzika kwenyika, Nemwoyo yamadzimambo hazvibviri kunzverwa. Bvisa marara pasirivha, Muumbi agobudisirwa hari. Bvisa akaipa pamberi pamambo, Chigaro chake choushe chisimbiswe nokururama. Usava namanyawi pamberi pamambo; Usamira panzvimbo yavakuru. Nokuti zviri nani kuti vati kwauri, “Kwira pano,” Pakuti uninipiswe pamberi pomuchinda. Wawaona nameso ako Usakurumidza kundoita nharo; Nokuti uchazodini pashure, Kana wokwako akunyadzisa? Rangana nowokwako pamusoro pemhosva iri pakati penyu, Asi usareurura zvakavanzika zvomumwe; Kuti mumwe anozvinzwa arege kukutuka, Gungwa rako rikasaguma. Shoko rinotaurwa nenguva yakafanira, Rakafanana namatamba endarama mumidziyo yesirivha. Murairi akachenjera panzeve inoteerera, Zvakafanana nechindori chenzeve chendarama noukomba hwendarama yakaisvonaka. Nhume yakatendeka kuna vanoituma yakafanana nokutonhorera kwechando panguva yokucheka; nokuti anoponesa mweya yavatenzi vayo. Munhu anozvirumbidza pamusoro pechipo chenhema, Akafanana namakore nemhepo zvisina mvura.
Zvirevo 25:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Idziwo itsumo dzaSaromoni dzakanyorwa navanhu vokwaEzekiya mambo wokwaJudha. Kuna Mwari kuhwandisa zvinhu inotova mbiri kwaaari asi mbiri yamadzimambo, iri mukutsvakisisa zvinhu. Sokukwira, kwakaita denga nokudzika kwakaita nyika ndizvo zvakaita pfungwa dzamadzimambo, hadzibatiki. Ukabvisa tsvina musirivha mhizha youtare inobva yava nechokuitisa midziyo. Ukabvisa vakaipa panaMambo umambo hwake hunobva hwasimba nohururami. Usazvisesekedze pana mambo kana kutora nzvimbo yavakuru-vakuru. Zviri nani kutaurirwa kuti, “Kwira kuno uku” pano kuzoiswa panzvimbo yapasi kana pava negurukota. Zvaunenge waona nameso ako usakurumidze kuzvikwirira dare ungadaro pokupedzisira ukazonyadziswa nomumwe wako. Kurukurirana nomumwe wako iyeyo asi usaburitse zvakavandika zvomumwe. Anokunzwa iyeyo angadaro akazokunyadzisa. Kunyara kwako hakuzoperi. Shoko rinotaurwa panguva yaro rakaita somufananidzo wemaapuru endarama wakakwenenzverwa mundiro yesirivha. Kumunhu ane nzeve dzokunzwa munhu anomutsiura akaita semhete yendarama kana chishongo chendarama. Kune vanotuma nhumwa yakatendeka yakaita sokutonhora kwamazaya echando panguva yokukohwa anonyevenutsa mwoyo yavatenzi vake. Munhu ane chipo chaanofanira kupa chaasingapi, akafanana namakore nemhepo zvisina mvura.
Zvirevo 25:1-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Iɀi ʋo ndiɀo ɀireʋo ɀaSoromoni, ɀakanyorwa naʋanhu ʋaHezekia mambo waʋaJuda: Ndiko kukudzwa kwaMŋari kuti aʋanze cinhu; Asi kukudzwa kwamadzimambo ndiko kuti ʋanɀere mhaka. Kukwirira kweɗeŋga, nokudzika kwenyika, Nemŋoyo yamadzimambo haɀibviri kunɀerwa. Bvisa marara pasirveri, Muʋumbi agoɓuɗisirwa hari. Bvisa wakaipa pamberi pamambo, Cigaro cake coʋushe cisimbiswe nokururama. Usaʋa namanyawi pamberi pamambo; Usamira panɀimbo yaʋakuru. Nokuti ɀirinani kuti ʋati kwauri: Kwira pano, Pakuti uninipiswe pamberi pomucinda, Wawaʋona nameso ako. Usakurumidza kundoita nharo; Nokuti ucazoɗini pashure, Kana wokwako akunyadzisa? Raŋgana nowokwako pamsoro pemhaka iri pakati penyu, Asi usareʋurura ɀakaʋanzika ɀomumŋe; Kuti mumŋe unoɀinzwa arege kukutuka, Guwa rako rikasaguma. Shoko rinotaurwa neŋguʋa yakafanira, Rakafanana namatamba endarama mumidziyo yesirveri. Murairi wakacenjera panzeʋe inoterera, Ɀakafanana necindori cenzeʋe cendarama noʋukomba bgendarama yakaiȿo‐naka. Nhume yakatendeka yakafanana kunaʋanoituma Nokutonhorera kwecando paŋguʋa yokuceka; Nokuti inoponesa mŋeya yaʋatenzi ʋayo. Munhu unoɀirumbidza pamsoro pecipo cenhema, Wakafanana namakore nemhepo ɀisinemvura.
Zvirevo 25:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)