Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Tsumo 15:18-33

Tsumo 15:18-33 SCLB

Munhu wehasha anomutsa muchokoto asi ano mwoyo murefu anopodza gakava. Nzira yetsimbe yakaita seruzhowa rweminzwa asi nzira yomururami yakati tasa somugwagwa mukuru wakati sandara. Mwana mukomana anoungwaru anoita kuti baba vake vafare asi benzi romunhu rinoshora amai. Upenzi hunofadza munhu asina pfungwa asi munhu anonzwisisa anofamba zvakarurama. Zvirongwa hazvibudirire kana pasina vokupa mazano asi navapi vemazano vakawanda zvinobudirira. Kupa mhinduro yakanaka chinhu chinofadza kumunhu ko kutozoti izwi rinotaurwa panguva yaro yakanaka. Nzira youpenyu yavakangwara inoenda kumusoro kuti vanzvenge nzvimbo yavafi iri kwakadzika. Mwari anopaza dzimba dzavanozvikudza asi anochengetedza miganhu yechirikadzi. Pfungwa dzavaipi Tenzi anodzivenga. Mazwi avatsvene anomufadza. Munhu anokarira kuwana upfumi nenzira isina kururama anoparira mhuri yake nhamo asi anovenga pfumbamuromo anorarama. Munhu akarurama anombofunga mumwoyo make zvokupindura asi muromo wavakaipa unongosasa zvakaipa. Tenzi ari kure navakaipa asi anonzwa munamato wavakarurama. Meso ano rufaro anofadza mwoyo shoko rakanaka rinosimbisisa munhu mapfupa. Munhu anoteera zvaanotsiurwa anogara pakati pavangwaru. Munhu asingadi kudzorwa anozvishora iye pachake asi munhu anotsiurika anowana kunzwisisa. Kutya Tenzi chidzidzo choungwaru kuti munhu ukudzwe tanga wazvirereka.

Verenga chikamu Tsumo 15