Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvirevo 15:18-33

Zvirevo 15:18-33 SNA2002

Munhu, ane hasha, anomutsa kukakavara; Asi anomwoyo murefu anonyaradza gakava. Nzira yesimbe yakaita soruzhowa rweminzwa; Asi nzira yavakarurama yakagadzirwa. Mwanakomana akachenjera anofadza baba; Asi benzi rinoshora mai varo. Upenzi hunofadza munhu anoshaiwa uchenjeri; Asi munhu wenjere anofamba achirurama. Pasingaranganwi mano anokona; Asi kuna varairi vazhinji ndokwaanosimbiswa. Munhu anofadzwa nemhinduro yakarurama yomuromo wake; Uye shoko, rinotaurwa nenguva yakafanira, rakanaka sei! Nzira youpenyu yowakarurama inokwira kumusoro; Kuti apukunyuke paSheori pasi. Jehovha achaparadza imba yavanozvikudza; Asi muganho wechirikadzi anousimbisa. Mano akashata anonyangadza Jehovha; Asi mashoko akachena anomufadza. Anokarira pfuma, anotambudza imba yake; Asi anovenga zvipo, achararama. Mwoyo wowakarurama unombofunga chaangapindura; Asi muromo wowakaipa unodurura zvakaipa. Jehovha ari kure navakaipa; Asi anonzwa munyengetero wavakarurama. Meso anobwinya anofadza mwoyo; Mashoko akanaka, anobva kumwe, anokodza mapfupa. Nzeve, inoteerera kuraira, kunoisa kuupenyu, Ichagara pakati pavakachenjera. Anoramba kurairwa, anoshora mweya wake; Asi anoteerera kurairwa, anowana njere. Kutya Jehovha kunodzidzisa uchenjeri; Uye kuzvininipisa kunotangira kukudzwa.

Verenga chikamu Zvirevo 15