Zvirevo 15:18-33
Zvirevo 15:18-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Munhu ane hasha anomutsa bopoto, asi munhu ane mwoyo murefu anonyaradza kukakavara. Nzira yesimbe yakasoswa neminzwa, asi nzira yavakarurama mugwagwa mukuru. Mwanakomana akachenjera anounzira baba vake mufaro, asi munhu benzi anozvidza mai vake. Upenzi hunofadza munhu anoshayiwa njere, asi munhu anonzwisisa anochengetedza nzira yakarurama. Urongwa hunoparara kana pasina vanopa mazano, asi vanopa mazano vakawanda hunobudirira. Munhu anowana mufaro mukupa mhinduro yakanaka, uye rakanaka seiko shoko rinouya nenguva! Nzira youpenyu kumunhu akachenjera inokwidza kumusoro, ichimuchengetedza kuti asaenda muguva. Jehovha anoparadza imba yomunhu anozvikudza, asi agochengeta miganhu yechirikadzi yakasimba. Jehovha anovenga pfungwa dzowakaipa, asi dzavakachena dzinomufadza. Munhu anokara pfuma anouyisa kutambudzika kumhuri yake, asi anovenga fufuro achararama. Mwoyo wokururama unoyera mhinduro dzawo, asi muromo woakaipa unodurura zvakaipa. Jehovha ari kure neakaipa, asi anonzwa munyengetero weakarurama. Chiso chinobwinya chinofadza mwoyo, uye mashoko akanaka anopa utano kumapfupa. Uyo anoteerera kutsiura kunopa upenyu achagara pakati pavakachenjera. Uyo asina hanya nokurangwa anozvizvidza iye pachake, asi ani naani anogamuchira kurayira achawana kunzwisisa. Kutya Jehovha kunodzidzisa munhu uchenjeri, uye kuzvininipisa kunotanga, kukudzwa kwozotevera.

Zvirevo 15:18-33 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Munhu, ane hasha, anomutsa kukakavara; Asi anomwoyo murefu anonyaradza gakava. Nzira yesimbe yakaita soruzhowa rweminzwa; Asi nzira yavakarurama yakagadzirwa. Mwanakomana akachenjera anofadza baba; Asi benzi rinoshora mai varo. Upenzi hunofadza munhu anoshaiwa uchenjeri; Asi munhu wenjere anofamba achirurama. Pasingaranganwi mano anokona; Asi kuna varairi vazhinji ndokwaanosimbiswa. Munhu anofadzwa nemhinduro yakarurama yomuromo wake; Uye shoko, rinotaurwa nenguva yakafanira, rakanaka sei! Nzira youpenyu yowakarurama inokwira kumusoro; Kuti apukunyuke paSheori pasi. Jehovha achaparadza imba yavanozvikudza; Asi muganho wechirikadzi anousimbisa. Mano akashata anonyangadza Jehovha; Asi mashoko akachena anomufadza. Anokarira pfuma, anotambudza imba yake; Asi anovenga zvipo, achararama. Mwoyo wowakarurama unombofunga chaangapindura; Asi muromo wowakaipa unodurura zvakaipa. Jehovha ari kure navakaipa; Asi anonzwa munyengetero wavakarurama. Meso anobwinya anofadza mwoyo; Mashoko akanaka, anobva kumwe, anokodza mapfupa. Nzeve, inoteerera kuraira, kunoisa kuupenyu, Ichagara pakati pavakachenjera. Anoramba kurairwa, anoshora mweya wake; Asi anoteerera kurairwa, anowana njere. Kutya Jehovha kunodzidzisa uchenjeri; Uye kuzvininipisa kunotangira kukudzwa.
Zvirevo 15:18-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Munhu wehasha anomutsa muchokoto asi ano mwoyo murefu anopodza gakava. Nzira yetsimbe yakaita seruzhowa rweminzwa asi nzira yomururami yakati tasa somugwagwa mukuru wakati sandara. Mwana mukomana anoungwaru anoita kuti baba vake vafare asi benzi romunhu rinoshora amai. Upenzi hunofadza munhu asina pfungwa asi munhu anonzwisisa anofamba zvakarurama. Zvirongwa hazvibudirire kana pasina vokupa mazano asi navapi vemazano vakawanda zvinobudirira. Kupa mhinduro yakanaka chinhu chinofadza kumunhu ko kutozoti izwi rinotaurwa panguva yaro yakanaka. Nzira youpenyu yavakangwara inoenda kumusoro kuti vanzvenge nzvimbo yavafi iri kwakadzika. Mwari anopaza dzimba dzavanozvikudza asi anochengetedza miganhu yechirikadzi. Pfungwa dzavaipi Tenzi anodzivenga. Mazwi avatsvene anomufadza. Munhu anokarira kuwana upfumi nenzira isina kururama anoparira mhuri yake nhamo asi anovenga pfumbamuromo anorarama. Munhu akarurama anombofunga mumwoyo make zvokupindura asi muromo wavakaipa unongosasa zvakaipa. Tenzi ari kure navakaipa asi anonzwa munamato wavakarurama. Meso ano rufaro anofadza mwoyo shoko rakanaka rinosimbisisa munhu mapfupa. Munhu anoteera zvaanotsiurwa anogara pakati pavangwaru. Munhu asingadi kudzorwa anozvishora iye pachake asi munhu anotsiurika anowana kunzwisisa. Kutya Tenzi chidzidzo choungwaru kuti munhu ukudzwe tanga wazvirereka.
Zvirevo 15:18-33 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Munhu, unehasha, unomutsa kukakaʋara; Asi unomŋoyo murefu unonyaradza gakaʋa. Nzira yesimbe yakaita soruzhowa rweminzwa; Asi nzira yaʋakarurama yakagadzirwa. Mŋanakomana wakacenjera unofadza ɓaɓa; Asi ɓenzi rinoshoʋora mai ʋaro. Ʋupenzi ʋunofadza munhu unoshaiwa ʋucenjeri; Asi munhu wenjere unofamba acirurama. Pasiŋgaraŋganwi mano anokona; Asi kunaʋarairi ʋazhinji ndokwaanosimbiswa. Munhu unofadzwa nemhinduro yakarurama yomuromo wake; Ʋuye shoko, rinotaurwa neŋguʋa yakafanira, rakanaka sei! Nzira yoʋupenyu yowakarurama inokwira kumsoro; Kuti apukunyuke paSheori pasi. Jehova ucaparadza imba yaʋanoɀikudza; Asi muganho wecirikadzi unousimbisa. Mano akashata anonyaŋgadza Jehova; Asi mashoko anofadza akacena. Unokarira fuma, unotambudza imba yake; Asi unoʋeŋga ɀipo, ucararama. Mŋoyo wowakarurama unombofuŋga caaŋgapindura; Asi muromo wowakaipa unoɗurura ɀakaipa. Jehova uri kure naʋakaipa; Asi unonzwa munyeŋgetero waʋakarurama. Meso anobginya anofadza mŋoyo; Mashoko akanaka, anobva kumŋe, anokodza mafupa. Nzeʋe, inoterera kuraira, kunoisa kuʋupenyu, Icagara pakati paʋakacenjera. Unoramba kurairirwa, unoshoʋora mŋeya wake; Asi unoterera kurairwa, unowana njere. Kutya Jehova kunodzidzisa ʋucenjeri; Ʋuye kuɀininipisa kunotaŋgira kukudzwa.
Zvirevo 15:18-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)