Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ɀireʋo 15:18-33

Ɀireʋo 15:18-33 SUB1949

Munhu, unehasha, unomutsa kukakaʋara; Asi unomŋoyo murefu unonyaradza gakaʋa. Nzira yesimbe yakaita soruzhowa rweminzwa; Asi nzira yaʋakarurama yakagadzirwa. Mŋanakomana wakacenjera unofadza ɓaɓa; Asi ɓenzi rinoshoʋora mai ʋaro. Ʋupenzi ʋunofadza munhu unoshaiwa ʋucenjeri; Asi munhu wenjere unofamba acirurama. Pasiŋgaraŋganwi mano anokona; Asi kunaʋarairi ʋazhinji ndokwaanosimbiswa. Munhu unofadzwa nemhinduro yakarurama yomuromo wake; Ʋuye shoko, rinotaurwa neŋguʋa yakafanira, rakanaka sei! Nzira yoʋupenyu yowakarurama inokwira kumsoro; Kuti apukunyuke paSheori pasi. Jehova ucaparadza imba yaʋanoɀikudza; Asi muganho wecirikadzi unousimbisa. Mano akashata anonyaŋgadza Jehova; Asi mashoko anofadza akacena. Unokarira fuma, unotambudza imba yake; Asi unoʋeŋga ɀipo, ucararama. Mŋoyo wowakarurama unombofuŋga caaŋgapindura; Asi muromo wowakaipa unoɗurura ɀakaipa. Jehova uri kure naʋakaipa; Asi unonzwa munyeŋgetero waʋakarurama. Meso anobginya anofadza mŋoyo; Mashoko akanaka, anobva kumŋe, anokodza mafupa. Nzeʋe, inoterera kuraira, kunoisa kuʋupenyu, Icagara pakati paʋakacenjera. Unoramba kurairirwa, unoshoʋora mŋeya wake; Asi unoterera kurairwa, unowana njere. Kutya Jehova kunodzidzisa ʋucenjeri; Ʋuye kuɀininipisa kunotaŋgira kukudzwa.