Munhu anogona kuseka zvake asi mumwoyo make muino kusuwa panopera kufara-fara kuya, yauya nhamo. Munhu wakaipa achazadzwa nomubayiro wezvaanoita wakanakawo nemichero yezviito zvake. Munhu asina pfungwa dzakadzama anongobvumira zvose zvose asi munhu wakangwara anotarisa paanotsika. Mungwaru anochenjerera zvinhu uye anonzvenga zvakaipa asi benzi rinozviita suku nasai, harikendenge. Munhu anokurumidza kushatirwa zvaanoita ndezvoupenzi asi munhu anoona zvinhu nemazvo anoita mwoyo murefu. Vanhu vasina pfungwa dzakadzama chavo upenzi, vakangwara chavo indaza yoruzivo. Vaipi vanogwadamira vakanaka, ndizvo zvinoita vakaipa pamisuo mikuru yavarurami. Varombo havadiwi kunyange nomuvakidzani navo asi mupfumi ane shamwari zhinji. Munhu anoshora mumwe wake mutadzi, akakomborerwa zvake munhu anoitira varombo tsiye nyoro. Ko havakanganise here vanhu vanoronga kuita zvakaipa? Vanoronga kuita zvakanaka vanowana mwoyochena nokutendeseka. Basa rose rose rine chimuko, asi kungotaura bedzi kunosvitsa pakushaiwa. Upfumi indaza yavachenjeri, asi upenzi indaza yamapenzi. Chapupu chechokwadi chinoponesa upenyu, asi munhu anoreva nhema mutengesi. Mukutya Tenzi mune chivimbo chakasimba, kana vana vakewo vanowana kwokupotera. Kutya Tenzi chisipiti choupenyu, kuitira kuti munhu anzvenge misungo yorufu. Kuwanda kwavanhu ndiyo mbiri yamambo ishe akashaya vanhu anoparara. Munhu asingakurumidzi kushatirwa munhu anonzwisisa, asi anokurumidza kushatirwa, anoita kuti upenzi huwande. Pfungwa dzikagadzikana, muviri unoita utano shungu dzomwoyo dzinoodza mapfupa. Anodzvinyirira murombo zvisina kunaka anoshora musiki wake, asi anoita tsiye nyoro kwaari anoremekedza musiki wake. Munhu wakaipa anoputsirwa pasi nouipi hwake, asi akarurama chitarisiro chake chiri mukuva pachokwadi. Ungwaru hunogara mupfungwa dzomunhu anonzwisisa, asi mumwoyo mebenzi hauzivikanwi. Ururami hunosimudzira rudzi asi chitadzo chinoshoresa rudzi. Muranda anoita zvino ungwaru anodiwa namambo asi anoita zvinonyadzisa anomuvirukira nehasha.
Verenga chikamu Tsumo 14
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Tsumo 14:13-35
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo