Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvirevo 14:13-35

Zvirevo 14:13-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Kunyange mukuseka mwoyo unogona kurwadziwa, uye mufaro ungangoperera mukusuwa. Vasingatendi vachapiwa mubayiro wakazara wenzira dzavo, uye munhu akanaka achapiwa mubayiro wenzira dzakewo. Munhu asina mano anongotenda zvose zvose, asi munhu akangwara anongwarira mafambiro ake. Munhu akachenjera anotya Jehovha uye anovenga zvakaipa, asi benzi rina manyawi uye harina hanya. Munhu anokurumidza kutsamwa anoita zvinhu zvoupenzi, uye munhu anoita zvounyengeri achavengwa. Vasina mano vachagara nhaka youpenzi, asi vakangwara vachapfekedzwa korona yezivo. Vanhu vakaipa vachagwadama pamberi pavakanaka, uye vakaipa pamasuo avakarurama. Varombo vanoraswa kunyange navavakidzani vavo, asi vapfumi vane shamwari zhinji. Uyo anozvidza muvakidzani wake anotadza, asi akaropafadzwa ane tsitsi kune vanoshayiwa. Ko, vanoronga zvakaipa havarasiki here? Asi avo vanoronga zvakanaka vanowana rudo nokutendeka. Kushanda nesimba kwose kunopa mubayiro, asi kungotaura kunotungamirira kuurombo bedzi. Upfumi hwavakachenjera ikorona yavo, asi upenzi hwamapenzi hunobereka upenzi. Chapupu chechokwadi chinoponesa upenyu, asi chapupu chenhema chinonyengera. Uyo anotya Jehovha ane nhare yakasimba, uye ichava utiziro kuvana vake. Kutya Jehovha ndicho chitubu choupenyu, kunodzora munhu kubva pamisungo yorufu. Mukuwanda kwavanhu ndimo mune ukuru hwamambo, asi pasina vanhu muchinda anoparadzwa. Munhu ane mwoyo murefu anonzwisisa, asi munhu anokurumidza kutsamwa anoratidza upenzi. Mwoyo wakagadzikana unopa upenyu kumuviri, asi ruchiva runoodza mapfupa. Uyo anomanikidza varombo anoratidza kuti anozvidza Musiki wavo, asi ani naani ane hanya nevanoshayiwa anokudza Mwari. Kana njodzi yauya, akaipa anowisirwa pasi, asi kunyange murufu akarurama ane utiziro. Uchenjeri hunogara mumwoyo yavanohunzvera uye kunyange pakati pamapenzi hunozvizivisa. Kururama kunosimudzira rudzi, asi chivi chinonyadzisa vanhu vapi zvavo. Mambo anofarira muranda akachenjera, asi muranda anonyadzisa achatsamwirwa naye.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Zvirevo 14

Zvirevo 14:13-35 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Kunyange munhu angaseka hake, mwoyo ungava neshungu; Kuguma kwomufaro ndiko kuchema. Ano mwoyo, anodzokera shure, achagutiswa nenzira dzake; Asi munhu akanaka achagutiswa nezvinobva maari. Asina mano anotenda mashoko ose; Asi akangwara anongwarira mafambiro ake. Akachenjera anotya zvakashata, achizvinzvenga; Asi benzi rina manyawi, richizvitenda. Anokurumidza kutsamwa, achaita noupenzi; Uye munhu, anofunga mano akaipa, achavengwa. Vasina mano vanogara nhaka yohupenzi; Asi vakangwara vachadzikwa korona yezivo. Vakashata vanogwadama pamberi pavakanaka; Navakaipa pamasuo avakarurama. Murombo anovengwa kunyange nowokwake; Asi shamwari dzavapfumi izhinji. Anoshora wokwake, anotadza; Asi ane tsitsi navarombo, ane mufaro. Ko vanofunga zvakaipa havarashiki here? Asi nyasha nezvokwadi ndezvavanofunga zvakanaka. Kubata kwose kune batsiro; Asi kungotaura nemiromo kunobereka kushaiwa. Korona yavakachenjera ipfuma yavo; Asi upenzi hwamapenzi upenzi zvahwo. Chapupu chakatendeka chinoponesa mweya yavanhu; Asi anoreva nhema anonyengedzera. Pakutya Jehovha pane simbiso kwazvo; Vana vowakadai vachava noutiziro. Kutya Jehovha itsime roupenyu; Kuti munhu apukunyuke pamisungo yorufu. Ukuru hwamambo hunoonekwa pakuwanda kwavanhu; Asi kuparadzwa kwashe kuri pakushaiwa vanhu. Ano mwoyo murefu ane njere kwazvo; Asi anokurumidza kutsamwa anowedzera upenzi. Mwoyo wakagadzikana ndihwo upenyu hwomuviri; Asi godo rinoodza mapfupa. Anomanikidza murombo, anozvidza Muiti wake; Asi ane tsitsi nomushaiwi, anomukudza. Akaipa anowiswa pasi mukutadza kwake; Asi akarurama ane tariro pakufa kwake. Uchenjeri hunogara pamwoyo weane njere; Asi zviri mukati mamapenzi zvinozikanwa. Kururama kunokurisa rudzi; Asi zvivi zvinonyadzisa kurudzi rupi norupi. Mambo anofarira muranda, anoita nokuchenjera; Asi anonyadzisa achatsamwirwa naye.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Zvirevo 14

Zvirevo 14:13-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Munhu anogona kuseka zvake asi mumwoyo make muino kusuwa panopera kufara-fara kuya, yauya nhamo. Munhu wakaipa achazadzwa nomubayiro wezvaanoita wakanakawo nemichero yezviito zvake. Munhu asina pfungwa dzakadzama anongobvumira zvose zvose asi munhu wakangwara anotarisa paanotsika. Mungwaru anochenjerera zvinhu uye anonzvenga zvakaipa asi benzi rinozviita suku nasai, harikendenge. Munhu anokurumidza kushatirwa zvaanoita ndezvoupenzi asi munhu anoona zvinhu nemazvo anoita mwoyo murefu. Vanhu vasina pfungwa dzakadzama chavo upenzi, vakangwara chavo indaza yoruzivo. Vaipi vanogwadamira vakanaka, ndizvo zvinoita vakaipa pamisuo mikuru yavarurami. Varombo havadiwi kunyange nomuvakidzani navo asi mupfumi ane shamwari zhinji. Munhu anoshora mumwe wake mutadzi, akakomborerwa zvake munhu anoitira varombo tsiye nyoro. Ko havakanganise here vanhu vanoronga kuita zvakaipa? Vanoronga kuita zvakanaka vanowana mwoyochena nokutendeseka. Basa rose rose rine chimuko, asi kungotaura bedzi kunosvitsa pakushaiwa. Upfumi indaza yavachenjeri, asi upenzi indaza yamapenzi. Chapupu chechokwadi chinoponesa upenyu, asi munhu anoreva nhema mutengesi. Mukutya Tenzi mune chivimbo chakasimba, kana vana vakewo vanowana kwokupotera. Kutya Tenzi chisipiti choupenyu, kuitira kuti munhu anzvenge misungo yorufu. Kuwanda kwavanhu ndiyo mbiri yamambo ishe akashaya vanhu anoparara. Munhu asingakurumidzi kushatirwa munhu anonzwisisa, asi anokurumidza kushatirwa, anoita kuti upenzi huwande. Pfungwa dzikagadzikana, muviri unoita utano shungu dzomwoyo dzinoodza mapfupa. Anodzvinyirira murombo zvisina kunaka anoshora musiki wake, asi anoita tsiye nyoro kwaari anoremekedza musiki wake. Munhu wakaipa anoputsirwa pasi nouipi hwake, asi akarurama chitarisiro chake chiri mukuva pachokwadi. Ungwaru hunogara mupfungwa dzomunhu anonzwisisa, asi mumwoyo mebenzi hauzivikanwi. Ururami hunosimudzira rudzi asi chitadzo chinoshoresa rudzi. Muranda anoita zvino ungwaru anodiwa namambo asi anoita zvinonyadzisa anomuvirukira nehasha.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Zvirevo 14

Zvirevo 14:13-35 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Kunyaŋge munhu aŋgaseka hake, mŋoyo uŋgaʋa neshuŋgu; Kuguma kwomufaro ndiko kucema. Unomŋoyo, unodzokera shure, ucagutiswa nenzira dzake; Asi munhu wakanaka ucagutiswa neɀinobva maari. Usina mano unotenda mashoko ose; Asi wakaŋgwara unoŋgwarira mafambiro ake. Wakacenjera unotya ɀakashata, aciɀinɀeŋga; Asi ɓenzi rinamanyawi, riciɀitenda. Unokurumidza kutsamŋa, ucaita noʋupenzi; Ʋuye munhu, unofuŋga mano akaipa, ucaʋeŋgwa. Ʋasina mano ʋanogara nhaka yoʋupenzi; Asi ʋakaŋgwara ʋacadzikwa korona yeziʋo. Ʋakashata ʋanogwaɗama pamberi paʋakanaka; Naʋakaipa pamasuʋo aʋakarurama. Murombo unoʋeŋgwa kunyaŋge nowokwake; Asi shamŋari dzaʋafumi izhinji. Unoshoʋora wokwake, unotadza; Asi unetsitsi naʋarombo, unomufaro. Ko ʋanofuŋga ɀakaipa haʋarashiki here? Asi nyasha neɀokwaɗi ndeɀaʋanofuŋga ɀakanaka. Kuɓata kwose kuneɓatsiro; Asi kuŋgotaura nemiromo kunoɓereka kushaiwa. Korona yaʋakacenjera ifuma yaʋo; Asi ʋupenzi bgamapenzi ʋupenzi ɀabgo. Capupu cakatendeka cinoponesa mŋeya yaʋanhu; Asi unoreʋa nhema unonyeŋgedzera. Pakutya Jehova panesimbiso kwaɀo; Ʋana ʋowakaɗai ʋacaʋa noʋutiziro. Kutya Jehova itsime roʋupenyu; Kuti munhu apukunyuke pamisuŋgo yorufu. Ʋukuru bgamambo ʋunoʋonekwa pakuwanda kwaʋanhu; Asi kuparadzwa kwashe kuri pakushaiwa ʋanhu. Unomŋoyo murefu unenjere kwaɀo; Asi unokurumidza kutsamŋa unowedzera ʋupenzi. Mŋoyo wakagadzikana ndibgo ʋupenyu bgomuʋiri; Asi goɗo rinoʋodza mafupa. Unomanikidza murombo, unoɀidza Muiti wake; Asi unetsitsi nomushaiwi, unomukudza. Wakaipa unowiswa pasi mukutadza kwake; Asi wakarurama unetariro pakufa kwake. Ʋucenjeri ʋunogara pamŋoyo wounenjere; Asi ɀiri mukati mamapenzi ɀinozikanwa. Kururama kunokurisa rudzi; Asi ɀiʋi ɀinonyadzisa kurudzi rupi norupi. Mambo unofarira muranda, unoita nokucenjera; Asi unonyadzisa ucatsamŋirwa naye.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Zvirevo 14

Zvirevo 14:13-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)