Kunyange munhu angaseka hake, mwoyo ungava neshungu; Kuguma kwomufaro ndiko kuchema. Ano mwoyo, anodzokera shure, achagutiswa nenzira dzake; Asi munhu akanaka achagutiswa nezvinobva maari. Asina mano anotenda mashoko ose; Asi akangwara anongwarira mafambiro ake. Akachenjera anotya zvakashata, achizvinzvenga; Asi benzi rina manyawi, richizvitenda. Anokurumidza kutsamwa, achaita noupenzi; Uye munhu, anofunga mano akaipa, achavengwa. Vasina mano vanogara nhaka yohupenzi; Asi vakangwara vachadzikwa korona yezivo. Vakashata vanogwadama pamberi pavakanaka; Navakaipa pamasuo avakarurama. Murombo anovengwa kunyange nowokwake; Asi shamwari dzavapfumi izhinji. Anoshora wokwake, anotadza; Asi ane tsitsi navarombo, ane mufaro. Ko vanofunga zvakaipa havarashiki here? Asi nyasha nezvokwadi ndezvavanofunga zvakanaka. Kubata kwose kune batsiro; Asi kungotaura nemiromo kunobereka kushaiwa. Korona yavakachenjera ipfuma yavo; Asi upenzi hwamapenzi upenzi zvahwo. Chapupu chakatendeka chinoponesa mweya yavanhu; Asi anoreva nhema anonyengedzera. Pakutya Jehovha pane simbiso kwazvo; Vana vowakadai vachava noutiziro. Kutya Jehovha itsime roupenyu; Kuti munhu apukunyuke pamisungo yorufu. Ukuru hwamambo hunoonekwa pakuwanda kwavanhu; Asi kuparadzwa kwashe kuri pakushaiwa vanhu. Ano mwoyo murefu ane njere kwazvo; Asi anokurumidza kutsamwa anowedzera upenzi. Mwoyo wakagadzikana ndihwo upenyu hwomuviri; Asi godo rinoodza mapfupa. Anomanikidza murombo, anozvidza Muiti wake; Asi ane tsitsi nomushaiwi, anomukudza. Akaipa anowiswa pasi mukutadza kwake; Asi akarurama ane tariro pakufa kwake. Uchenjeri hunogara pamwoyo weane njere; Asi zviri mukati mamapenzi zvinozikanwa. Kururama kunokurisa rudzi; Asi zvivi zvinonyadzisa kurudzi rupi norupi. Mambo anofarira muranda, anoita nokuchenjera; Asi anonyadzisa achatsamwirwa naye.
Verenga chikamu Zvirevo 14
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Zvirevo 14:13-35
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo