Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Tsumo 13:13-25

Tsumo 13:13-25 SCLB

Munhu anoshora shoko anozviparadza asi anoremekedza mutemo achapiwa mubayiro. Chidzidziso chomungwaru chisipiti cheupenyu kuitira kuti munhu anzvenge musungo werufu. Kunzwisisisa kunoita kuti munhu adiwe asi nzira yavanyengedzi yakaoma. Munhu akachenjera anoita zvinhu noruzivo asi benzi rinoparidzira urema hwaro. Nhumwa yakaipa inopinza munhamo asi nhumwa yakatendeka inounza kurapa. Munhu anoshora dzidzo urombo nokunyadziswa ndozvake asi anoisa mumwoyo zvaanege atsiurwa acharemekedzwa. Munhu anofara kana zvaanoda zvaitika zvokusiana nezvakaipa mapenzi haadi. Anofambidzana navangwaru, anovawo mungwaru asi shamwari yamapenzi inopinda nhamo. Vatadzi vanorondwa nezvakaipa asi vakarurama vanopiwa mubayiro nezvakanaka. Munhu wakanaka anosiira vana vevana vake nhaka asi upfumi hwomuipi hunochengeterwa varurami. Gura romurombo rinopa chokudya chakawanda asi chinotsvairwa pamusana pokushaika kweruenzaniso. Munhu asingarove mwana wake neshamhu anomuvenga, asi anoda mwana wake anomuranga kwazvo. Mururami anodya pamadiro, asi dumbu rowakaipa inzara yoga.

Verenga chikamu Tsumo 13