Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvirevo 13:13-25

Zvirevo 13:13-25 SNA2002

Anozvidza Shoko, asungwa naro; Asi anotya murayiro, achapiwa mubayiro. Kudzidzisa kwowakachenjera itsime roupenyu; Kuti munhu apukunyuke pamisungo yorufu. Njere dzakanaka dzinouyisa kufarirwa navanhu; Asi nzira yavatadzi ihukutu. Mumwe nomumwe, akangwara, anoita nokuziva, Asi benzi rinokusha upenzi hwarwo. Nhume yakaipa inowira munjodzi; Asi munyai anotendwa anoporesa. Urombo nokunyadziswa ndiwo mubayiro woanoramba kurairirwa; Asi anoteerera kurairwa achakudzwa. Kana zvinodikanwa zvaitwa, zvinozipa pamweya; Asi mapenzi anonyangadzwa kana achisiyana nezvakashata. Fambidzana navakachenjera, ugova akachenjerawo; Asi shamwari yamapenzi inoshatiswa. Zvakaipa zvichatevera vatadzi; Asi vakarurama vacharipirwa nezvakanaka. Munhu, akanaka, achasiyira vana vavana vake nhaka; Asi pfuma yomutadzi inochengeterwa akarurama. Munda womurombo ane zvokudya zvizhinji; Asi mumwe ariko anoparadzwa nokuda kwokusarurama. Anorega shamhu anovenga mwanakomana wake; Asi anomuda, anomuranga zvakanaka. Akarurama anodya kusvikira agutisa mweya wake; Asi dumbu rowakaipa richashaiwa.

Verenga chikamu Zvirevo 13