Zvirevo 13:13-25
Zvirevo 13:13-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uyo anozvidza kurayirwa achazozviripira izvozvo, asi uyo anokudza murayiro achawana mubayiro. Kudzidzisa kwowakachenjera itsime roupenyu, rinobvisa munhu pamusungo worufu. Kunzwisisa kwakanaka kunowanisa nyasha, asi nzira yavasina kutendeka ihukutu. Munhu wose akachenjera anoita zvinhu noruzivo, asi benzi rinoratidza upenzi hwaro. Nhume yakaipa inowira munjodzi, asi munyai akatendeka anouya nokuporesa. Uyo anozvidza kurayirwa achava murombo uye achanyadziswa, asi ani naani anoteerera kurayirwa achakudzwa. Chishuvo chazadziswa chinozipa pamweya, asi mapenzi anovenga kusiya zvakaipa. Uyo anofamba navakachenjera achachenjerawo, asi shamwari yamapenzi ichakuvadzwa. Zvakaipa zvinotevera mutadzi, asi kubudirira ndiwo mugove wavakarurama. Munhu akanaka anosiyira vana vevana vake nhaka, asi upfumi hwomutadzi hunounganidzirwa vakarurama. Munda womurombo ungabereka zvokudya zvakawanda, asi kusaruramisira kunozvitsvairira kure. Anorega kushandisa shamhu anovenga mwanakomana wake, asi uyo anomuda anochenjerera kumuranga. Vakarurama vanodya zvinogutsa mwoyo yavo, asi dumbu reakaipa richanzwa nzara.
Zvirevo 13:13-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Anozvidza Shoko, asungwa naro; Asi anotya murayiro, achapiwa mubayiro. Kudzidzisa kwowakachenjera itsime roupenyu; Kuti munhu apukunyuke pamisungo yorufu. Njere dzakanaka dzinouyisa kufarirwa navanhu; Asi nzira yavatadzi ihukutu. Mumwe nomumwe, akangwara, anoita nokuziva, Asi benzi rinokusha upenzi hwarwo. Nhume yakaipa inowira munjodzi; Asi munyai anotendwa anoporesa. Urombo nokunyadziswa ndiwo mubayiro woanoramba kurairirwa; Asi anoteerera kurairwa achakudzwa. Kana zvinodikanwa zvaitwa, zvinozipa pamweya; Asi mapenzi anonyangadzwa kana achisiyana nezvakashata. Fambidzana navakachenjera, ugova akachenjerawo; Asi shamwari yamapenzi inoshatiswa. Zvakaipa zvichatevera vatadzi; Asi vakarurama vacharipirwa nezvakanaka. Munhu, akanaka, achasiyira vana vavana vake nhaka; Asi pfuma yomutadzi inochengeterwa akarurama. Munda womurombo ane zvokudya zvizhinji; Asi mumwe ariko anoparadzwa nokuda kwokusarurama. Anorega shamhu anovenga mwanakomana wake; Asi anomuda, anomuranga zvakanaka. Akarurama anodya kusvikira agutisa mweya wake; Asi dumbu rowakaipa richashaiwa.
Zvirevo 13:13-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Munhu anoshora shoko anozviparadza asi anoremekedza mutemo achapiwa mubayiro. Chidzidziso chomungwaru chisipiti cheupenyu kuitira kuti munhu anzvenge musungo werufu. Kunzwisisisa kunoita kuti munhu adiwe asi nzira yavanyengedzi yakaoma. Munhu akachenjera anoita zvinhu noruzivo asi benzi rinoparidzira urema hwaro. Nhumwa yakaipa inopinza munhamo asi nhumwa yakatendeka inounza kurapa. Munhu anoshora dzidzo urombo nokunyadziswa ndozvake asi anoisa mumwoyo zvaanege atsiurwa acharemekedzwa. Munhu anofara kana zvaanoda zvaitika zvokusiana nezvakaipa mapenzi haadi. Anofambidzana navangwaru, anovawo mungwaru asi shamwari yamapenzi inopinda nhamo. Vatadzi vanorondwa nezvakaipa asi vakarurama vanopiwa mubayiro nezvakanaka. Munhu wakanaka anosiira vana vevana vake nhaka asi upfumi hwomuipi hunochengeterwa varurami. Gura romurombo rinopa chokudya chakawanda asi chinotsvairwa pamusana pokushaika kweruenzaniso. Munhu asingarove mwana wake neshamhu anomuvenga, asi anoda mwana wake anomuranga kwazvo. Mururami anodya pamadiro, asi dumbu rowakaipa inzara yoga.
Zvirevo 13:13-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Unoɀidza Shoko, wasuŋgwa naro; Asi unotya murairo, ucapiwa muɓairo. Kudzidzisa kwowakacenjera itsime roʋupenyu; Kuti munhu apukunyuke pamisuŋgo yorufu. Njere dzakanaka dzinoʋuyisa kufarirwa naʋanhu; Asi nzira yaʋatadzi ihukutu. Mumŋe nomumŋe, wakaŋgwara, unoita nokuziʋa, Asi ɓenzi rinokusha ʋupenzi bgaro. Nhume yakaipa inowira munjodzi; Asi munyai unotendwa unoporesa. Ʋurombo nokunyadziswa ndiwo muɓairo wounoramba kurairirwa; Asi unoterera kurairwa ucakudzwa. Kana ɀinoɗikanwa ɀaitwa, ɀinozipa pamŋeya; Asi mapenzi anonyaŋgadzwa kana acisiyana neɀakashata. Fambidzana naʋakacenjera, ugoʋa wakacenjera ʋo; Asi shamŋari yamapenzi inoshatiswa. Ɀakaipa ɀicateʋera ʋatadzi; Asi ʋakarurama ʋacaripirwa neɀakanaka. Munhu, wakanaka, ucasiyira ʋana ʋaʋana ʋake nhaka; Asi fuma yomutadzi inoceŋgeterwa wakarurama. Munda womurombo uneɀokudya ɀizhinji; Asi mumŋe uri’ko unoparadzwa nokuɗa kwokusarurama. Unorega shamhu unoʋeŋga mŋanakomana wake; Asi unomuɗa, unomuraŋga ɀakanaka. Wakarurama unodya kuȿikira agutisa mŋeya wake; Asi ɗumbu rowakaipa ricashaiwa.
Zvirevo 13:13-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)