Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Kuverengwa 22:15-31

Kuverengwa 22:15-31 SCLB

Bharaki akatumazve mamwe machinda akapfuura aya aya uwandi nechiremera, vakaenda kuna Bhiriamu vakandoti, “Zvanzi naBharaki mwana waZipori pasava nechinokutadzisai kuuya kwandiri, nokuti ndichakupai mubairo mukuru kwazvo. Chero chamunoreva ndichachiita. Saka chiuyai zvenyu muzondirengererera rushambwa vanhu ava.” Bhiriamu akapindura varanda vaBharaki achiti, “Kunyange Bharaki akandipa imba yake izere sirivha nendarama, handingatsaudziri shoko raTenzi Mwari wangu ndichiritapudza kana kuriwedzera. Zvino ndapota imiwo raraiwo pano nhasi kuti ndigoziva kuti Tenzi achandiudza zvimwe here.” Mwari akauya kuna Bhiriamu usiku ihwohwo akati, “Kana varume ava vakauya kuzokudaidza, simuka zvako uende navo. Asi zvandinokuudza ndizvo chete zvauchaita.” Naizvozvo Bhiriamu akamuka mangwanani ndokusungirira chityaro padhongi ndokuenda namachinda eMoabhu. Asi kuenda kwake kwakashatirisa Mwari. Zvaaifamba akatasva dhongi rake aina varanda vake vaviri, mutumwa waTenzi akandomira munzira kumudzivisa. Dhongi parakaona mutumwa waMwari akamira munzira akabata mumaoko bakatwa rakavhomorwa, rakabva ratsauka roenda musango. Bhiriamu ndokurirova achiridzorera munzira. Mutumwa waTenzi akandomira pakanzira kakanga kari pakati peminda yemigirepisi paiti uku rusvingo uku rusvingo. Dhongi parakaona mutumwa waTenzi rakasebera nokurusvingo rikadzvanyidzira gumbo raBhiriamu kurusvingo rwuya. Ndokubva arirova zvakare. Mutumwa waTenzi akaenda mberi akandomira pakamanikana pakanga pasina nzvimbo yokutsaukira kurudyi kana kuruboshwe. Dhongi parakaona mutumwa waTenzi, rakarara pasi, Bhiriamu akaritasva kudaro. Bhiriamu akaviruka nehasha akarova dhongi netsvimbo yake. Ipapo Tenzi akapa dhongi kuti ritaure richiti, “Ko ndaiteko kuzondirova kudai katatu kose?” Bhiriamu ndokuti kwariri, “Nokuti uri kutoita zvako zvokutamba neni. Dai ndanga ndiine bakatwa rangu ndingadai ndakuuraya iye zvino uno.” Dhongi rakapindura Bhiriamu richiti, “Handisiri ini dhongi renyu here ramakatasva upenyu hwenyu hwose kusvikira nhasi? Makambondiona ndichikuitirai zvakadai here?” Akati, “Kwete.” Tenzi akabva apengenutsa meso aBhiriamu akaona mutumwa waMwari amire munzira, akabata mumaoko bakatwa rakavhomorwa. Bhiriamu akakotamisa musoro wake ndokubva azvambarara.