Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Numeri 22:15-31

Numeri 22:15-31 SNA2002

Zvino Bharaki akapamhazve kutuma machinda mazhinji kuna ivo navakakudzwa kupfuura ivo. Vakasvika kuna Bharamu, vakati kwaari, “Zvanzi naBharaki, mwanakomana waZipori, ‘Usatendera chinhu kukudzivisa kuuya kwandiri; nokuti ndichakukudza zvikuru kwazvo, zvose zvaunondiraira ndichazviita; naizvozvo douya hako unditukire vanhu ava.’ ” Bharamu akapindura, akati kuvaranda vaBharaki, “Kunyange Bharaki akandipa imba yake izere nesirivha nendarama, handingagoni kudarika shoko raJehovha Mwari wangu, kuti nditapudze kana ndiwedzere kwariri. Naizvozvo zvino nemiwo dovatai henyu pano usiku huno, kuti ndizive zvandichaudzwazve naJehovha.” Zvino Mwari akauya kuna Bharamu usiku, akati kwaari, “Vanhu ava kana vakauya kuzokudana simuka uende navo; asi shoko randichataura kwauri, unofanira kuita iro roga.” Zvino Bharamu akamuka mangwanani, akaisa chigaro pambongoro yake, akaenda namachinda aMoabhu. Asi Mwari akamutsamwira, zvaakaenda; mutumwa waJehovha akandomira munzira yake, kuti arwe naye. Zvino iye akanga akatasva mbongoro yake, navaranda vake vaviri vakanga vanaye. Ipapo mbongoro ikaona mutumwa waJehovha amire munzira, ano munondo wakavhomorwa muruoko rwake; mbongoro ikatsauka panzira, ikaenda nokusango; Bharamu akarova mbongoro kuti aidzorere kunzira. Zvino mutumwa waJehovha akandomira panzira nhete pakati peminda yemizambiringa, rusvingo ruri kurutivi runo, norusvingo kuno rumwe rutivizve. Mbongoro ikaona mutumwa waJehovha, ikazvisundira kurusvingo; ikambandidzira rutsoka rwaBharamu parusvingo; ipapo akairovazve. Mutumwa waJehovha akapfuura mberi, akandomira pakanga pakamanikana, pakanga pasina nzvimbo yokutsaukira kurudyi kana kuruboshwe. Mbongoro ikaona mutumwa waJehovha, ikavata pasi, Bharamu ari pamusoro payo; Bharamu akatsamwa, akarova mbongoro netsvimbo yake. Zvino Jehovha akashamisa muromo wembongoro, ikati kuna Bharamu, “Ndakakuitireiko, zvamandirova zvino katatu?” Bharamu akati kumbongoro, “Nokuti wakandidadira; dai ndaiva nomunondo muruoko rwangu, ndingadai ndakuuraya pakarepo.” Mbongoro ikati kuna Bharamu, “Ko ini handizi mbongoro yenyu yamakatasva makore enyu ose kusvikira zuva rino here? Ko ndaigara ndichikuitirai saizvozvo here?” Iye akati, “Kwete.” Ipapo Jehovha akasvinudza meso aBharamu, akaona mutumwa waJehovha amire munzira, ano munondo wakavhomorwa muruoko rwake; akakotamisa musoro wake, akawira pasi nechiso chake.

Verenga chikamu Numeri 22