Numeri 22:15-31
Numeri 22:15-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Bharaki akatumazve mamwe machinda, akawanda chose uye aikudzwa kupinda vokutanga. Vakasvika kuna Bharamu vakati: “Zvanzi naBharaki mwanakomana waZipori: Usatendera chimwe chinhu kukukonesa kuuya kwandiri, nokuti ndichakupa mubayiro wakanaka kwazvo uye ndichaita zvose zvaunoreva. Uya unditukire vanhu ava.” Asi Bharamu akavapindura akati, “Kunyange dai Bharaki akandipa muzinda wake uzere nesirivha negoridhe, handingagoni kuita chimwe chinhu chikuru kana chiduku kuti tiite zvinodarika murayiro waJehovha Mwari wangu. Zvino chivatai pano manheru ano sezvakaita vamwe, ini ndichanzwa kana Jehovha ane zvimwe zvaangandiudza.” Usiku ihwohwo Mwari akauya kuna Bharamu akati kwaari, “Sezvo vanhu ava vauya kuzokudana, enda hako navo, asi uite chete zvandinokuudza.” Bharamu akamuka mangwanani, akaisa chigaro pambongoro yake akaenda namachinda eMoabhu. Asi Mwari akamutsamwira zvikuru paakaenda, uye mutumwa waJehovha akamira munzira kuti amukonese. Bharamu akanga akatasva mbongoro yake, uye varanda vake vaviri vaiva naye. Mbongoro yakati ichiona mutumwa waJehovha amire munzira ane munondo wakavhomorwa muruoko rwake, yakabuda munzira ikapinda mumunda. Bharamu akairova kuti idzokere munzira. Ipapo mutumwa waJehovha akamira pakamanikana pakati peminda miviri yemizambiringa, paiva namasvingo kumativi ose. Mbongoro yakati ichiona mutumwa waJehovha, yakazvimanikidzira kurusvingo ikatsimbirira rutsoka rwaBharamu parwuri. Saka akapamhazve kuirova. Ipapo mutumwa waJehovha akapfuurira mberi akandomira panzvimbo yakamanikana pakanga pasina mukana wokutendeukira kurudyi kana kuruboshwe. Mbongoro yakati ichiona mutumwa waJehovha, yakavata pasi paBharamu, iye akatsamwa zvikuru akairova netsvimbo yake. Ipapo Jehovha akashamisa muromo wembongoro, ikati kuna Bharamu, “Ndaiteiko kwamuri zvaita kuti mundirove katatu kose aka?” Bharamu akapindura mbongoro akati, “Wandiita benzi iwe! Dai ndanga ndiine munondo muruoko rwangu ndingadai ndakuuraya izvozvi.” Mbongoro yakati kuna Bharamu, “Ko, handisi mbongoro yenyu, yamunogara muchitasva kusvikira zuva rino here? Ko, ndinogara ndichikuitirai zvakadai here?” Iye akati, “Kwete.” Ipapo Jehovha akasvinudza meso aBharamu, iye akaona mutumwa waJehovha amire munzira ane munondo wake wakavhomorwa. Saka akakotama akawira pasi nechiso chake.
Numeri 22:15-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Bharaki akatumazve mamwe machinda akapfuura aya aya uwandi nechiremera, vakaenda kuna Bhiriamu vakandoti, “Zvanzi naBharaki mwana waZipori pasava nechinokutadzisai kuuya kwandiri, nokuti ndichakupai mubairo mukuru kwazvo. Chero chamunoreva ndichachiita. Saka chiuyai zvenyu muzondirengererera rushambwa vanhu ava.” Bhiriamu akapindura varanda vaBharaki achiti, “Kunyange Bharaki akandipa imba yake izere sirivha nendarama, handingatsaudziri shoko raTenzi Mwari wangu ndichiritapudza kana kuriwedzera. Zvino ndapota imiwo raraiwo pano nhasi kuti ndigoziva kuti Tenzi achandiudza zvimwe here.” Mwari akauya kuna Bhiriamu usiku ihwohwo akati, “Kana varume ava vakauya kuzokudaidza, simuka zvako uende navo. Asi zvandinokuudza ndizvo chete zvauchaita.” Naizvozvo Bhiriamu akamuka mangwanani ndokusungirira chityaro padhongi ndokuenda namachinda eMoabhu. Asi kuenda kwake kwakashatirisa Mwari. Zvaaifamba akatasva dhongi rake aina varanda vake vaviri, mutumwa waTenzi akandomira munzira kumudzivisa. Dhongi parakaona mutumwa waMwari akamira munzira akabata mumaoko bakatwa rakavhomorwa, rakabva ratsauka roenda musango. Bhiriamu ndokurirova achiridzorera munzira. Mutumwa waTenzi akandomira pakanzira kakanga kari pakati peminda yemigirepisi paiti uku rusvingo uku rusvingo. Dhongi parakaona mutumwa waTenzi rakasebera nokurusvingo rikadzvanyidzira gumbo raBhiriamu kurusvingo rwuya. Ndokubva arirova zvakare. Mutumwa waTenzi akaenda mberi akandomira pakamanikana pakanga pasina nzvimbo yokutsaukira kurudyi kana kuruboshwe. Dhongi parakaona mutumwa waTenzi, rakarara pasi, Bhiriamu akaritasva kudaro. Bhiriamu akaviruka nehasha akarova dhongi netsvimbo yake. Ipapo Tenzi akapa dhongi kuti ritaure richiti, “Ko ndaiteko kuzondirova kudai katatu kose?” Bhiriamu ndokuti kwariri, “Nokuti uri kutoita zvako zvokutamba neni. Dai ndanga ndiine bakatwa rangu ndingadai ndakuuraya iye zvino uno.” Dhongi rakapindura Bhiriamu richiti, “Handisiri ini dhongi renyu here ramakatasva upenyu hwenyu hwose kusvikira nhasi? Makambondiona ndichikuitirai zvakadai here?” Akati, “Kwete.” Tenzi akabva apengenutsa meso aBhiriamu akaona mutumwa waMwari amire munzira, akabata mumaoko bakatwa rakavhomorwa. Bhiriamu akakotamisa musoro wake ndokubva azvambarara.

Numeri 22:15-31 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Bharaki akapamhazve kutuma machinda mazhinji kuna ivo navakakudzwa kupfuura ivo. Vakasvika kuna Bharamu, vakati kwaari, “Zvanzi naBharaki, mwanakomana waZipori, ‘Usatendera chinhu kukudzivisa kuuya kwandiri; nokuti ndichakukudza zvikuru kwazvo, zvose zvaunondiraira ndichazviita; naizvozvo douya hako unditukire vanhu ava.’ ” Bharamu akapindura, akati kuvaranda vaBharaki, “Kunyange Bharaki akandipa imba yake izere nesirivha nendarama, handingagoni kudarika shoko raJehovha Mwari wangu, kuti nditapudze kana ndiwedzere kwariri. Naizvozvo zvino nemiwo dovatai henyu pano usiku huno, kuti ndizive zvandichaudzwazve naJehovha.” Zvino Mwari akauya kuna Bharamu usiku, akati kwaari, “Vanhu ava kana vakauya kuzokudana simuka uende navo; asi shoko randichataura kwauri, unofanira kuita iro roga.” Zvino Bharamu akamuka mangwanani, akaisa chigaro pambongoro yake, akaenda namachinda aMoabhu. Asi Mwari akamutsamwira, zvaakaenda; mutumwa waJehovha akandomira munzira yake, kuti arwe naye. Zvino iye akanga akatasva mbongoro yake, navaranda vake vaviri vakanga vanaye. Ipapo mbongoro ikaona mutumwa waJehovha amire munzira, ano munondo wakavhomorwa muruoko rwake; mbongoro ikatsauka panzira, ikaenda nokusango; Bharamu akarova mbongoro kuti aidzorere kunzira. Zvino mutumwa waJehovha akandomira panzira nhete pakati peminda yemizambiringa, rusvingo ruri kurutivi runo, norusvingo kuno rumwe rutivizve. Mbongoro ikaona mutumwa waJehovha, ikazvisundira kurusvingo; ikambandidzira rutsoka rwaBharamu parusvingo; ipapo akairovazve. Mutumwa waJehovha akapfuura mberi, akandomira pakanga pakamanikana, pakanga pasina nzvimbo yokutsaukira kurudyi kana kuruboshwe. Mbongoro ikaona mutumwa waJehovha, ikavata pasi, Bharamu ari pamusoro payo; Bharamu akatsamwa, akarova mbongoro netsvimbo yake. Zvino Jehovha akashamisa muromo wembongoro, ikati kuna Bharamu, “Ndakakuitireiko, zvamandirova zvino katatu?” Bharamu akati kumbongoro, “Nokuti wakandidadira; dai ndaiva nomunondo muruoko rwangu, ndingadai ndakuuraya pakarepo.” Mbongoro ikati kuna Bharamu, “Ko ini handizi mbongoro yenyu yamakatasva makore enyu ose kusvikira zuva rino here? Ko ndaigara ndichikuitirai saizvozvo here?” Iye akati, “Kwete.” Ipapo Jehovha akasvinudza meso aBharamu, akaona mutumwa waJehovha amire munzira, ano munondo wakavhomorwa muruoko rwake; akakotamisa musoro wake, akawira pasi nechiso chake.
Numeri 22:15-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Bharaki akatumazve mamwe machinda akapfuura aya aya uwandi nechiremera, vakaenda kuna Bhiriamu vakandoti, “Zvanzi naBharaki mwana waZipori pasava nechinokutadzisai kuuya kwandiri, nokuti ndichakupai mubairo mukuru kwazvo. Chero chamunoreva ndichachiita. Saka chiuyai zvenyu muzondirengererera rushambwa vanhu ava.” Bhiriamu akapindura varanda vaBharaki achiti, “Kunyange Bharaki akandipa imba yake izere sirivha nendarama, handingatsaudziri shoko raTenzi Mwari wangu ndichiritapudza kana kuriwedzera. Zvino ndapota imiwo raraiwo pano nhasi kuti ndigoziva kuti Tenzi achandiudza zvimwe here.” Mwari akauya kuna Bhiriamu usiku ihwohwo akati, “Kana varume ava vakauya kuzokudaidza, simuka zvako uende navo. Asi zvandinokuudza ndizvo chete zvauchaita.” Naizvozvo Bhiriamu akamuka mangwanani ndokusungirira chityaro padhongi ndokuenda namachinda eMoabhu. Asi kuenda kwake kwakashatirisa Mwari. Zvaaifamba akatasva dhongi rake aina varanda vake vaviri, mutumwa waTenzi akandomira munzira kumudzivisa. Dhongi parakaona mutumwa waMwari akamira munzira akabata mumaoko bakatwa rakavhomorwa, rakabva ratsauka roenda musango. Bhiriamu ndokurirova achiridzorera munzira. Mutumwa waTenzi akandomira pakanzira kakanga kari pakati peminda yemigirepisi paiti uku rusvingo uku rusvingo. Dhongi parakaona mutumwa waTenzi rakasebera nokurusvingo rikadzvanyidzira gumbo raBhiriamu kurusvingo rwuya. Ndokubva arirova zvakare. Mutumwa waTenzi akaenda mberi akandomira pakamanikana pakanga pasina nzvimbo yokutsaukira kurudyi kana kuruboshwe. Dhongi parakaona mutumwa waTenzi, rakarara pasi, Bhiriamu akaritasva kudaro. Bhiriamu akaviruka nehasha akarova dhongi netsvimbo yake. Ipapo Tenzi akapa dhongi kuti ritaure richiti, “Ko ndaiteko kuzondirova kudai katatu kose?” Bhiriamu ndokuti kwariri, “Nokuti uri kutoita zvako zvokutamba neni. Dai ndanga ndiine bakatwa rangu ndingadai ndakuuraya iye zvino uno.” Dhongi rakapindura Bhiriamu richiti, “Handisiri ini dhongi renyu here ramakatasva upenyu hwenyu hwose kusvikira nhasi? Makambondiona ndichikuitirai zvakadai here?” Akati, “Kwete.” Tenzi akabva apengenutsa meso aBhiriamu akaona mutumwa waMwari amire munzira, akabata mumaoko bakatwa rakavhomorwa. Bhiriamu akakotamisa musoro wake ndokubva azvambarara.
Numeri 22:15-31 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Baraki akapamha ɀe kutuma macinda mazhinji kunaiʋo naʋakakudzwa kupfuʋura iʋo. Ʋakaȿika kunaBarami, ʋakati kwaari: Ɀanzi naBaraki, mŋanakomana waZipori: Usatendera cinhu kukudziʋisa kuʋuya kwandiri; nokuti ndicakukudza ɀikuru kwaɀo, ɀose ɀaunondiraira ndicaɀiita; naiɀoɀo ɗoʋuya hako unditukire ʋanhu aʋa. Barami akapindura, akati kuʋaranda ʋaBaraki: Kunyaŋge Baraki akandipa imba yake izere nesirveri nendarama, handiŋgagoni kuɗarika shoko raJehova Mŋari waŋgu, kuti nditapudze kana ndiwedzere kwariri. Naiɀoɀo ɀino nemi ʋo ɗoʋatai henyu pano ʋusiku bguno, kuti ndiziʋe ɀandicaʋudzwa ɀe naJehova. Ɀino Mŋari akaʋuya kunaBarami ʋusiku, akati kwaari: Ʋanhu aʋa kana ʋakaʋuya kuzokuɗana simuka uende naʋo; asi shoko randicataura kwauri, unofanira kuita iro roga. Ɀino Barami akamuka maŋgwanani, akaisa cigaro pamboŋgoro yake, akaenda namacinda aMoabi. Asi Mŋari wakamutsamŋira, ɀaakaenda; mutumŋa waJehova akandomira munzira yake, kuti arwe naye. Ɀino iye wakaŋga akataȿa mboŋgoro yake, naʋaranda ʋake ʋaʋiri ʋakaŋga ʋanaye. Ipapo mboŋgoro ikaʋona mutumŋga waJehova amire munzira, anomunondo wakavomorwa muruʋoko rwake; mboŋgoro ikatsauka panzira, ikaenda nokusaŋgo; Barami akaroʋa mboŋgoro kuti aidzorere kunzira. Ɀino mutumŋa waJehova akandomira panzira nhete pakati peminda yemizambiriŋga, ruȿiŋgo ruri kurutiʋi runo, noruȿiŋgo kunorumŋe rutiʋi ɀe. Mboŋgoro ikaʋona mutumŋa waJehova, ikaɀisundira kuruȿiŋgo, ikambandidzira rutsoka rwaBarami paruȿiŋgo; ipapo akairoʋa ɀe. Mutumŋa waJehova akapfuʋura mberi, akandomira pakaŋga pakamanikana, pakaŋga pasinenɀimbo yokutsaukira kurudyi kana kuruɓoshwe. Mboŋgoro ikaʋona mutumŋa waJehova, ikaʋata pasi, Barami ari pamsoro payo; Barami akatsamŋa, akaroʋa mboŋgoro netȿimbo yake. Ɀino Jehova akashamisa muromo wemboŋgoro, ikati kunaBarami: Ndakakuitireiko, ɀamandiroʋa ɀino katatu? Barami akati kumboŋgoro: Nokuti wakandiɗaɗira; ɗai ndaiʋa nomunondo muruʋoko rwaŋgu, ndiŋgaɗai ndakuʋuraya pakarepo. Mboŋgoro ikati kunaBarami: Ko ini handizi mboŋgoro yenyu yamakataȿa makore enyu ose kuȿikira zuʋa rino here? Ko ndaigara ndicikuitirai saiɀoɀo here? Iye akati: Kwete. Ipapo Jehova akaȿinudza meso aBarami, akaʋona mutumŋa waJehova amire munzira, anomunondo wakavomorwa muruʋoko rwake; akakotamisa musoro wake, akawira pasi neciso cake.