Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mariko 9:2-24

Mariko 9:2-24 SCLB

Mushure memazuva matanhatu Jesu akatora Pita naJemusi naJohani ndokuvatungamirira mugomo refu vari pachavo voga. Akasanduka pamberi pavo. Hanzu dzake dzakapenya dzikachena kuti mbu–u chaizvo zvokuti hapana musuki pasi pano angagone kudzichenesa kudaro. Ipapo vakabva vaona Eriya naMosesi vachitaurirana naJesu. Zvino Pita akabva ataurawo kuna Jesu achiti, “I–i, mudzidzisi, zvakanaka sei kuti tive pano! Ngatichivakai matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMosesi, rimwe raEriya.” Akanga asingazivi zvaaitaura nokuti vakanga vabatwa nokutya kukuru kwazvo. Gore rakavafukidza, izwi rikabva mugore richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu wapamwoyo, munzwei.” Pakarepo vakazoti ringe–ringei, wanei hapachisina wavachamboona kunze kwaJesu chete aiva navo. Pavakanga vachiburuka mugomo akavatsindidza kuti vasataurire munhu zvavakanga vaona kusvikira Mwanakomana womunhu amuka kuvafi. Vakachengetedza zvinhu izvi mumwoyo mavo, vakachizvibvunza kuti, “Kumuka kuvafi kunorevei.” Vakazomubvunza vachiti, “Ko, pamusana pei nyanzvi dzoMutemo dzichiti, ‘Eriya anofanira kutanga kuuya?’ ” Akati kwavari, “Hongu zvazvo Eriya achafanouya achizodzorera zvinhu pakare asi sei zvakanyorwa nezvoMwanakomana womunhu kuti anofanira kutambudzika zvikuru nokushorwa?” Asi zvandinokutaurirai ndezvokuti, “Eriya akauya, vakaita zvavaida naye sokunyorwa kwazvakaitwa nezvake.” Kuzoti vadzokera kuna vamwe vadzidzi, vakaona vakaunganirwa negungano guru ravanhu; nyanzvi dzoMutemo dzichiitirana nharo navo. Gungano riya rose parakangomuona rakashamiswa kwazvo, rakamhanyira kwaari, ndokumukwazisa. Jesu akavabvunza achiti, “Ko muri kuitirana nharo dzei?” Mumwe wegungano riya akamupindura achiti, “Mudzidzisi ndauya nemwanakomana wangu kwamuri ane mweya wakaipa wembeveve. Kwose kwose kwaunomubata unomuwisira pasi womupupisa furo achirumanidza mazino, obva ati papata kuoma. Zvino ndakumbira vadzidzi venyu kuti vaudzinge asi vakoniwa.” Akavapindura achiti, “A! Rudzi rusingatendi urwu! Ndichange ndiinemi kusvikira rini? Ndichaita mwoyo murefu nemi kusvikira rini? Muunzei kwandiri.” Vakauya nomukomana uya kwaari, mweya pawakaona Jesu wakabva wapfurupfutisa mukomana uya, akawira pasi akaumburuka achipupa furo kumuromo. Jesu akabvunza baba vake achiti, “Ava nenguva yakadii achidai?” Ivo vakati, “Kubvira paupwere hwake. Wakamuwisira kazhinji mumoto, nomumvura uchida kumuparadza. Kana pane chamunogona kuita tinzwireiwo tsitsi mutibatsire.” Jesu akati kwaari, “Kana pane chamunogona! Zvose zvinogoneka wani kumunhu anotenda.” Pakarepo baba vomwana vakabva vadaidzira vachiti, “Ndinotenda, ndibatsireiwo pandinokundika pakusatenda kwangu.”

Verenga chikamu Mariko 9