Mako 9:2-24
Mako 9:2-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mazuva matanhatu akati apfuura, Jesu akatora Petirosi, naJakobho, naJohani, akaenda navo mugomo refu kurutivi vari voga; akasanduka pamberi pavo. Nguo dzake dzikapenya, dzikachena zvikuru; hakuna musuki pano panyika, angagona kudzichenesa kudaro. Ipapo Eria naMosesi vakaonekwa navo, vachitaurirana naJesu. Petirosi akati kuna Jesu, “Rabhi, zvakanaka zvatiri pano; ngativake matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMosesi, rimwe raEria.” Nokuti akanga asingazivi chaanotaura, nokuti vakatya zvikuru. Zvino gore rikauya rikavafukidza, izwi rikabuda mugore, richiti, “Uyu Mwanakomana wangu mudiwa, mumunzwei!” Kamwe, vakati vachiringaringa, havana kuzoona munhu, asi Jesu bedzi anavo. Zvino vakati vachiburuka mugomo, akavarayira kuti, varege kuudza munhu zvavakanga vaona kusvikira Mwanakomana womunhu amuka kuvakafa. Vakarichengeta shoko iro, vachiita nyaya pakati pavo, kuti, “Kumuka kwavakafa chinyiko?” Vakamubvunza, vachiti, “Vanyori vanotaurireiko vachiti, ‘Eria anofanira kutanga kuuya?’ ” Akati kwavari, “Eria achatanga kuuya hake, avandudze zvinhu zvose, asi kwakagonyorwa seiko zvoMwanakomana womunhu, kuti achatambudzika zvikuru nokuzvidzwa? Asi ndinoti kwamuri, Eria akatosvika, vakamuitira zvose pavakanga vachida napo, sezvazvakanyorwa pamusoro pake.” Vakati vasvika kuvadzidzi, vakaona vanhu vazhinji-zhinji, vakavakomba, navanyori vachiita nyaya navo. Pakarepo vazhinji vose vakati vachimuona, vakashamiswa kwazvo, vakamhanyira kwaari, vakamukwazisa. Akavabvunza, akati, “Munoita nyaya neiko navo?” Mumwe wavazhinji akamupindura, akati, “Mudzidzisi, ndauya kwamuri nomwanakomana wangu, anomweya wembeveve. Kwose kwaanomubata, anomuwisira pasi, achipupuma furo, achigeda-geda meno, uye anoonda kwazvo. Ndakataura navadzidzi venyu kuti vaubudise, vakasagona.” Akavapindura, akati, “Haiwa, rudzi rusingatendi, ndichagara nemi kusvikira riniko? Ndichakuitirai mwoyo murefu kusvikira riniko? Uyai naye kwandiri.” Vakauya naye kwaari; akati achimuona, pakarepo mweya ukamubvundisa, akawira pasi, akakunguruka, achipupuma furo. Zvino akabvunza baba vake, akati, “Yava nguva yakadiniko kubvira izvozvi zvichimuwira?” Akati, “Kubva pauduku hwake.” “Kazhinji wakamuwisira mumoto kana mumvura kuti umuparadze; asi kana muchigona kuita chinhu, mutinzwire tsitsi, mutibatsire.” Jesu akati kwaari, “Kana iwe uchigona kutenda, zvose zvingaitika kuna anotenda.” Pakarepo baba vomwana vakachema, vachiti, “Ndinotenda, ndibatsirei pakusatenda kwangu.”
Mako 9:2-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shure kwamazuva matanhatu, Jesu akatora Petro, Jakobho naJohani akavatungamirira kugomo refu, kwavakanga vari voga. Akashanduka ikoko pamberi pavo. Nguo dzake dzakapenya, dzikachena kupfuura zvingacheneswa nomunhu upi zvake munyika muno. Uye ipapo pakaonekwa pamberi pavo Eria naMozisi, uye vakanga vachitaurirana naJesu. Petro akati kuna Jesu, “Rabhi, zvakanaka kuti isu tigare pano. Ngativakei matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMozisi uye rimwe raEria.” Akashaya zvokutaura, nokuti vakanga votya zvikuru. Ipapo gore rakaonekwa rikavafukidza, uye inzwi rakabuda mugore rikati, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, wandinoda. Munzwei!” Pakarepo, vakatarisa kwose kwose, uye havana kuzoona munhu aripo navo kunze kwaJesu. Pavakanga vava kuburuka mugomo, Jesu akavarayira kuti varege kutaurira kana munhu upi zvake zvavakanga vaona kusvikira Mwanakomana woMunhu amuka kubva kuvakafa. Vakachengeta shoko iri pakati pavo, vachikurukurirana pamusoro pokuti, “kumuka kwavakafa” kunorevei. Uye vakamubvunza vakati, “Seiko vadzidzisi vomurayiro vachiti Eria anofanira kutanga kuuya?” Jesu akapindura akati, “Kutaura chokwadi, Eria anofanira kutanga kuuya, uye agovandudza zvinhu zvose. Zvino kwakanyorerwei kuchinzi Mwanakomana woMunhu anofanira kutambudzika zvikuru uye agorambwa? Asi ndinoti kwamuri, Eria akauya, uye vakaita kwaari zvinhu zvose zvavaida, sezvazvakanyorwa pamusoro pake.” Vakati vasvika kuna vamwe vadzidzi, vakaona vanhu vazhinji zhinji vakavakomberedza uye vadzidzisi vomurayiro vachiita nharo navo. Vanhu vose pavakangoona Jesu, vakashamiswa zvikuru uye vakamhanya kundomukwazisa. Akati, “Muri kuvabvunzeiko?” Mumwe murume aiva pakati pavanhu vazhinji akapindura akati, “Mudzidzisi, ndauya kwamuri nomwanakomana wangu, akabatwa nomweya wakamupa umbeveve. Pose pose paunomubata, unomukanda pasi. Anopupuma furo pamuromo, worumanisa meno ake uye anobva aoma. Ndakumbira vadzidzi venyu kuti vaudzinge asi havana kugona kuzviita.” Jesu akati, “Haiwa rudzi rusingatendi, ndichagara nemi kusvikira riniko? Ndichakuitirai mwoyo murefu kusvikira riniko? Uyai nomukomana kwandiri.” Saka vakauya naye. Mweya wakati uchiona Jesu, pakarepo wakawisira mukomana pasi ukamubvundisa. Akawira pasi akaumburuka, achipupuma furo pamuromo. Jesu akabvunza baba vomukomana akati, “Ane nguva yakadii achiita izvi?” Vakapindura vakati, “Kubva pauduku hwake. Kazhinji unosimuwisira mumoto kana mumvura kuti umuuraye. Asi kana muchigona kuita chinhu, tinzwirei tsitsi mutibatsire.” Jesu akati, “Kana muchigona? Zvinhu zvose zvinogoneka kune anotenda.” Pakarepo baba vomukomana vakadanidzira vachiti, “Ndinotenda; ndibatsirei pakusatenda kwangu!”
Mako 9:2-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mushure memazuva matanhatu Jesu akatora Pita naJemusi naJohani ndokuvatungamirira mugomo refu vari pachavo voga. Akasanduka pamberi pavo. Hanzu dzake dzakapenya dzikachena kuti mbu–u chaizvo zvokuti hapana musuki pasi pano angagone kudzichenesa kudaro. Ipapo vakabva vaona Eriya naMosesi vachitaurirana naJesu. Zvino Pita akabva ataurawo kuna Jesu achiti, “I–i, mudzidzisi, zvakanaka sei kuti tive pano! Ngatichivakai matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMosesi, rimwe raEriya.” Akanga asingazivi zvaaitaura nokuti vakanga vabatwa nokutya kukuru kwazvo. Gore rakavafukidza, izwi rikabva mugore richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu wapamwoyo, munzwei.” Pakarepo vakazoti ringe–ringei, wanei hapachisina wavachamboona kunze kwaJesu chete aiva navo. Pavakanga vachiburuka mugomo akavatsindidza kuti vasataurire munhu zvavakanga vaona kusvikira Mwanakomana womunhu amuka kuvafi. Vakachengetedza zvinhu izvi mumwoyo mavo, vakachizvibvunza kuti, “Kumuka kuvafi kunorevei.” Vakazomubvunza vachiti, “Ko, pamusana pei nyanzvi dzoMutemo dzichiti, ‘Eriya anofanira kutanga kuuya?’ ” Akati kwavari, “Hongu zvazvo Eriya achafanouya achizodzorera zvinhu pakare asi sei zvakanyorwa nezvoMwanakomana womunhu kuti anofanira kutambudzika zvikuru nokushorwa?” Asi zvandinokutaurirai ndezvokuti, “Eriya akauya, vakaita zvavaida naye sokunyorwa kwazvakaitwa nezvake.” Kuzoti vadzokera kuna vamwe vadzidzi, vakaona vakaunganirwa negungano guru ravanhu; nyanzvi dzoMutemo dzichiitirana nharo navo. Gungano riya rose parakangomuona rakashamiswa kwazvo, rakamhanyira kwaari, ndokumukwazisa. Jesu akavabvunza achiti, “Ko muri kuitirana nharo dzei?” Mumwe wegungano riya akamupindura achiti, “Mudzidzisi ndauya nemwanakomana wangu kwamuri ane mweya wakaipa wembeveve. Kwose kwose kwaunomubata unomuwisira pasi womupupisa furo achirumanidza mazino, obva ati papata kuoma. Zvino ndakumbira vadzidzi venyu kuti vaudzinge asi vakoniwa.” Akavapindura achiti, “A! Rudzi rusingatendi urwu! Ndichange ndiinemi kusvikira rini? Ndichaita mwoyo murefu nemi kusvikira rini? Muunzei kwandiri.” Vakauya nomukomana uya kwaari, mweya pawakaona Jesu wakabva wapfurupfutisa mukomana uya, akawira pasi akaumburuka achipupa furo kumuromo. Jesu akabvunza baba vake achiti, “Ava nenguva yakadii achidai?” Ivo vakati, “Kubvira paupwere hwake. Wakamuwisira kazhinji mumoto, nomumvura uchida kumuparadza. Kana pane chamunogona kuita tinzwireiwo tsitsi mutibatsire.” Jesu akati kwaari, “Kana pane chamunogona! Zvose zvinogoneka wani kumunhu anotenda.” Pakarepo baba vomwana vakabva vadaidzira vachiti, “Ndinotenda, ndibatsireiwo pandinokundika pakusatenda kwangu.”
Mako 9:2-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mazuʋa matanhatu akati apfuʋura, Jesu akatora Petro, naJakobo, naJohane, akaenda naʋo kurutiʋi mugomo refu ʋari ʋoga; akashanduka pamberi paʋo. Ŋguʋo dzake dzikapenya, dzikacena ɀikuru; hakunomusuki pano panyika, uŋgagona kudzicenesa dzikaɗaro. Ipapo Eria naMosesi ʋakaʋonekwa naʋo, ʋacitaurirana naJesu. Petro akapindura, akati kunaJesu: Rabi, ɀakanaka ɀatiri pano; ŋgatiʋake matumba matatu, rimŋe renyu, rimŋe raMosesi, rimŋe raEria. Nokuti wakaŋga asiŋgaziʋi caanotaura, nokuti ʋakatya ɀikuru. Ɀino gore rikaʋuya rikaʋafukidza, inzwi rikaɓuɗa mugore, riciti: Uyu Mŋanakomana waŋgu unoɗikanwa, mumunzwei! Kamŋe, ʋakati ʋaciriŋgariŋga, haʋana‐kuzoʋona munhu, asi Jesu ɓedzi anaʋo. Ɀino ʋakati ʋaciɓuruka mugomo, akaʋaraira kuti ʋarege kuʋudza munhu ɀaʋakaŋga ʋaʋona kuȿikira Mŋanakomana womunhu amuka kuʋakafa. Ʋakariceŋgeta shoko iro, ʋaciita nyaya pakati paʋo, kuti kumuka kwaʋakafa cinyiko? Ʋakamubvunza, ʋaciti: Ʋanyori ʋanotaurireiko ʋaciti, Eria unofanira kutaŋga kuʋuya? Akati kwaʋari: Eria ucataŋga kuʋuya hake, aʋandudze ɀinhu ɀose, asi kwakagonyorwa seiko ɀoMŋanakomana womunhu, kuti ucatambudzika ɀikuru nokuɀidzwa? Asi ndinoti kwamuri, Eria wakatoȿika, ʋakamuitira ɀose paʋakaŋga ʋaciɗa napo, seɀaɀakanyorwa pamsoro pake. Ʋakati ʋaȿika kuʋadzidzi, ʋakaʋona ʋanhu ʋazhinji‐zhinji, ʋakaʋakomba, naʋanyori ʋaciita nyaya naʋo. Pakarepo ʋazhinji ʋose ʋakati ʋacimuʋona, ʋakashamiswa kwaɀo, ʋakamhanyira kwaari, ʋakamukwazisa. Akaʋabvunza, akati: Munoita nyaya neiko naʋo? Mumŋe waʋazhinji akamupindura, akati: Mudzidzisi, ndaʋuya kwamuri nomŋanakomana waŋgu, unomŋeya wembeʋeʋe. Kwose kwaanomuɓata, unomuwisira pasi, acipupuma furo, acigeɗa‐geɗa meno, ʋuye unowonda kwaɀo; ndakataura naʋadzidzi ʋenyu kuti ʋauɓuɗise, ʋakasagona. Akaʋapindura, akati: Haiwa, rudzi rusiŋgatendi, ndicagara nemi kuȿikira riniko? Ndicakuitirai mŋoyo murefu kuȿikira riniko? Ʋuyai naye kwandiri. Ʋakaʋuya naye kwaari; wakati acimuʋona, pakarepo mŋeya ukamubvundisa, akawira pasi, akakuŋguruka, acipupuma furo. Ɀino akabvunza ɓaɓa ʋake, akati: Yaʋa ŋguʋa vakaɗiniko kubvira iɀoɀi ɀicimuwira? Akati: Kubva paʋuɗuku bgake. Kazhinji wakamuwisira mumŋoto kana mumvura kuti umuparadze; asi kana mucigona kuita cinhu, mutinzwire tsitsi, mutiɓatsire. Jesu akati kwaari: Kana iwe ucigona kutenda, ɀose ɀiŋgaitika kunounotenda. Pakarepo ɓaɓa ʋomŋana ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Ndinotenda, ndiɓatsirei pakusatenda kwaŋgu.
Mako 9:2-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)