Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mariko 9

9
1Akazoti kwavari, “Zviro kwazvo ndinoti kwamuri, kune vamwe vamire pano vasingambofi vasati vaona umambo hwaMwari hwatouya nesimba.”
Kusanduka kwaJesu
(Mat 17:1–13; Ruka 9:28–36)
2Mushure memazuva matanhatu Jesu akatora Pita naJemusi naJohani ndokuvatungamirira mugomo refu vari pachavo voga. Akasanduka pamberi pavo. 3Hanzu dzake dzakapenya dzikachena kuti mbu–u chaizvo zvokuti hapana musuki pasi pano angagone kudzichenesa kudaro. 4Ipapo vakabva vaona Eriya naMosesi vachitaurirana naJesu. 5Zvino Pita akabva ataurawo kuna Jesu achiti, “I–i, mudzidzisi, zvakanaka sei kuti tive pano! Ngatichivakai matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMosesi, rimwe raEriya.” 6Akanga asingazivi zvaaitaura nokuti vakanga vabatwa nokutya kukuru kwazvo. 7Gore rakavafukidza, izwi rikabva mugore richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu wapamwoyo, munzwei.” 8Pakarepo vakazoti ringe–ringei, wanei hapachisina wavachamboona kunze kwaJesu chete aiva navo.
9Pavakanga vachiburuka mugomo akavatsindidza#9:9 Akavatsindidza: Kana kuti kutsikidza. kuti vasataurire munhu zvavakanga vaona kusvikira Mwanakomana womunhu amuka kuvafi. 10Vakachengetedza zvinhu izvi mumwoyo mavo, vakachizvibvunza kuti, “Kumuka kuvafi kunorevei.” 11Vakazomubvunza vachiti, “Ko, pamusana pei nyanzvi dzoMutemo dzichiti, ‘Eriya anofanira kutanga kuuya?’ ” 12Akati kwavari, “Hongu zvazvo Eriya achafanouya achizodzorera zvinhu pakare asi sei zvakanyorwa nezvoMwanakomana womunhu kuti anofanira kutambudzika zvikuru nokushorwa?” 13Asi zvandinokutaurirai ndezvokuti, “Eriya akauya, vakaita zvavaida naye sokunyorwa kwazvakaitwa nezvake.”
Jesu anoporesa mukomana aiva nomweya wakaipa
(Ruka 9:37–43a)
14Kuzoti vadzokera kuna vamwe vadzidzi, vakaona vakaunganirwa negungano guru ravanhu; nyanzvi dzoMutemo dzichiitirana nharo navo. 15Gungano riya rose parakangomuona rakashamiswa kwazvo, rakamhanyira kwaari, ndokumukwazisa. 16Jesu akavabvunza achiti, “Ko muri kuitirana nharo dzei?” 17Mumwe wegungano riya akamupindura achiti, “Mudzidzisi ndauya nemwanakomana wangu kwamuri ane mweya wakaipa wembeveve. 18Kwose kwose kwaunomubata unomuwisira pasi womupupisa furo achirumanidza mazino, obva ati papata kuoma. Zvino ndakumbira vadzidzi venyu kuti vaudzinge asi vakoniwa.” 19Akavapindura achiti, “A! Rudzi rusingatendi urwu! Ndichange ndiinemi kusvikira rini? Ndichaita mwoyo murefu nemi kusvikira rini? Muunzei kwandiri.” 20Vakauya nomukomana uya kwaari, mweya pawakaona Jesu wakabva wapfurupfutisa mukomana uya, akawira pasi akaumburuka achipupa furo kumuromo. 21Jesu akabvunza baba vake achiti, “Ava nenguva yakadii achidai?” Ivo vakati, “Kubvira paupwere hwake. 22Wakamuwisira kazhinji mumoto, nomumvura uchida kumuparadza. Kana pane chamunogona kuita tinzwireiwo tsitsi mutibatsire.” 23Jesu akati kwaari, “Kana pane chamunogona! Zvose zvinogoneka wani kumunhu anotenda.” 24Pakarepo baba vomwana vakabva vadaidzira vachiti, “Ndinotenda, ndibatsireiwo pandinokundika pakusatenda kwangu.” 25Jesu achiona kuti gungano ravanhu rava kuti wiri–wiri kuungana, akatsiura mweya wetsvina achiti, “Iwe mweya wembeveve newematsi ndiri kukuudza kuti, ‘Buda maari, uye usazopindazve maari.’ ” 26Mweya ndokuzhamba, uchimupfurupfutisa ndokubuda maari; sarei mukomana oita seafa, zvokuti voruzhinji vakati afa. 27Asi Jesu akabata ruoko rwake achimusimudza, iye ndokubva asimuka.
28Kuzoti Jesu apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza vari pachavo vachiti, “Ko isu tatadza nei kuudzinga?” 29Akavapindura achiti, “Rudzi rwemweya uyu haruna madzingiro, asi nokunamata chete.”
Jesu anofanotaurazve nezvokufa nokumuka kwake
(Mat 17:22–23; Ruka 9:43b–45)
30Zvino vakabva ipapo vakapfuura nomuGarirea asi akanga asingadi kuti zvizivikanwe naani zvake; 31nokuti aidzidzisa vadzidzi vake achiti kwavari, “Mwanakomana womunhu achaiswa mumaoko avanhu vachizomuuraya. Kana auraiwa achamukazve mushure memazuva matatu.” 32Asi havana kunzwisisa zvaakataura, uye vakatya kumubvunza.
Mukuru pana vose ndiani?
(Mat 18:1–5; Ruka 9:46–48)
33Zvino vakasvika Kapenaumu. Vava mumba akavabvunza achiti, “Manga muchiitirana nharo dzei munzira?” 34Vakaramba vanyerere, nokuti munzira vakanga vachiitirana nharo dzokuti ndiani mukuru kupinda vose. 35Akati agara pasi, akadaidza vane gumi navaviri akati kwavari, “Kana munhu achida kuva wokutanga anofanira kuva okupedzisira pana vose; agove mushandiri wavose.” 36Akazotora mwana muduku; akamuisa pakati pavo, akamugumbatira mumaoko akati kwavari, 37“Ani naani anogamuchira mumwe wavana vaduku vakadai muzita rangu anogamuchira ini. Uye ani naani anondigamuchira haasi kugamuchira ini asi anogamuchira, uyo akandituma.”
Munhu asingapikisane nesu ndowedu
(Ruka 9:49–50)
38Johani akati kwaari, “Mudzidzisi takaona munhu achidzinga mweya yakaipa muzita renyu tikamurambidza nokuti akanga asiri wenzira imwechete nesu.” 39Asi Jesu akati, “Musamurambidze nokuti hakuna munhu anoita zvishamiso muzita rangu pedzepo ogona kutaura zvakaipa nezvangu; 40nokuti munhu asingapikisane nesu ndowedu. 41Ani naani anokupai mukombe wemvura yokunwa pamusana pokuti muri vanhu vaKristu, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, haazorasikirwa nomubayiro wake kwete.”
Kufurira vamwe kutadza
(Mat 18:6–9; Ruka 17:1–2)
42Ani naani anofurira mumwe wavana vaduku ava vanotenda mandiri kutadza zvinotova nani kwaari kuti asungirirwe ziguyo mumutsipa wake agokandwa mugungwa. 43Kana ruoko rwako ruchikukonzera kuti utadze rudimure. Zviri nani kuti upinde muupenyu uri wakaremara pano kupinda mugehena, muvira romoto usingadzimiki, uina maoko maviri. 45Kana tsoka yako ichikonzera kuti utadze, idimure, nokuti zviri nani kuti upinde muupenyu wakaremara pano kukandwa mugehena uine tsoka mbiri.#9:45 Ndima mbiri idzi dzinoveregwa nokunyorwa pano apa mumaBhaibhiri mazhinji nokuti zvadzinotaura zvinowanikwa mu 9:48. 47Kana ziso rako richikurasisa, risvukunure, zviri nani kuti upinde muumambo hwaMwari une ziso rimwechete pano kukandwa mugomba romoto,#9:47 Mugomba romoto: Kana kuti geneha, kumoto usingaperi. (Tarisa Mateu 25:41) uina maziso maviri, 48mune honye dzavo dzisingafi nemoto usingadzimiki. 49Munhu wose anofanira kunatswa nomoto.#9:49 Kunatswa nomoto: Sokunatswa kwaaita munhu nechibayiro. 50Munyu wakanaka; asi kana washapa unozovaviswa nei? Ivai vanhu vakarungwa vanowadzana.

Zvasarudzwa nguva ino

Mariko 9: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda