Zvino vaFarisei vakaunganira Jesu pamwechete nedzimwe nyanzvi dzoMutemo dzakanga dzabva kuJerusaremu. Vakaona kuti vamwe vavadzidzi vake vaidya chingwa namaoko ane tsvina, zvinoreva kuti, asina kushambwa, nokuti vaFarisei navaJudha vose havadyi chinhu vasina kunyatsoshamba maoko avo vachitevedza magamuchidzanwa etsika dzamadzitateguru avo nokuti kana vachinge vabva kumusika havambodya chinhu vasina kushamba. Dziripo dzimwe tsika zhinji dzavakatora kumadzitateguru avo dzavanochengeta sokuti kusuka komichi, nehari, nemidziyo yekopa (nemibhedha). Ipapo vaFarisei nenyanzvi dzoMutemo vakamubvunza vachiti, “Ko vadzidzi venyu vanoregererei kuchengeta tsika dzamagamuchidzwanwa dzamadzitateguru, zvavanodyazve chingwa namaoko ane tsvina?” Akavapindura achiti, “Inga muporofita Isaya akataura chokwadi nezvenyu, imi vanyengedzi, sokunyorwa kwazvakaitwa zvichinzi: “ ‘Vanhu ava vanondikudza zvapamuromo chete asi mwoyo yavo iri kure neni. Kundinamata kwavo ndokwonhando nokuti vanodzidzisa sechokwadi chaicho, zvinhu zvakatemwa zvavo navanhu.’ “Munokanda pasi murao waMwari kuti muti dzvemere namagamuchidzanwa etsika dzavanhu.” Akatizve kwavari: “Makanyatsozviwanira nzira yokunzvenga nayo murao waMwari kuti muwane machengetero amagamuchidzanwa etsika dzenyu,” nokuti Mosesi akati, “Kudza baba vako naamai vako uye anotuka baba vake kana amai vake anofanira kutofa.” Asi imi munoti, “Kana munhu akati kuna baba kana kuna amai vake, ‘Chinhu chandingadai ndakuyamurai nacho chave Korobhani’ (zvichireva kuti chipo chasumwa kuna Mwari), hamuzomubvumira kuyamura baba vake kana amai vake. Nokudaro munoita kuti shoko raMwari rive chinhu pasina, pamusana pamagamuchidzanwa etsika dzenyu amunogamuchidzana; munoitawo zvimwe zvizhinji zvakafanana nezvizvi.”
Verenga chikamu Mariko 7
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mariko 7:1-13
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo