Zvino vaFarisi navamwe vavanyori vaibva Jerusaremu, vakaunganira kwaari; vakaona vamwe vadzidzi vake vachidya namaoko ane tsvina, ndokuti asina kushambwa.
Nokuti vaFarisi, navaJudha vose havadyi vasina kumboshamba maoko kwazvo, vachichengeta tsika dzavakuru. Kana vachibva kumusika havangadyi vasina kumboshamba; nezvimwe zvizhinji zviripo zvavakanga vagamuchira, kuti vazvichengete, zvinoti: Kusuka mikombe, nehari, nemidziyo yendarira.
Ipapo vaFarisi navanyori vakamubvunza, vachiti, “Vadzidzi venyu vanoregereiko kufamba netsika dzavakuru, zvavanodya chingwa namaoko ane tsvina?”
Akati kwavari, “Isaya akaporofita kwazvo pamusoro penyu, imi vanyengeri, sezvazvakanyorwa, zvichinzi,
‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo,
Asi mwoyo yavo iri kure neni.
Asi vanondinamata pasina,
Vachidzidzisa zvakatemwa navanhu,
sokunge zvidzidziso zvechokwadi.’
“Munosiya mirairo yaMwari, muchichengeta tsika dzavanhu.”
Akati kwavari, “Zvirokwazvo, munoramba murayiro waMwari, kuti muchengete tsika dzenyu; nokuti Mosesi akati, ‘Kudza baba vako namai vako, uye anotuka baba namai, ngaafe norufu.’
“Asi imi munoti, kana munhu achiti kuna baba vake kana mai vake, ‘Chinhu chipi nechipi chamaiti munobatsirwa nacho kwandiri chava Koribhani,’ ndokuti chava chipo chaMwari, hamuchamutenderi kuitira baba vake namai vake chinhu, muchitorera shoko raMwari simba netsika dzenyu dzamakachengeta, nezvinhu zvizhinji zvakadaro munozviita.”