Jesu akadaidzira zvakare nezwi guru ndokubva afa. Hero jira romuTemberi rokudzikatirisa rakabva rabvaruka napakati kubvira kumusoro kusvika pasi. Nyika yakandengendeka; matombo akatsemuka. Makuva akazaruka. Vanhu vazhinji vakafa vatsvene vakamutswa. Vakabuda mumakuva mushure mokumuka kwake. Vakapinda muguta dzvene vakaonekwa navazhinji. Mutungamiriri wezana ramasoja navaakanga ainavo vachichengetedza Jesu, vakaona kundengendeka nezvakanga zvaitika vakabatwa nokutya kukuru vakati, “Zvechokwadi uyu anga ari Mwanakomana waMwari.” Pakangawo paina madzimai mazhinji ipapo akanga akatarisa ari chinhambwe, akanga atevera Jesu kubva Garirea achimushandira. Pakati pavo paiva naMaria Maghadharena naMaria amai Jemusi naJosefi namai vavanakomana vaZebhedhi. Ava manheru kwakauya mumwe murume mupfumi aibva kuArimatia ainzi Josefi aivawo mudzidzi waJesu, akaenda kuna Pirato akakumbira chitunha chaJesu. Pirato akati ngachipiwe kwaari. Josefi akatora chitunha ndokuchiputira mufuko rakachena. Akachiradzika muguva rake idzva raakanga azvichezera mudombo. Akakungurutsira dombo guru pamusuo weguva iroro ndokuenda zvake. Maria Magadharena nomumwe Maria uya vakanga varipo vakagara pakatarisana neguva iroro. Ramangwana racho, ndiro zuva romushure mezuva rokugadzirira Sabata, vapristi vakuru navaFarisei vakaungana kuna Pirato vakati, “Changamire, tinoyeuka kuti munyengedzi uya paakanga achiri mupenyu akati, ‘Mushure memazuva matatu ndichamukazve.’ Naizvozvo itii guva richengetedzwe kusvika pazuva retatu. Vadzidzi vake vangadaro vakaenda vakamuba vakazotaurira vanhu kuti amuka muvakafa. Kunyengedza kokupedzisira uku kungazova kwakatoipa kupinda kokutanga.” Pirato akati kwavari, “Ko inga muna masoja wani. Endai mundochengetedza sokuziva kwenyu.” Saizvozvo vakaenda vakanyatsochengetedza guva iroro vakaisa micherechedzo padombo iroro wokuti harina kubatwa–batwa nomunhu ndokuisa vokupachengetedza.
Verenga chikamu Mateu 27
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateu 27:50-66
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo