Zvino Jesu akadanidzirazve nezwi guru, ndokubva afa.
Ipapo tarira, chidzitiro chetemberi chakabvaruka napakati, kubva kumusoro kusvikira pasi; nyika ikadengenyeka, mabwe akatsemuka; mabwiro akazaruka, zvitunha zvizhinji zvavarurami, vakanga vavete, zvakamutswa; zvikabuda pamabwiro, iye akati amuka, vakapinda muguta dzvene, vakaonekwa navazhinji.
Zvino mukuru wezana, navagariri vaJesu naye, vakati vachiona kudengenyeka kwenyika, nezvakaitwa, vakatya zvikuru, vakati, “Zvirokwazvo uyu akanga ari Mwanakomana waMwari.”
Vakadzi vazhinji vakanga varipo, vakatarira vari kure, vakanga vatevera Jesu, vachibva Gariria vachimushandira.
Pakati pavo kwakanga kuna Maria Magadharene, naMaria mai vaJakobho naJose, namai vavanakomana vaZebhedhi.
Zvino ava madeko kukasvika mumwe mupfumi weArimatia, ainzi Josefa, akanga ari mudzidzi waJesu, akaenda kuna Pirato, akakumbira chitunha chaJesu. Pirato akarayira kuti apiwe. Josefa akatora chitunha, akachiputira nomucheka muchena, akauviga mubwiro hwake hutsva, hwaakanga azvigadzirira iye; akakungurusira ibwe guru pamuromo webwiro, akabva oenda.
Maria Magadharene, nomumwe Maria, vakanga varipo vagere vakatarisana nobwiro.
Fume mangwana ndiro zuva raitevera zuva roKugadzirira vapristi vakuru navaFarisi vakaungana kuna Pirato, vakati, “Ishe, tinorangarira kuti munyengeri uyu, achiri mupenyu, akati, ‘Mazuva matatu apfuura, ndichamuka.’
“Saka rairai kuti bwiro huchengetwe kusvikira pazuva retatu, kuti vadzidzi varege kuuya kumuba, vagoti kuvanhu, akamutswa kuvakafa; kurashika kwokupedzisira kukazopfuura kwokutanga.”
Pirato akati kwavari, “Imi muna vagariri; endai muhuchengete sezvamunoziva.”
Vakaenda, vakandochengeta bwiro, vakaisa chinamatidzo chokusimbisa pabwe.