Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 27:11-31

Mateu 27:11-31 SCLB

Jesu akamira pamberi pomutongi. Mutongi akamubvunza kuti, “Ndiwe mambo wavaJudha here?” Jesu akati, “Inga matozvireva kare wani.” Asi paakapomerwa mhosva navapristi vakuru navakuru–vakuru, haana kupindura. Ipapo Pirato akati kwaari, “Hausikunzwa here kuwanda kwezvinhu zvavari kukupomera?” Asi iye haana kumupindura kunyange mhosva imwechete zvayo zvokuti mutongi zvakamukatyamadza zvikuru. Zvino pamazuva makuru aya mutongi aiva netsika yokusunungurira vanhu musungwa mumwechete wavainge vada. Ipapo vakanga vaino musungwa aive nomukurumbira ainzi Bharabhasi. Saizvozvo vanhu pavakanga vaungana, Pirato akati kwavari, “Ndiani wamunoda kuti ndikusunungurirei, Bharabhasi here kana kuti Jesu anonzi Kristu?” Akadaro nokuti aiziva kuti vakanga vaturira Jesu kwaari pamusana peshanje. Chimwezve ndechokuti paakanga agere pachigaro chokutonga, mudzimai wake akatumira shoko kwaari achiti, “Siyanai nomunhu uyo wakarurama nokuti nhasi ndatambudzika naye zvikuru kuhope.” Vapristi vakuru navakuru–vakuru vakagombedzera vanhu kuti vakumbire Bharabhasi asi Jesu aparadzwe. Mutongi akatizve kwavari, “Pavaviri ava ndiani wamunoda kuti ndikusunungurirei?” Ivo vakati, “Bharabhasi.” Pirato akati kwavari, “Ko ndoitei naJesu anonzi Kristu?” Vose vakati, “Ngaarovererwe pamuchinjikwa.” Pirato akati, “Nemhaka yei? Akapara mhosva yei? Akatadzei?” Asi vakabva vatonyanya kudaidzira vachiti, “Ngaarovererwe pamuchinjikwa.” Pirato paakaona kuti hapana zvazviri kubatsira asi kuti pavakutomuka bongozozo, akatora mvura akageza maoko ake pamberi pemhomho iyoyo achiti, “Handina mhosva paropa romunhu uyu. Chizvionerai moga iyemi.” Vanhu vose vakapindura vachiti, “Ropa rake ngaritipfukire isu navana vedu.” Akavasunungurira Bharabhasi. Asi ndokurova Jesu zvikuru akamuturira mumaoko avo kuti vamuroverere pamuchinjikwa. Masoja aPirato akaenda naJesu mumuzinda waGavhuna. Boka rose ramasoja rakamuunganira. Vakamupfekenura hanzu vakamupfekedza gemenzi dzvuku. Vakaruka chiremba cheminzwa vakachidzika mumusoro make. Vakamubatisa rutsanga murudyi rwake. Vaipfugama pamberi pake vachimusveeredza vachiti, “Kwaziwaika mambo wavaJudha!” Vakamupfira mate vakatora rutsanga ruya vachimurova narwo mumusoro. Pavakapedza kumuita chiseko, vakamubvisa gemenzi riya vakamupfekedza hanzu dzake ndokuenda naye kundomuroverera pamuchinjikwa.

Verenga chikamu Mateu 27