Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 27:11-31

Mateu 27:11-31 SNA2002

Zvino Jesu akamira pamberi pagavhuna, gavhuna akamubvunza, akati, “Ndiwe mambo wavaJudha here?” Jesu akati kwaari, “Ndizvo zvamataura.” Asi akati achipomerwa mhosva navapristi vakuru navakuru, haana kupindura chinhu. Zvino Pirato akati kwaari, “Haunzwi zvinhu zvizhinji zvavanokupomedzera here?” Asi haana kuvapindura, kunyange neshoko rimwechete, gavhuna akashamiswa kwazvo-kwazvo nazvo. Zvino, pamutambo mubati aisisunungurira vanhu vazhinji musungwa mumwe, wavanenge vaida. Nenguva iyo vaiva nomusungwa akakurumbira, ainzi Bharabhasi. Naizvozvo vakati vaungana, Pirato akati kwavari, “Munoda kuti ndikusunungurirei aniko? Bharabhasi, kana Jesu, anonzi Kristu?” Nokuti akanga achiziva kuti vakanga vamuisa kwaari negodo. Zvino akati agere pachigaro chokutonga, mukadzi wake akatumira izwi kwaari, achiti, “Usava nemhaka nomunhu uyo akarurama; nokuti ndakatambudzika zvikuru nhasi pakurota nokuda kwake.” Vapristi vakuru navakuru vakagombedzera vanhu vazhinji kuti vakumbire Bharabhasi, Jesu aurawe. Gavhuna akapindura, akati kwavari, “Munoda kuti ndikusunungurirei aniko kuna ivavo vaviri?” Vakati, “Bharabhasi.” Pirato akati kwavari, “Ndichagoiteiko naJesu, anonzi Kristu?” Vose vakati kwaari, “Ngaaroverwe pamuchinjikwa.” Iye akati, “Chakaipa chaakagoita ndecheiko?” Vakanyanyisa kudanidzira, vachiti, “Ngaaroverwe pamuchinjikwa!” Zvino Pirato, achiona kuti hazvibatsiri, asi kuti potomuka bope, akatora mvura, akageza maoko ake pamberi pavanhu vazhinji, achiti, “Handine mhaka neropa romunhu uyu akarurama; imhaka yenyu!” Vanhu vose vakapindura, vakati, “Ropa rake ngarive pamusoro pedu napamusoro pavana vedu.” Zvino akavasunungurira Bharabhasi, asi Jesu akamurovesa kwazvo, akamuisa kwavari, kuti aroverwe pamuchinjikwa. Zvino varwi vaPirato vakaenda naJesu mumuzinda wagavhuna hondo yose ikaunganira kwaari. Vakamubvisa nguo dzake, vakamufukidza nguo tsvuku; vakaruka korona yeminzwa, ndokuiisa pamusoro wake; norutsanga muruoko rwake rworudyi; vakapfugama pamberi pake, vakamuseka, vachiti, “Kwaziwai, Mambo wavaJudha!” Vakamupfira mate, vakatora rutsanga, vakaramba vachimurova musoro. Vakati vamuseka, vakamubvisa nguo tsvuku, vakamupfekedza nguo dzake, vakaenda naye kundomurovera pamuchinjikwa.

Verenga chikamu Mateu 27