“Zvichakuwanai imi nyanzvi dzomutemo nemi vaFarisei imi, vanyengedzi, nokuti munobvisa chegumi chetunhu tunonhuwirira tudikidiki twemindi nedhiri nekamini asi muchisiya zvinhu zvikuru zvomutemo, nezvoruenzaniso nezvetsitsi nechitendero. Izvi ndizvo zvamaifanira kuita musingaregi zvenyu zvimwe izvozvo. Mapofu avatungamiriri! Munotsutsa unyunyu asi muchimedza ngamera. “Zvichakuwanai zvenyu imi nyanzvi dzomutemo nemi vaFarisei, imi vanyengedzi, munosuka mukombe nendiro kunze asi mukati muzere nezvinhu zvokupamba nezvoudyire. “Iwe bofu romuFarisei, tanga washambidza mukati momukombe nendiro kuti kunze kuve kwakachenawo. “Zvichakuwanai imi nyanzvi dzomutemo nemi vaFarisei, imi vanyengedzi, makafanana namakuva akadzururwa kuti mbuu nesuko. Anoratidzika zvakanakisa kunze asi mukati muzere mapfupa avanhu vakafa nokuora kose. Nemiwo, kunze, munotaridzika savanhu vakarurama kuvanhu asi mukati muzere nokubata vanhu kumeso uye uipi. Zvichakuwanai imi nyanzvi dzomutemo navaFarisei, imi vanyengedzi, munovaka makuva avaporofita muchishongedza zvifananidzo zvavanhu vakarurama. Muchiti, ‘Dai takanga tiri vapenyu pamazuva amadzibaba edu, tingadai tisina kubatana navo mukudeura ropa ravaporofita.’ Naizvozvo muri kutopa umboo hunokurovererai kuti imi muri vana vemhondi dzakauraya vaporofita. Saka chipedzisaika musvike paiva neshungu dzamadzibaba enyu. Imi nyoka dzavanhu navana venyoka, muchapunyuka sei kutongerwa moto muzhinji? Nokudaro ndichakutumirai vaporofita navachenjeri nenyanzvi dzomutemo. Vamwe muchauraya zvenyu nokuroverera pamuchinjikwa. Vamwe vavo muchavarova zvikuru mumasinagogu muchivatambudza muguta neguta, kuti mupfukirwe neropa rose ravakarurama rakadeurwa pasi pose kubvira kuropa risina mhaka raAbhero kusvika kuropa raZakaria mwanakomana waBharakiya wamakauraya pakati penzvimbo inoera neatari. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ‘Zvose izvi zvichawira chizvarwa chino ichochi.’ “Jerusaremu, Jerusaremu iwe, unouraya vaporofita uye uchitaka namabwe avo vanenge vatumwa kwauri nhai. Kangani kandainge ndichida kuunganidza vana vako pamwechete sokuvhumbamira kunoita huku hukwana dzayo mumapapiro ayo, asi makaramba. Chiona imba yako yasiiwa yava dongo. Nokuti ndinokutaurira kuti hauchambondionazve kusvikira pauchazoti, ‘Ngaarumbidzwe iye anouya muzita raTenzi.’ ”
Verenga chikamu Mateu 23
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateu 23:23-39
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo