Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 23:23-39

Mateu 23:23-39 SNA2002

“Mune nhamo, imi vanyori navaFarisi, vanyengeri! Nokuti munopa chegumi chemindi, neanisi, nekumini, muchirega zvinhu zvikuru zvomurayiro, zvinoti kururamisira mhaka, nengoni, nokutendeka; maifanira kuzviita izvi, nokusarega kuita izvozvo. Imi vatungamiri vakapofumara, munomimina runyunyu, muchimedza ngamera. “Mune nhamo, imi vanyori navaFarisi, vanyengeri! Nokuti munonatsa kunze kwomukombe nendiro, asi mukati muzere nekukara nokusazvidzora. “Iwe muFarisi wakapofumara, tanga kunatsa mukati momukombe, nendiro, kuti kunze kwazvo kugochenawo. “Mune nhamo, imi vanyori navaFarisi, vanyengeri! Nokuti makafanana namarinda akacheneswa, anoonekwa saakanaka kunze kwawo, asi mukati muzere namapfupa avakafa netsvina yose. Saizvozvo nemiwo munoonekwa navanhu kunze kwenyu makaita samakarurama, asi mukati muzere nokunyengera nokuipa. “Mune nhamo, imi vanyori navaFarisi vanyengeri! Nokuti munovaka marinda avaporofita, nokushongedza marinda avakarurama, muchiti, dai taivapo pamazuva amateteguru edu, tingadai tisina kuvabatsira kuuraya vaporofita. Saka munozvipupurira kuti muri vanakomana vavakauraya vaporofita. Zvino chizadzisai gamha rakasiyiwa namateteguru enyu. Imi nyoka, imi vana venyoka! Muchatiza seiko kutonga kweGehena? Saka, tarirai, ndinotumira kwamuri vaporofita, navakachenjera, navanyori; muchauraya vamwe vavo, nokuvarovera pamuchinjikwa; mucharovesa vamwe vavo mumasinagoge enyu, nokuvadzingirira mumaguta ose. Kuti ropa rose ravakarurama, rakateurirwa panyika, riuye pamusoro penyu, kubva paropa raAbheri akanga akarurama, kusvikira paropa raZekariya, mwanakomana waBharakia, wamakauraya pakati petemberi nearitari. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, izvi zvose zvichauya pamusoro porudzi urwu. “Jerusaremu! Jerusaremu! Iwe unouraya vaporofita, nokutaka namabwe avo vakatumwa kwauri! Ndakanga ndichida kazhinji sei kuunganidza vana vako, sembambo inounganidza hukwana dzayo, munyasi mamapapiro ayo, mukaramba! Tarirai, masiyirwa imba yenyu rava dongo. Nokuti ndinoti kwamuri, kubva zvino hamuchazondioni, kusvikira muchiti, ‘Ngaarumbidzwe iye anouya nezita raIshe.’ ”

Verenga chikamu Mateu 23