Mateo 23:23-39
Mateo 23:23-39 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Mune nhamo, imi vanyori navaFarisi, vanyengeri! Nokuti munopa chegumi chemindi, neanisi, nekumini, muchirega zvinhu zvikuru zvomurayiro, zvinoti kururamisira mhaka, nengoni, nokutendeka; maifanira kuzviita izvi, nokusarega kuita izvozvo. Imi vatungamiri vakapofumara, munomimina runyunyu, muchimedza ngamera. “Mune nhamo, imi vanyori navaFarisi, vanyengeri! Nokuti munonatsa kunze kwomukombe nendiro, asi mukati muzere nekukara nokusazvidzora. “Iwe muFarisi wakapofumara, tanga kunatsa mukati momukombe, nendiro, kuti kunze kwazvo kugochenawo. “Mune nhamo, imi vanyori navaFarisi, vanyengeri! Nokuti makafanana namarinda akacheneswa, anoonekwa saakanaka kunze kwawo, asi mukati muzere namapfupa avakafa netsvina yose. Saizvozvo nemiwo munoonekwa navanhu kunze kwenyu makaita samakarurama, asi mukati muzere nokunyengera nokuipa. “Mune nhamo, imi vanyori navaFarisi vanyengeri! Nokuti munovaka marinda avaporofita, nokushongedza marinda avakarurama, muchiti, dai taivapo pamazuva amateteguru edu, tingadai tisina kuvabatsira kuuraya vaporofita. Saka munozvipupurira kuti muri vanakomana vavakauraya vaporofita. Zvino chizadzisai gamha rakasiyiwa namateteguru enyu. Imi nyoka, imi vana venyoka! Muchatiza seiko kutonga kweGehena? Saka, tarirai, ndinotumira kwamuri vaporofita, navakachenjera, navanyori; muchauraya vamwe vavo, nokuvarovera pamuchinjikwa; mucharovesa vamwe vavo mumasinagoge enyu, nokuvadzingirira mumaguta ose. Kuti ropa rose ravakarurama, rakateurirwa panyika, riuye pamusoro penyu, kubva paropa raAbheri akanga akarurama, kusvikira paropa raZekariya, mwanakomana waBharakia, wamakauraya pakati petemberi nearitari. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, izvi zvose zvichauya pamusoro porudzi urwu. “Jerusaremu! Jerusaremu! Iwe unouraya vaporofita, nokutaka namabwe avo vakatumwa kwauri! Ndakanga ndichida kazhinji sei kuunganidza vana vako, sembambo inounganidza hukwana dzayo, munyasi mamapapiro ayo, mukaramba! Tarirai, masiyirwa imba yenyu rava dongo. Nokuti ndinoti kwamuri, kubva zvino hamuchazondioni, kusvikira muchiti, ‘Ngaarumbidzwe iye anouya nezita raIshe.’ ”
Mateo 23:23-39 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
“Zvichakuwanai imi nyanzvi dzomutemo nemi vaFarisei imi, vanyengedzi, nokuti munobvisa chegumi chetunhu tunonhuwirira tudikidiki twemindi nedhiri nekamini asi muchisiya zvinhu zvikuru zvomutemo, nezvoruenzaniso nezvetsitsi nechitendero. Izvi ndizvo zvamaifanira kuita musingaregi zvenyu zvimwe izvozvo. Mapofu avatungamiriri! Munotsutsa unyunyu asi muchimedza ngamera. “Zvichakuwanai zvenyu imi nyanzvi dzomutemo nemi vaFarisei, imi vanyengedzi, munosuka mukombe nendiro kunze asi mukati muzere nezvinhu zvokupamba nezvoudyire. “Iwe bofu romuFarisei, tanga washambidza mukati momukombe nendiro kuti kunze kuve kwakachenawo. “Zvichakuwanai imi nyanzvi dzomutemo nemi vaFarisei, imi vanyengedzi, makafanana namakuva akadzururwa kuti mbuu nesuko. Anoratidzika zvakanakisa kunze asi mukati muzere mapfupa avanhu vakafa nokuora kose. Nemiwo, kunze, munotaridzika savanhu vakarurama kuvanhu asi mukati muzere nokubata vanhu kumeso uye uipi. Zvichakuwanai imi nyanzvi dzomutemo navaFarisei, imi vanyengedzi, munovaka makuva avaporofita muchishongedza zvifananidzo zvavanhu vakarurama. Muchiti, ‘Dai takanga tiri vapenyu pamazuva amadzibaba edu, tingadai tisina kubatana navo mukudeura ropa ravaporofita.’ Naizvozvo muri kutopa umboo hunokurovererai kuti imi muri vana vemhondi dzakauraya vaporofita. Saka chipedzisaika musvike paiva neshungu dzamadzibaba enyu. Imi nyoka dzavanhu navana venyoka, muchapunyuka sei kutongerwa moto muzhinji? Nokudaro ndichakutumirai vaporofita navachenjeri nenyanzvi dzomutemo. Vamwe muchauraya zvenyu nokuroverera pamuchinjikwa. Vamwe vavo muchavarova zvikuru mumasinagogu muchivatambudza muguta neguta, kuti mupfukirwe neropa rose ravakarurama rakadeurwa pasi pose kubvira kuropa risina mhaka raAbhero kusvika kuropa raZakaria mwanakomana waBharakiya wamakauraya pakati penzvimbo inoera neatari. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ‘Zvose izvi zvichawira chizvarwa chino ichochi.’ “Jerusaremu, Jerusaremu iwe, unouraya vaporofita uye uchitaka namabwe avo vanenge vatumwa kwauri nhai. Kangani kandainge ndichida kuunganidza vana vako pamwechete sokuvhumbamira kunoita huku hukwana dzayo mumapapiro ayo, asi makaramba. Chiona imba yako yasiiwa yava dongo. Nokuti ndinokutaurira kuti hauchambondionazve kusvikira pauchazoti, ‘Ngaarumbidzwe iye anouya muzita raTenzi.’ ”
Mateo 23:23-39 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Munopa chegumi chezvose zvinonhuhwira zvinoti: mindi, anisi nekumini. Asi munoshaya hanya nezvinhu zvinokosha zvomurayiro zvinoti: kururamisira, ngoni nokutendeka. Maifanira kuita izviwo musingakanganwi zvokutanga. Imi vatungamiri mapofu, munomimina nyunyu asi muchimedza ngamera. “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Munosuka mikombe nendiro kunze asi mukati menyu muzere namakaro nokusazvidzora. Iwe bofu romuFarisi! Tanga wachenesa mukati momukombe nendiro, uye ipapo kunze kwazvo kuchachenawo. “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Makafanana namakuva akacheneswa kunze anoratidzika kuva akanaka kunze asi mukati muzere mapfupa avanhu vakafa nezvinhu zvose zvine tsvina. Nenzira imwe cheteyo, munoonekwa navanhu kunze semakarurama asi mukati menyu muzere nounyengeri uye nohuipi. “Mune nhamo imi vadzidzisi vomurayiro nemi vaFarisi, imi vanyengeri! Munovaka makuva avaprofita nokushongedza makuva avakarurama. Uye moti, ‘Dai takanga tararama pamazuva amadzitateguru edu, tingadai tisina kubatsirana navo pakuteura ropa ravaprofita.’ Saka muri kuzvipupurira pachenyu kuti muri zvizvarwa zvaivavo vakaponda vaprofita. Zvino chizadzisai chiyero chechivi chamadzitateguru enyu! “Imi nyoka! Imi vana venyoka! Muchatiza seiko kutongwa kunokuendesai kugehena? Naizvozvo ndiri kukutumirai vaprofita navachenjeri navadzidzisi. Vamwe vavo muchavauraya uye muchavaroverera pamuchinjikwa; vamwe muchavarova mumasinagoge enyu uye muchavadzingirira kubva kune rimwe guta kusvikira kune rimwe guta. Uye nokudaro, ropa ravakarurama vose rakateurwa panyika richauya pamusoro penyu kubvira paropa raAbheri akanga akarurama kusvikira paropa raZekaria mwanakomana waBherekia uyo wamakauraya pakati petemberi nearitari. Ndinokuudzai chokwadi kuti zvose izvi zvichava pamusoro porudzi urwu. “Iwe Jerusarema, Jerusarema! Iwe unouraya vaprofita nokutaka namabwe avo vanotumirwa kwauri, kazhinji sei kandaidisa kuunganidza vana vako sezvinoita nhunzvi yehuku inounganidza hukwana dzayo pasi pamapapiro ayo. Tarira, wasiyirwa imba yako yangova dongo. Ndinokuudza kuti, hauchazondionizve kusvikira wati, ‘Akaropafadzwa anouya muzita raIshe.’ ”
Mateo 23:23-39 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Zvichakuwanai imi nyanzvi dzomutemo nemi vaFarisei imi, vanyengedzi, nokuti munobvisa chegumi chetunhu tunonhuwirira tudikidiki twemindi nedhiri nekamini asi muchisiya zvinhu zvikuru zvomutemo, nezvoruenzaniso nezvetsitsi nechitendero. Izvi ndizvo zvamaifanira kuita musingaregi zvenyu zvimwe izvozvo. Mapofu avatungamiriri! Munotsutsa unyunyu asi muchimedza ngamera. “Zvichakuwanai zvenyu imi nyanzvi dzomutemo nemi vaFarisei, imi vanyengedzi, munosuka mukombe nendiro kunze asi mukati muzere nezvinhu zvokupamba nezvoudyire. “Iwe bofu romuFarisei, tanga washambidza mukati momukombe nendiro kuti kunze kuve kwakachenawo. “Zvichakuwanai imi nyanzvi dzomutemo nemi vaFarisei, imi vanyengedzi, makafanana namakuva akadzururwa kuti mbuu nesuko. Anoratidzika zvakanakisa kunze asi mukati muzere mapfupa avanhu vakafa nokuora kose. Nemiwo, kunze, munotaridzika savanhu vakarurama kuvanhu asi mukati muzere nokubata vanhu kumeso uye uipi. Zvichakuwanai imi nyanzvi dzomutemo navaFarisei, imi vanyengedzi, munovaka makuva avaporofita muchishongedza zvifananidzo zvavanhu vakarurama. Muchiti, ‘Dai takanga tiri vapenyu pamazuva amadzibaba edu, tingadai tisina kubatana navo mukudeura ropa ravaporofita.’ Naizvozvo muri kutopa umboo hunokurovererai kuti imi muri vana vemhondi dzakauraya vaporofita. Saka chipedzisaika musvike paiva neshungu dzamadzibaba enyu. Imi nyoka dzavanhu navana venyoka, muchapunyuka sei kutongerwa moto muzhinji? Nokudaro ndichakutumirai vaporofita navachenjeri nenyanzvi dzomutemo. Vamwe muchauraya zvenyu nokuroverera pamuchinjikwa. Vamwe vavo muchavarova zvikuru mumasinagogu muchivatambudza muguta neguta, kuti mupfukirwe neropa rose ravakarurama rakadeurwa pasi pose kubvira kuropa risina mhaka raAbhero kusvika kuropa raZakaria mwanakomana waBharakiya wamakauraya pakati penzvimbo inoera neatari. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ‘Zvose izvi zvichawira chizvarwa chino ichochi.’ “Jerusaremu, Jerusaremu iwe, unouraya vaporofita uye uchitaka namabwe avo vanenge vatumwa kwauri nhai. Kangani kandainge ndichida kuunganidza vana vako pamwechete sokuvhumbamira kunoita huku hukwana dzayo mumapapiro ayo, asi makaramba. Chiona imba yako yasiiwa yava dongo. Nokuti ndinokutaurira kuti hauchambondionazve kusvikira pauchazoti, ‘Ngaarumbidzwe iye anouya muzita raTenzi.’ ”
Mateo 23:23-39 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Munenhamo, imi ʋanyori naʋaFarise, ʋanyeŋgeri! Nokuti munopa cegumi ceminte, neanise, nekumini, mucirega ɀinhu ɀikuru ɀomurairo, ɀinoti: Kururamisira mhaka, neŋgoni, nokutendeka; maifanira kuɀiita iɀi, nokusarega kuita iɀoɀo. Imi ʋatuŋgamiri ʋakapofumara, munomimina runyunyu, mucimedza kamera. Munenhamo, imi ʋanyori naʋaFarise, ʋanyeŋgeri! Nokuti munonatsa kunze kwomukombe nendiro, asi mukati muzere nokukara nokusaɀidzora. Iwe muFarise wakapofumara, taŋga kunatsa mukati momukombe, nendiro, kuti kunze kwaɀo kugocena ʋo. Munenhamo, imi ʋanyori naʋaFarise, ʋanyeŋgeri! Nokuti makafanana namarinda akaceneswa, anoʋonekwa saakanaka kunze kwawo, asi mukati muzere namafupa aʋakafa netȿina yose. Saiɀoɀo nemi ʋo munoʋonekwa naʋanhu kunze kwenyu makaita samakarurama, asi mukati muzere nokunyeŋgera nokuipa. Munenhamo, imi ʋanyori naʋaFarise ʋanyeŋgeri! Nokuti munoʋaka marinda aʋaprofita, nokushoŋgedza marinda aʋakarurama, muciti: Ƌai taiʋa’po pamazuʋa amateteguru eɗu, tiŋgaɗai tisina‐kuʋaɓatsira kuʋuraya ʋaprofita. Saka munoɀipupurira kuti muri ʋanakomana ʋaʋakaʋuraya ʋaprofita. Ɀino cizadzisai ciyero camateteguru enyu. Imi nyoka, imi ʋana ʋenyoka! Mucatiza seiko kutoŋga kweGehena? Saka, tarirai, ndinotumira kwamuri ʋaprofita, naʋakacenjera, naʋanyori; mucaʋuraya ʋamŋe ʋaʋo, nokuʋaroʋer cinjikwa; mucaroʋesa ʋamŋe ʋaʋo mumasinagoge enyu, nokuʋadziŋgirira mumaguta ose. Kuti ropa rose raʋakarurama, rakateʋurirwa panyika, riʋuye pamsoro penyu, kubva paropa raAberi wakaŋga akarurama, kuȿikira paropa raZakaria, mŋanakomana waBarakia, wamakaʋuraya pakati petembere neartari. Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri Iɀi ɀose ɀicaʋuya pamsoro porudzi urwu. Jerusarema! Jerusarema! iwe unoʋuraya ʋaprofita, nokutaka namabge aʋo ʋakatumŋa kwauri! Ndakaŋga ndiciɗa kazhinji sei kuʋuŋganidza ʋana ʋako, semhambo inoʋuŋganidza hukwana dzayo munyasi mamapapiro ayo, mukaramba! Tarirai, masiyirwa imba yenyu raʋa ɗoŋgo. Nokuti ndinoti kwamuri: Kubva ɀino hamucazondiʋoni, kuȿikira muciti: Ŋgaarumbidzwe iye unoʋuya nezita raShe.