Mateu 23
23
Jesu anoyambira vanhu nezvenyanzvi dzomutemo navaFarisei
(Mak 12:38–39; Ruka 11:43,46; 20:45–46)
1Jesu akati kuhuzhinji hwavanhu uye kuna vadzidzi vake, 2“Nyanzvi dzomutemo navaFarisei vagere pachigaro chaMosesi 3saka itai nokuchengeta zvose zvavanokuudzai asi kwete zvavanoita nokuti ivo havaiti zvavanoparidza. 4Vanotakudza vanhu mitoro isingatakuriki vachiisa pamafudzi avanhu asi ivo pachavo havadi kuibata kana nomune wavo zvawo. 5Zvavanoita zvose, vanozviita kuti vaonekwe navanhu nokuti vanopamhamisa tubhokisi twavo twemitemo nokurebesa mhaswa dzapahanzu dzavo. 6Vanoda nzvimbo dzapamusoro pamabiko nezvigaro zvakanakisisa mumasinagogu, 7nokukwaziswa pamisika nokudaidzwa navanhu kuti mudzidzisi. 8Musadaidzwe kunzi mudzidzisi nokuti mune mudzidzisi mumwechete, uye imi mose munongova hama nehama.
9“Musadaidze munhu kuti baba vako panyika nokuti muna Baba mumwechete ari kudenga. 10Musadaidzwe kunzi murairidzi nokuti mune murairidzi mumwechete, Kristu. 11Mukuru pakati penyu ndiye achava mushandiri wenyu. Uyo anozvikudza achadukupiswa. 12Uyewo anozvidukupisa achakudzwa.
Jesu anoyambira vaFarisei nenyanzvi dzomutemo chirango chavachapiwa
(Mak 12:40; Ruka 11:39–42,44,52; 20:47)
13“Zvichakuwanai zvenyu imi nyanzvi dzomutemo nemi vaFarisei, vanyengedzi nokuti munopfigira vanhu umambo hwedenga. Imi hamupindemo uye hamubvumiri vanenge vachida zvavo kupindamo.#23:13 Vamwe vanopamhidzira pano apa kana kuti mushure mendima nduku 12 ndima ino ye 14. Mazwi ari mundima iyoyi anowanikawo muna Mariko 12:40 naRuka 20:47. Anoti, “Zvichakuwanai zvenyu imi nyanzvi dzomutemo nemi vaFarisei, imi vanyengedzi nokuti munopedza nokudya dzimba dzechirikadzi, muchiita zvokunyengedzera nokurebesa minamato. Nezvo muchawana chirango chakapetwa.” 15Zvichakuwanai imi nyanzvi dzomutemo nemi vaFarisei, vanyengedzi, munoyambuka makungwa muchidimuranisa masango kundopindutsa munhu mumwechete oga. Kana apinduka munomuita kuti ave munhu wokumoto muzhinji kakatopetwa kaviri kupinda imi. 16Zvichakuwanai zvenyu, imi mapofu avatungamiri, munoti, ‘Kana munhu akapika neTemberi, hazvina mhosva, asi munhu akapika nendarama yomuTemberi anosungirwa kuchengeta chitsidzo chake.’ 17Mazirema zvawo amapofu. Ko chikuru chiiko ipapa, ndarama kana kuti Temberi inoita kuti ndarama ive chinhu chinoera? 18Uye munoti, ‘Kana munhu akapika neatari, hazvina mhosva asi munhu akapika nechipo chiri paatari anosungirwa kuchengeta chitsidzo chake!’ 19Mapofu avanhu! Chii chikuru chipo kana kuti atari inoita kuti chipo chive chinoera? 20Saizvozvo uyo anopika neatari anopika nayo uye nazvose zviri pairi; 21uye munhu anopika neTemberi anopika nayo uye anopikawo nouyo anogara mairi. 22Uyowo anopika nedenga, anopika nechigaro chaMwari choumambo uye anopikawo naiye anogara pachiri.
23“Zvichakuwanai imi nyanzvi dzomutemo nemi vaFarisei imi, vanyengedzi, nokuti munobvisa chegumi chetunhu tunonhuwirira tudikidiki twemindi nedhiri nekamini asi muchisiya zvinhu zvikuru zvomutemo, nezvoruenzaniso nezvetsitsi nechitendero. Izvi ndizvo zvamaifanira kuita musingaregi zvenyu zvimwe izvozvo. 24Mapofu avatungamiriri! Munotsutsa#23:24 Munotsutsa: Kutsutsa kana kususunha. unyunyu asi muchimedza ngamera.
25“Zvichakuwanai zvenyu imi nyanzvi dzomutemo nemi vaFarisei, imi vanyengedzi, munosuka mukombe nendiro kunze asi mukati muzere nezvinhu zvokupamba nezvoudyire.
26“Iwe bofu romuFarisei, tanga washambidza mukati momukombe nendiro kuti kunze kuve kwakachenawo.
27“Zvichakuwanai imi nyanzvi dzomutemo nemi vaFarisei, imi vanyengedzi, makafanana namakuva akadzururwa kuti mbuu nesuko. Anoratidzika zvakanakisa kunze asi mukati muzere mapfupa avanhu vakafa nokuora kose. 28Nemiwo, kunze, munotaridzika savanhu vakarurama kuvanhu asi mukati muzere nokubata vanhu kumeso uye uipi. 29Zvichakuwanai imi nyanzvi dzomutemo navaFarisei, imi vanyengedzi, munovaka makuva avaporofita muchishongedza zvifananidzo zvavanhu vakarurama. 30Muchiti, ‘Dai takanga tiri vapenyu pamazuva amadzibaba edu, tingadai tisina kubatana navo mukudeura ropa ravaporofita.’ 31Naizvozvo muri kutopa umboo hunokurovererai kuti imi muri vana vemhondi dzakauraya vaporofita. 32Saka chipedzisaika musvike paiva neshungu dzamadzibaba enyu. 33Imi nyoka dzavanhu navana venyoka, muchapunyuka sei kutongerwa moto muzhinji? 34Nokudaro ndichakutumirai vaporofita navachenjeri nenyanzvi dzomutemo. Vamwe muchauraya zvenyu nokuroverera pamuchinjikwa. Vamwe vavo muchavarova zvikuru mumasinagogu muchivatambudza muguta neguta, 35kuti mupfukirwe neropa rose ravakarurama rakadeurwa pasi pose kubvira kuropa risina mhaka raAbhero kusvika kuropa raZakaria mwanakomana waBharakiya wamakauraya pakati penzvimbo inoera neatari. 36Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ‘Zvose izvi zvichawira chizvarwa chino ichochi.’
Jesu anochema Jerusaremu
(Ruka 13:34–35)
37“Jerusaremu, Jerusaremu iwe, unouraya vaporofita uye uchitaka namabwe avo vanenge vatumwa kwauri nhai. Kangani kandainge ndichida kuunganidza vana vako pamwechete sokuvhumbamira kunoita huku hukwana dzayo mumapapiro ayo, asi makaramba. 38Chiona imba yako yasiiwa yava dongo. 39Nokuti ndinokutaurira kuti hauchambondionazve kusvikira pauchazoti, ‘Ngaarumbidzwe iye anouya muzita raTenzi.’ ”
Zvasarudzwa nguva ino
Mateu 23: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.