VaFarisei navaSadhusei vakauya kuna Jesu vachikumbira chiratidzo chinobva kudenga kuri kumuedza zvavo. Iye akavapindura achiti, “Kumanheru munoti, ‘Kunze kuchange kwakanaka nokuti denga rinenge rakatsvukirira.’ Kumangwanani munoti, ‘Nhasi kuchaita dutu nokuti denga rakatsvuka uye riri kutozezesa.’ Munoziva kutsanangura zvinoreva kutarisika kunenge kwakaita kunze, asi hamukwanisi kutsanangura zvinoreva zviratidzo zvenguva dzino. Muri chizvarwa chakaipa chenzenza chinotsvaka chiratidzo. Hapana chiratidzo chichapiwa kusiya chiratidzo chaJona.” Akabva avasiya oenda. Vadzidzi pavakayambukira kumhiri kuya, vakanga vakanganwa kutakura chingwa. Jesu akati kwavari, “Chenjerai mungwarire mbiriso yavaFarisei navaSadhusei.” Vakazvikurukura pachavo vachiti, “Hatina kuuya nechingwa.” Jesu akazviziva akati, “Inga muri vanhu vechitendero chidiki. Ko munogokurukurirana zvokuti hamuna chingwa sei? Nazvino hamusati mavakunzwisisa? Hamuyeuki here zvezvingwa zvishanu zvezviuru zvishanu zvavanhu? Uye kuti makaunganidza tswanda ngani? Ko nezvezvingwa zvinomwe zvezviuru zvina zvavanhu? Makaunganidza tswanda ngani? Ko munotadza nei kunzwisisa kuti handisi kutaura nezvechingwa. Chenjererai mbiriso yavaFarisei navaSadhusei.” Ipapo vakabva vanzwisisa kuti akanga asingavataurire kuchenjerera mbiriso yechingwa asi yedzidziso yavaFarisei neyavaSadhusei. Jesu paakasvika kudunhu reSezariafiripi, akabvunza vadzidzi vake achiti, “Vanhu vanoti Mwanakomana womunhu ndiani?” Vakati, “Vamwe vanoti ndiJohani Muombeki vamwewo vachiti ndiEriya, vamwewo vachiti ndiJeremiya kana kuti mumwe wavaporofita.” Akazoti kwavari, “Ko imi, munoti ndini ani?” Simoni Pita akapindura achiti, “Ndimi Kristu chaiye Mwanakomana waMwari mupenyu.” Jesu akamupindurawo achiti, “Zvako wakakomborerwa Simoni mwanakomana waJona, nokuti haasi munhu ane nyama neropa akakuzivisa izvi asi Baba vangu vari kudenga. Zvino ini ndinoti kwauri ndiwe Pita uye paruware urwu ndichavakira sangano rangu. Masimba erufu haachazorikuriri. Ndichakupa kii dzoumambo hwedenga. Chose chauchasunga pasi pano chichabva chasungwawo kudenga. Chose chauchasunungura pasi pano chichabva chasunungurwawo kudenga.” Ipapo Jesu akatsindidza vadzidzi vake kuti vasataurire kana munhu zvake kuti ndiye Mesia.
Verenga chikamu Mateu 16
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateu 16:1-20
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo