VaFarisi navaSadhusi vakauya kuzomuedza, vakakumbira kwaari kuti avaratidze chiratidzo chinobva kudenga. Asi akapindura, akati kwavari, “Panguva yamadekwana munoti, ‘Kuchachena, nokuti denga rakatsvuka.’ Mangwanani munoti, ‘Nhasi kuchasviba, nokuti denga rakatsvuka, richifiduka. Munoziva kududzira zvinoonekwa mudenga, asi hamugoni kududzira zviratidzo zvenguva. Rudzi rwakaipa rwoupombwe runotsvaka chiratidzo, asi harungapiwi chiratidzo, asi chiratidzo chaJona.’ ” Ipapo akavasiya, akabva.
Zvino vadzidzi vakaenda mhiri, vakakanganwa kutora zvingwa. Jesu akati kwavari, “Tarirai, muchenjere mbiriso yavaFarisi navaSadhusi.”
Vakarangana pakati pavo, vachiti, “Anodaro, nokuti hatina kutora chingwa.”
Zvino Jesu, achizviziva, akati kwavari, “Imi vokutenda kuduku, munorangana pakati penyu nemhaka yeiko, kuti hamuna zvingwa? Hamunzwisisi nazvino here, kana kurangarira zvingwa zvishanu zvavanhu vane zviuru zvishanu, namatengu amakawana kuti aiva mangani? Kana zvingwa zvinomwe zvavanhu vane zviuru zvina, namatengu amakawana kuti aiva mangani? Hamunzwisisi neiko, kuti handina kutaura kwamuri pamusoro pezvingwa? Asi muchenjere mbiriso yavaFarisi navaSadhusi.”
Zvino vakanzwisisa kuti haana kutaura kuti vachenjere mbiriso yezvingwa, asi dzidziso yavaFarisi navaSadhusi.
Jesu akati asvika kumativi enyika yeKesaria Firipi, akabvunza vadzidzi vake, akati, “Vanhu vanoti Mwanakomana womunhu ndianiko?”
Vakati, “Vamwe vanoti, Johani Mubhabhatidzi; vamwe Eria; vamwe Jeremiya, kana mumwe wavaporofita.” Akati kwavari, “Ko imi munoti ndini ani?”
Ipapo Simoni Petirosi akapindura, akati, “Ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu.”
Jesu akapindura, akati kwaari, “Wakaropafadzwa iwe, Simoni Bharijona, nokuti nyama neropa hazvina kukuzivisa izvozvo, asi Baba vangu vari kudenga. Neni ndinoti kwauri, ndiwe Petirosi, pamusoro poruware urwu ndichavaka kereke yangu, masuo eHadhesi haangaikundi. Ndichakupa kiyi dzoushe hwedenga; chinhu chipi nechipi chauchasunga panyika, chichasungwa kudenga, nechinhu chipi nechipi chauchasunungura panyika, chichasunungurwa kudenga.”
Ipapo akaraira vadzidzi vake kuti varege kuudza munhu kuti ndiye Kristu.