Mateo 16:1-20
Mateo 16:1-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
VaFarisi navaSadhusi vakauya kuzomuedza, vakakumbira kwaari kuti avaratidze chiratidzo chinobva kudenga. Asi akapindura, akati kwavari, “Panguva yamadekwana munoti, ‘Kuchachena, nokuti denga rakatsvuka.’ Mangwanani munoti, ‘Nhasi kuchasviba, nokuti denga rakatsvuka, richifiduka. Munoziva kududzira zvinoonekwa mudenga, asi hamugoni kududzira zviratidzo zvenguva. Rudzi rwakaipa rwoupombwe runotsvaka chiratidzo, asi harungapiwi chiratidzo, asi chiratidzo chaJona.’ ” Ipapo akavasiya, akabva. Zvino vadzidzi vakaenda mhiri, vakakanganwa kutora zvingwa. Jesu akati kwavari, “Tarirai, muchenjere mbiriso yavaFarisi navaSadhusi.” Vakarangana pakati pavo, vachiti, “Anodaro, nokuti hatina kutora chingwa.” Zvino Jesu, achizviziva, akati kwavari, “Imi vokutenda kuduku, munorangana pakati penyu nemhaka yeiko, kuti hamuna zvingwa? Hamunzwisisi nazvino here, kana kurangarira zvingwa zvishanu zvavanhu vane zviuru zvishanu, namatengu amakawana kuti aiva mangani? Kana zvingwa zvinomwe zvavanhu vane zviuru zvina, namatengu amakawana kuti aiva mangani? Hamunzwisisi neiko, kuti handina kutaura kwamuri pamusoro pezvingwa? Asi muchenjere mbiriso yavaFarisi navaSadhusi.” Zvino vakanzwisisa kuti haana kutaura kuti vachenjere mbiriso yezvingwa, asi dzidziso yavaFarisi navaSadhusi. Jesu akati asvika kumativi enyika yeKesaria Firipi, akabvunza vadzidzi vake, akati, “Vanhu vanoti Mwanakomana womunhu ndianiko?” Vakati, “Vamwe vanoti, Johani Mubhabhatidzi; vamwe Eria; vamwe Jeremiya, kana mumwe wavaporofita.” Akati kwavari, “Ko imi munoti ndini ani?” Ipapo Simoni Petirosi akapindura, akati, “Ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu.” Jesu akapindura, akati kwaari, “Wakaropafadzwa iwe, Simoni Bharijona, nokuti nyama neropa hazvina kukuzivisa izvozvo, asi Baba vangu vari kudenga. Neni ndinoti kwauri, ndiwe Petirosi, pamusoro poruware urwu ndichavaka kereke yangu, masuo eHadhesi haangaikundi. Ndichakupa kiyi dzoushe hwedenga; chinhu chipi nechipi chauchasunga panyika, chichasungwa kudenga, nechinhu chipi nechipi chauchasunungura panyika, chichasunungurwa kudenga.” Ipapo akaraira vadzidzi vake kuti varege kuudza munhu kuti ndiye Kristu.
Mateo 16:1-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
VaFarisi navaSadhusi vakauya kuna Jesu vakamuedza nokumukumbira kuti avaratidze chiratidzo chinobva kudenga. Akavapindura achiti, “Panosvika nguva yamadekwana munoti, ‘Mamiriro okunze achange akanaka nokuti denga rakatsvuka.’ Uye mangwanani munoti, ‘Nhasi kuchanaya mvura ine dutu nokuti denga rakatsvuka uye kwakakwidibira.’ Munoziva kududzira zvinoonekwa mudenga, asi hamugoni kududzira zviratidzo zvenguva. Rudzi rwakaipa rwoupombwe runotsvaka chiratidzo, asi hapana chichapiwa kwarwuri kunze kwechiratidzo chaJona.” Ipapo Jesu akavasiya, akaenda kumwe. Pavakayambuka mhiri kwegungwa, vadzidzi vakakanganwa kutakura chingwa. Jesu akati kwavari, “Chenjerai mungwarire mbiriso yavaFarisi navaSadhusi.” Vakakurukura nezvenyaya iyi pakati pavo vakati, “Anodaro nokuti hatina kuuya nechingwa.” Achiziva izvi Jesu akavabvunza akati, “Imi vokutenda kuduku, ko, muri kutauriranei pakati penyu nezvokusava nechingwa? Hamusati mava kunzwisisa here? Hamurangariri here zvingwa zvishanu zvavanhu vane zviuru zvishanu uye kuti makazadza matengu mangani ezvamakaunganidza? Kana kuti zvingwa zvinomwe zvavanhu zviuru zvina uye kuti makazadza matengu mangani ezvamakaunganidza? Hamunzwisisi sei kuti ndanga ndisingatauri kwamuri nezvechingwa? Asi chenjererai mbiriso yavaFarisi navaSadhusi.” Ipapo vakanzwisisa kuti ainge asingavaudzi kuti vachenjerere mbiriso inoshandiswa muchingwa, asi nezvedzidziso yavaFarisi navaSadhusi. Jesu akati asvika kudunhu reKesaria Firipi, akabvunza vadzidzi vake akati, “Vanhu vanoti Mwanakomana woMunhu ndiani?” Vakati, “Vamwe vanoti Johani Mubhabhatidzi, vamwewo vanoti Eria, vamwewo vachiti Jeremia kana mumwe wavaprofita.” Akabvunza akati, “Ko, imi munoti ndini ani?” Simoni Petro akapindura akati, “Ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu.” Jesu akapindura akati, “Wakaropafadzwa iwe Simoni mwanakomana waJona, nokuti izvi hazvina kuzarurirwa kwauri nomunhu asi naBaba vangu vari kudenga. Ndinoti kwauri, iwe ndiwe Petro, paruware urwu ndichavaka kereke yangu, kunyange masuo eHadhesi haangaikundi. Ndichakupa kiyi dzoumambo hwokudenga; chose chaunosunga pano pasi chichasungwa kudenga, uye chose chaunosunungura pano pasi nokudenga chichasunungurwa.” Ipapo akayambira vadzidzi vake kuti vasaudze ani zvake kuti iye ndiye Kristu.
Mateo 16:1-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
VaFarisi navaSadhusi vakauya kuzomuedza, vakakumbira kwaari kuti avaratidze chiratidzo chinobva kudenga. Asi akapindura, akati kwavari, “Panguva yamadekwana munoti, ‘Kuchachena, nokuti denga rakatsvuka.’ Mangwanani munoti, ‘Nhasi kuchasviba, nokuti denga rakatsvuka, richifiduka. Munoziva kududzira zvinoonekwa mudenga, asi hamugoni kududzira zviratidzo zvenguva. Rudzi rwakaipa rwoupombwe runotsvaka chiratidzo, asi harungapiwi chiratidzo, asi chiratidzo chaJona.’ ” Ipapo akavasiya, akabva. Zvino vadzidzi vakaenda mhiri, vakakanganwa kutora zvingwa. Jesu akati kwavari, “Tarirai, muchenjere mbiriso yavaFarisi navaSadhusi.” Vakarangana pakati pavo, vachiti, “Anodaro, nokuti hatina kutora chingwa.” Zvino Jesu, achizviziva, akati kwavari, “Imi vokutenda kuduku, munorangana pakati penyu nemhaka yeiko, kuti hamuna zvingwa? Hamunzwisisi nazvino here, kana kurangarira zvingwa zvishanu zvavanhu vane zviuru zvishanu, namatengu amakawana kuti aiva mangani? Kana zvingwa zvinomwe zvavanhu vane zviuru zvina, namatengu amakawana kuti aiva mangani? Hamunzwisisi neiko, kuti handina kutaura kwamuri pamusoro pezvingwa? Asi muchenjere mbiriso yavaFarisi navaSadhusi.” Zvino vakanzwisisa kuti haana kutaura kuti vachenjere mbiriso yezvingwa, asi dzidziso yavaFarisi navaSadhusi. Jesu akati asvika kumativi enyika yeKesaria Firipi, akabvunza vadzidzi vake, akati, “Vanhu vanoti Mwanakomana womunhu ndianiko?” Vakati, “Vamwe vanoti, Johani Mubhabhatidzi; vamwe Eria; vamwe Jeremiya, kana mumwe wavaporofita.” Akati kwavari, “Ko imi munoti ndini ani?” Ipapo Simoni Petirosi akapindura, akati, “Ndimi Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu.” Jesu akapindura, akati kwaari, “Wakaropafadzwa iwe, Simoni Bharijona, nokuti nyama neropa hazvina kukuzivisa izvozvo, asi Baba vangu vari kudenga. Neni ndinoti kwauri, ndiwe Petirosi, pamusoro poruware urwu ndichavaka kereke yangu, masuo eHadhesi haangaikundi. Ndichakupa kiyi dzoushe hwedenga; chinhu chipi nechipi chauchasunga panyika, chichasungwa kudenga, nechinhu chipi nechipi chauchasunungura panyika, chichasunungurwa kudenga.” Ipapo akaraira vadzidzi vake kuti varege kuudza munhu kuti ndiye Kristu.
Mateo 16:1-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
VaFarisei navaSadhusei vakauya kuna Jesu vachikumbira chiratidzo chinobva kudenga kuri kumuedza zvavo. Iye akavapindura achiti, “Kumanheru munoti, ‘Kunze kuchange kwakanaka nokuti denga rinenge rakatsvukirira.’ Kumangwanani munoti, ‘Nhasi kuchaita dutu nokuti denga rakatsvuka uye riri kutozezesa.’ Munoziva kutsanangura zvinoreva kutarisika kunenge kwakaita kunze, asi hamukwanisi kutsanangura zvinoreva zviratidzo zvenguva dzino. Muri chizvarwa chakaipa chenzenza chinotsvaka chiratidzo. Hapana chiratidzo chichapiwa kusiya chiratidzo chaJona.” Akabva avasiya oenda. Vadzidzi pavakayambukira kumhiri kuya, vakanga vakanganwa kutakura chingwa. Jesu akati kwavari, “Chenjerai mungwarire mbiriso yavaFarisei navaSadhusei.” Vakazvikurukura pachavo vachiti, “Hatina kuuya nechingwa.” Jesu akazviziva akati, “Inga muri vanhu vechitendero chidiki. Ko munogokurukurirana zvokuti hamuna chingwa sei? Nazvino hamusati mavakunzwisisa? Hamuyeuki here zvezvingwa zvishanu zvezviuru zvishanu zvavanhu? Uye kuti makaunganidza tswanda ngani? Ko nezvezvingwa zvinomwe zvezviuru zvina zvavanhu? Makaunganidza tswanda ngani? Ko munotadza nei kunzwisisa kuti handisi kutaura nezvechingwa. Chenjererai mbiriso yavaFarisei navaSadhusei.” Ipapo vakabva vanzwisisa kuti akanga asingavataurire kuchenjerera mbiriso yechingwa asi yedzidziso yavaFarisei neyavaSadhusei. Jesu paakasvika kudunhu reSezariafiripi, akabvunza vadzidzi vake achiti, “Vanhu vanoti Mwanakomana womunhu ndiani?” Vakati, “Vamwe vanoti ndiJohani Muombeki vamwewo vachiti ndiEriya, vamwewo vachiti ndiJeremiya kana kuti mumwe wavaporofita.” Akazoti kwavari, “Ko imi, munoti ndini ani?” Simoni Pita akapindura achiti, “Ndimi Kristu chaiye Mwanakomana waMwari mupenyu.” Jesu akamupindurawo achiti, “Zvako wakakomborerwa Simoni mwanakomana waJona, nokuti haasi munhu ane nyama neropa akakuzivisa izvi asi Baba vangu vari kudenga. Zvino ini ndinoti kwauri ndiwe Pita uye paruware urwu ndichavakira sangano rangu. Masimba erufu haachazorikuriri. Ndichakupa kii dzoumambo hwedenga. Chose chauchasunga pasi pano chichabva chasungwawo kudenga. Chose chauchasunungura pasi pano chichabva chasunungurwawo kudenga.” Ipapo Jesu akatsindidza vadzidzi vake kuti vasataurire kana munhu zvake kuti ndiye Mesia.
Mateo 16:1-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
ƲaFarise naʋaSaduse ʋakaʋuya kuzomuidza, ʋakakumbira kwaari kuti aʋaratidze ciratidzo cinobva kuɗeŋga. Asi wakapindura, akati kwaʋari: Paŋguʋa yamaɗekwana munoti: Kucacena, nokuti ɗeŋga rakatȿuka. Maŋgwana munoti: Nhasi kucaȿiɓa, nokuti ɗeŋga rakatȿuka, ricifiɗuka. Munoziʋa kuɗudzira ɀinoʋonekwa muɗeŋga, asi hamugoni kuɗudzira ɀiratidzo ɀeŋguʋa. Rudzi rwakaipa rwoʋupombge runotȿaka ciratidzo, asi haruŋgapiwi ciratidzo, asi ciratidzo caJona. Ipapo akaʋasiya, akabva. Ɀino ʋadzidzi ʋakaenda mhiri, ʋakakaŋganwa kutora ɀiŋgwa. Jesu akati kwaʋari: Tarirai, mucenjere mbiriso yaʋaFarise naʋaSaduse. Ʋakaraŋgana pakati paʋo, ʋaciti: Unoɗaro, nokuti hatina‐kutora ciŋgwa. Ɀino Jesu, aciɀiziʋa, akati kwaʋari: Imi ʋokutenda kuɗuku, munoraŋgana pakati penyu nemhaka yeiko, kuti hamuneɀiŋgwa? Hamunzwisisi naɀino here, kana kuraŋgarira ɀiŋgwa ɀishanu ɀaʋanhu ʋaneɀuru ɀishanu, namateŋgu amakawana kuti aiʋa maŋgani? Kana ɀiŋgwa ɀinomŋe ɀaʋanhu ʋaneɀuru ɀinna, namateŋgu amakawana kuti aiʋa maŋgani? Hamunzwisisi neiko, kuti handina‐kutaura kwamuri pamsoro peɀiŋgwa? Asi mucenjere mbiriso yaʋaFarise naʋaSaduse. Ɀino ʋakanzwisisa kuti haana‐kutaura kuti ʋacenjere mbiriso yeɀiŋgwa, asi dzidziso yaʋaFarise naʋaSaduse. Jesu wakati aȿika kumatiʋi enyika yeKesaria Firipo, akabvunza ʋadzidzi ʋake, akati: Ʋanhu ʋanoti Mŋanakomana womunhu ndianiko? Ʋakati: Ʋamŋe ʋanoti: Johane Mubapatidzi; ʋamŋe Eria; ʋamŋe Jeremia, kana mumŋe waʋaprofita. Akati kwaʋari: Ko imi munoti ndini ani? Ipapo Simoni Petro akapindura, akati: Ndimi Kristu Mŋanakomana waMŋari mupenyu. Jesu akapindura, akati kwaari: Wakaropafadzwa iwe, Simoni Bar‐Jona, nokuti nyama neropa haɀinakukuziʋisa iɀoɀo, asi Ƃaɓa ʋaŋgu ʋari kuɗeŋga. Neni ndinoti kwauri, ndiwe Petro, pamsoro poruware urwu ndicaʋaka kereke yaŋgu, masuʋo eHadesi haaŋgaikundi. Ndicakupa kiyi dzoʋushe bgokuɗeŋga; cinhu cipi necipi caucasuŋga panyika, cicasuŋgwa kuɗeŋga, necinhu cipi necipi caucasunuŋgura panyika, cicasunuŋgurwa kuɗeŋga. Ipapo akaraira ʋadzidzi ʋake kuti ʋarege kuʋudza munhu kuti ndiye Kristu.
Mateo 16:1-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)