Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 16:1-20

Mateo 16:1-20 SUB1949

ƲaFarise naʋaSaduse ʋakaʋuya kuzomuidza, ʋakakumbira kwaari kuti aʋaratidze ciratidzo cinobva kuɗeŋga. Asi wakapindura, akati kwaʋari: Paŋguʋa yamaɗekwana munoti: Kucacena, nokuti ɗeŋga rakatȿuka. Maŋgwana munoti: Nhasi kucaȿiɓa, nokuti ɗeŋga rakatȿuka, ricifiɗuka. Munoziʋa kuɗudzira ɀinoʋonekwa muɗeŋga, asi hamugoni kuɗudzira ɀiratidzo ɀeŋguʋa. Rudzi rwakaipa rwoʋupombge runotȿaka ciratidzo, asi haruŋgapiwi ciratidzo, asi ciratidzo caJona. Ipapo akaʋasiya, akabva. Ɀino ʋadzidzi ʋakaenda mhiri, ʋakakaŋganwa kutora ɀiŋgwa. Jesu akati kwaʋari: Tarirai, mucenjere mbiriso yaʋaFarise naʋaSaduse. Ʋakaraŋgana pakati paʋo, ʋaciti: Unoɗaro, nokuti hatina‐kutora ciŋgwa. Ɀino Jesu, aciɀiziʋa, akati kwaʋari: Imi ʋokutenda kuɗuku, munoraŋgana pakati penyu nemhaka yeiko, kuti hamuneɀiŋgwa? Hamunzwisisi naɀino here, kana kuraŋgarira ɀiŋgwa ɀishanu ɀaʋanhu ʋaneɀuru ɀishanu, namateŋgu amakawana kuti aiʋa maŋgani? Kana ɀiŋgwa ɀinomŋe ɀaʋanhu ʋaneɀuru ɀinna, namateŋgu amakawana kuti aiʋa maŋgani? Hamunzwisisi neiko, kuti handina‐kutaura kwamuri pamsoro peɀiŋgwa? Asi mucenjere mbiriso yaʋaFarise naʋaSaduse. Ɀino ʋakanzwisisa kuti haana‐kutaura kuti ʋacenjere mbiriso yeɀiŋgwa, asi dzidziso yaʋaFarise naʋaSaduse. Jesu wakati aȿika kumatiʋi enyika yeKesaria Firipo, akabvunza ʋadzidzi ʋake, akati: Ʋanhu ʋanoti Mŋanakomana womunhu ndianiko? Ʋakati: Ʋamŋe ʋanoti: Johane Mubapatidzi; ʋamŋe Eria; ʋamŋe Jeremia, kana mumŋe waʋaprofita. Akati kwaʋari: Ko imi munoti ndini ani? Ipapo Simoni Petro akapindura, akati: Ndimi Kristu Mŋanakomana waMŋari mupenyu. Jesu akapindura, akati kwaari: Wakaropafadzwa iwe, Simoni Bar‐Jona, nokuti nyama neropa haɀinakukuziʋisa iɀoɀo, asi Ƃaɓa ʋaŋgu ʋari kuɗeŋga. Neni ndinoti kwauri, ndiwe Petro, pamsoro poruware urwu ndicaʋaka kereke yaŋgu, masuʋo eHadesi haaŋgaikundi. Ndicakupa kiyi dzoʋushe bgokuɗeŋga; cinhu cipi necipi caucasuŋga panyika, cicasuŋgwa kuɗeŋga, necinhu cipi necipi caucasunuŋgura panyika, cicasunuŋgurwa kuɗeŋga. Ipapo akaraira ʋadzidzi ʋake kuti ʋarege kuʋudza munhu kuti ndiye Kristu.

Verenga chikamu Mateo 16