Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 13:9-15

Mateu 13:9-15 SCLB

Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.” Vadzidzi vakazouya kwaari vakati, “Munotaurirei kwavari nemienzaniso?” Iye akavapindura achiti, “Imi makapiwa ruzivo rwezvakavandika zvoumambo hwokudenga. Asi ivo havana kuzvipiwa nokuti uyo anazvo achawedzerwa zvimwe achitova nezvakawandisa. Asi uyo asina, kunyange chaanacho achachitorerwa. Ndokusaka ndichitaura kwavari nemienzaniso: “Nokutarisa vanotarisa zvavo asi vasingaoni uye kunzwa vanonzwa zvavo; asi havateereri kana kunzwisisa. Kwavari zvinobva zvazadziswa zvakataurwa nomuporofita Isaya achiti, ‘Zvokuteereresa regaika zvenyu kuteerera handiti mungadaro mukazonzwisisa, kana zvokutarisa regai zvenyu kutarisisa mungadaroka mukazonyatsoona. Nokuti mwoyo yavanhu ava yakasindimara, vakatyorera zvimiti munzeve, vakatsinzinya maziso nokuti vangadaro vakaona nameso avo; vakanzwa nenzeve dzavo uye vangadaro vakanzwisisa mumwoyo mavo vakazopindukira kwandiri ndikavaponesa.’

Verenga chikamu Mateu 13