“Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.” Zvino vadzidzi vakauya, vakati kwaari, “Munotaurireiko kwavari nemifananidzo?” Akapindura, akati kwavari, “Nokuti imi makapiwa kuziva zvakavanzika zvoushe hwedenga, asi ava havana kupiwa. Nokuti ani naani anazvo achapiwa, ave nezvakawanda; asi ani naani asina, achatorerwa nyangwe nezvaanazvo. Naizvozvo ndinotaura kwavari nemifananidzo, nokuti vanoona, asi havaoni; vanonzwa, asi havanzwi, kana kunzwisisa. Kuporofita kwaIsaya kwakaitika kwavari, kunoti, ‘Kunzwa, muchanzwa, musingatongonzwisisi; Kuona, muchaona, musingatongoonesesi; Nokuti mwoyo yavanhu ava yava mikukutu, Nzeve dzavo hadzinzwi zvakanaka; Nameso avo vakaatsinzina. Kuti zvimwe varege kuona nameso, Nokunzwa nenzeve, Nokunzwisisa nomwoyo, Kuti varege kupinduka Ini ndichivaporesa.’
Verenga chikamu Mateu 13
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateu 13:9-15
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo