Mateo 13:9-15
Mateo 13:9-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uyo ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.” Vadzidzi vakauya kwaari vakasvikomubvunza vachiti, “Ko, munotaurirei kuvanhu nemifananidzo?” Akapindura achiti, “Ruzivo rwezvakavanzika zvoumambo hwokudenga rwakapiwa kwamuri imi, asi kwete kwavari. Kune anazvo achapiwazve zvimwe, uye achava nezvakawanda. Asi ani naani asina kunyange nezvishoma zvaanazvo achazvitorerwa. Ndokusaka ndichitaura kwavari nemifananidzo: “Kunyange vachiona asi havaoni, kunyange vachinzwa asi havanzwi kana kunzwisisa. Mavari munozadzisa chiprofita chaIsaya chinoti: “ ‘Muchangoramba muchinzwa asi musinganzwisisi; muchangoramba muchiona asi musingaonesesi. Nokuti mwoyo yavanhu ava mikukutu, havatombonzwi nenzeve dzavo, uye vakatsinzina meso avo. Zvichida vangaona nameso avo, vakanzwa nenzeve dzavo, vakanzwisisa nemwoyo yavo, vakapinduka, uye ndikavaporesa.’
Mateo 13:9-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe.” Zvino vadzidzi vakauya, vakati kwaari, “Munotaurireiko kwavari nemifananidzo?” Akapindura, akati kwavari, “Nokuti imi makapiwa kuziva zvakavanzika zvoushe hwedenga, asi ava havana kupiwa. Nokuti ani naani anazvo achapiwa, ave nezvakawanda; asi ani naani asina, achatorerwa nyangwe nezvaanazvo. Naizvozvo ndinotaura kwavari nemifananidzo, nokuti vanoona, asi havaoni; vanonzwa, asi havanzwi, kana kunzwisisa. Kuporofita kwaIsaya kwakaitika kwavari, kunoti, ‘Kunzwa, muchanzwa, musingatongonzwisisi; Kuona, muchaona, musingatongoonesesi; Nokuti mwoyo yavanhu ava yava mikukutu, Nzeve dzavo hadzinzwi zvakanaka; Nameso avo vakaatsinzina. Kuti zvimwe varege kuona nameso, Nokunzwa nenzeve, Nokunzwisisa nomwoyo, Kuti varege kupinduka Ini ndichivaporesa.’
Mateo 13:9-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.” Vadzidzi vakazouya kwaari vakati, “Munotaurirei kwavari nemienzaniso?” Iye akavapindura achiti, “Imi makapiwa ruzivo rwezvakavandika zvoumambo hwokudenga. Asi ivo havana kuzvipiwa nokuti uyo anazvo achawedzerwa zvimwe achitova nezvakawandisa. Asi uyo asina, kunyange chaanacho achachitorerwa. Ndokusaka ndichitaura kwavari nemienzaniso: “Nokutarisa vanotarisa zvavo asi vasingaoni uye kunzwa vanonzwa zvavo; asi havateereri kana kunzwisisa. Kwavari zvinobva zvazadziswa zvakataurwa nomuporofita Isaya achiti, ‘Zvokuteereresa regaika zvenyu kuteerera handiti mungadaro mukazonzwisisa, kana zvokutarisa regai zvenyu kutarisisa mungadaroka mukazonyatsoona. Nokuti mwoyo yavanhu ava yakasindimara, vakatyorera zvimiti munzeve, vakatsinzinya maziso nokuti vangadaro vakaona nameso avo; vakanzwa nenzeve dzavo uye vangadaro vakanzwisisa mumwoyo mavo vakazopindukira kwandiri ndikavaponesa.’
Mateo 13:9-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Unenzeʋe dzokunzwa, ŋgaanzwe. Ɀino ʋadzidzi ʋakaʋuya, ʋakati kwaari: Munotaurireiko kwaʋari nemifananidzo? Akapindura, akati kwaʋari: Nokuti imi makapiwa kuziʋa ɀakaʋanzika ɀoʋushe bgokuɗeŋga, asi aʋa haʋana‐kupiwa. Nokuti aninani unaɀo ucapiwa, aʋe neɀakawanda; asi aninani usina, ucatorerwa neɀaanaɀo. Naiɀoɀo ndinotaura kwaʋari nemifananidzo, nokuti ʋanoʋona, asi haʋaʋoni; ʋanonzwa, asi haʋanzwi, kana kunzwisisa. Kuprofita kwaIsaya kwakaitika kwaʋari, kunoti: Nokunzwa, mucanzwa, musiŋgatoŋgonzwisisi; Nokuʋona, mucaʋona, musiŋgatoŋgoʋonesesi; Nokuti mŋoyo yaʋanhu aʋa yaʋa mikukutu, Nzeʋe dzaʋo dzakadziʋira; Nameso aʋo ʋakaatsinzina. Kuti ɀimŋe ʋarege kuʋona nameso, Nokunzwa nenzeʋe, Nokunzwisisa nomŋoyo, Ʋakadzoka, Ndiʋaporese.
Mateo 13:9-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)