“Musatonge vamwe, nemi hamuzotongwi, musape vanhu mhosva, nemi hamuzopihwawo mhosva. Regereranai, nemi mucharegererwawo. Ipai, nemi muchapiwa, muchadirirwa pamakumbo mwero wakanaka, wakatsindirwa, wakazunguzirwa, unomupfumvumvu; nokuti chiereso chamunoeresa nacho ndicho chamuchaererwa nacho.” Akazovataurirawo muenzaniso achiti, “Ko bofu ringatungamirire rimwe bofu here? Haangawire mugomba ose ari maviri here? Mudzidzi haasi mukuru panomudzidzisi wake. Asi kana munhu wose achinge anyatsodzidziswa anoita somudzidzisi wake. Ko unotarisireiko kabanzu kari muziso rehama yako asi usingaoni danda riri muziso mako. Kana kuti ungagone sei kuti kuhama yako, ‘Hama, rega ndikubvise kabanzu kari muziso mako, iwe pachako usingaoni danda riri muziso mako?’ Iwe munyengedzi, tanga wabvisa danda riri muziso mako, kuti unyatsoona kubvisa kabanzu kari muziso rehama yako.
“Muti wakanaka haubereki muchero wakaipa. Uyewo muti wakaipa haungabereki muchero wakanaka. Muti mumwe nomumwe unozivikanwa nomuchero wawo. Vanhu havatanhi maonde paminzwa kana magirepisi parukato. Munhu akanaka anobudisa zvakanaka zvichibva muupfumi hwakanaka hwemwoyo wake. Nomunhuwo akaipa anobudisa zvakaipa zvichibva muupfumi hwakaipa hwemwoyo wake nokuti muromo unotaura zvinenge zvichibva mune zvizere mumwoyo make.
“Seiko muchinditi, ‘Tenzi, Tenzi,’ imi musingaiti zvandinoreva? Munhu wose anouya kwandiri, achinzwa mazwi angu, achita zvaanoreva, ndichakuratidzai kuti akaita saani. Akafanana nomunhu akati avaka imba, akachera zvakadzama kwazvo, ndokuvakira ugaro hwayo paruware. Pakauya mafashafasha emvura, rukova rwukaroverera pamba iyoyo rukatadza kuizunguza nokuti yakanga yakanyatsovakwa. Asi uyo anonzwa mashoko angu asingaaiti, akafanana nomunhu akavakira imba yake pavhu, isina ugaro. Rukova rwakaroverera pairi, ikawa pakarepo, kuparara kwemba iyoyo kukava kukuru kwazvo.”