“Musatonga, nemi hamungazotongwi; musapa mhaka, nemi hamungazopiwi mhaka; sunungurai, nemi muchasunungurwawo. Ipai, nemi muchapiwa; vachakupai pamaoko enyu chiyero chakanaka, chakatsikirirwa, chakazunguzirwa, chakaita mupfunga; nokuti nechiyero chamunoyera nacho, muchayerwawo nacho.”
Akavaudzawo mufananidzo, akati, “Bofu ringatungamirira rimwe bofu here? Haangawiri mugomba ose ari maviri here? Mudzidzi haapfuuri mudzidzisi wake. Asi mumwe nomumwe, kana akwaniswa, achava somudzidzisi wake.
“Unotarireiko rubanzu ruri muziso rehama yako, izvo, danda riri muziso rako haurioni?
“Kana ungareva seiko kuhama yako, uchiti, ‘Hama, rega ndibvise rubanzu ruri muziso rako, usingaoni danda riri muziso rako?’ Iwe munyengeri, tanga kubvisa danda muziso rako, ipapo uchaonesesa kubvisa rubanzu ruri muziso rehama yako.
“Nokuti hakuna muti wakanaka unobereka zvibereko zvakaipa, kana muti wakaipa unobereka michero yakanaka; nokuti muti mumwe nomumwe unozikanwa nemichero yawo. Nokuti vanhu havatanhi maonde paminzwa, kana madzambiringa haatanwi parukato. Munhu akanaka anobudisa zvakanaka papfuma yakanaka yomwoyo wake; akaipa anobudisa zvakaipa papfuma yakaipa yomwoyo wake; nokuti muromo unoreva zvizere pamwoyo.
“Munondiedzireiko, ‘Ishe! Ishe!’ Musingaiti zvandinoreva? Mumwe nomumwe anouya kwandiri, akanzwa mashoko angu, akaaita, ndichakuratidzai waakafanana naye. Akafanana nomunhu akavaka imba, akachera, akadzikisa, akaiteya paruware; mvura zhinji ikauya, mvura ikarova imba iyo, ikasagona kuizunungusa, nokuti yakanga yakavakwa kwazvo. Asi anonzwa, asingaiti, akafanana nomunhu akavaka imba pavhu, isina nheyo; mvura yakati ichiirova, ikawa pakarepo, kuputsika kweimba iyo kukava kukuru.”