Ruka 6:37-49
Ruka 6:37-49 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Musatonga, uye nemi hamuzotongwi. Musapa mhosva, uye nemi hamuzopiwi mhosva. Regererai, uye nemi muchazoregererwawo. Ipai, uye nemi muchapiwa. Muchapiwa mumaoko enyu chiyero chakanaka, chakatsindirwa, chakazunguzirwa uye chinopfachukira. Nokuti nechiyero chamunoyera nacho, muchayererwawo nacho.” Akavaudzawo mufananidzo uyu: “Bofu ringatungamirira bofu here? Havangawiri mugomba vose vari vaviri here? Mudzidzi haapfuuri mudzidzisi wake, asi munhu wose anenge adzidziswa zvakakwana ndiye achaita somudzidzisi wake. “Seiko uchitarisa rubanzu rwuri muziso rehama yako, asi usingatariri danda riri muziso rako pachako? Ungareva seiko kuhama yako uchiti, ‘Hama, rega ndikubvise rubanzu rwuri muziso rako, asi, iwe pachako uchitadza kuona danda riri muziso rako?’ Iwe munyengeri, tanga wabvisa danda muziso rako, ipapo uchaonesesa kuti ubvise rubanzu muziso rehama yako. “Hakuna muti wakanaka unobereka muchero wakaipa, uye muti wakaipa haungabereki muchero wakanaka. Muti mumwe nomumwe unozivikanwa nomuchero wawo. Vanhu havangatanhi maonde kubva mumakwenzi eminzwa, kana kutanha mazambiringa kubva parukato. Munhu akanaka anobudisa zvinhu zvakanaka zvakachengetwa mumwoyo make. “Sei muchiti, ‘Ishe, Ishe,’ kwandiri asi musingaiti zvandinoreva? Ndichakuratidzai zvakaita munhu anouya kwandiri anonzwa mashoko angu uye achiaita. Akaita somunhu anovaka imba, akachera zvakadzika akavaka hwaro paruware. Mafashamu akati asvika, mafungu akarova imba iyo asi haana kugona kuizungunutsa, nokuti yakanga yakavakwa zvakanaka. Asi munhu anonzwa mashoko angu akasaaita, akafanana nomunhu akavaka imba pavhu asina kuchera hwaro. Mafungu paakangorova imba iyo, yakakoromoka uye kuparara kwayo kwakava kukuru.”
Ruka 6:37-49 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Musatonga, nemi hamungazotongwi; musapa mhaka, nemi hamungazopiwi mhaka; sunungurai, nemi muchasunungurwawo. Ipai, nemi muchapiwa; vachakupai pamaoko enyu chiyero chakanaka, chakatsikirirwa, chakazunguzirwa, chakaita mupfunga; nokuti nechiyero chamunoyera nacho, muchayerwawo nacho.” Akavaudzawo mufananidzo, akati, “Bofu ringatungamirira rimwe bofu here? Haangawiri mugomba ose ari maviri here? Mudzidzi haapfuuri mudzidzisi wake. Asi mumwe nomumwe, kana akwaniswa, achava somudzidzisi wake. “Unotarireiko rubanzu ruri muziso rehama yako, izvo, danda riri muziso rako haurioni? “Kana ungareva seiko kuhama yako, uchiti, ‘Hama, rega ndibvise rubanzu ruri muziso rako, usingaoni danda riri muziso rako?’ Iwe munyengeri, tanga kubvisa danda muziso rako, ipapo uchaonesesa kubvisa rubanzu ruri muziso rehama yako. “Nokuti hakuna muti wakanaka unobereka zvibereko zvakaipa, kana muti wakaipa unobereka michero yakanaka; nokuti muti mumwe nomumwe unozikanwa nemichero yawo. Nokuti vanhu havatanhi maonde paminzwa, kana madzambiringa haatanwi parukato. Munhu akanaka anobudisa zvakanaka papfuma yakanaka yomwoyo wake; akaipa anobudisa zvakaipa papfuma yakaipa yomwoyo wake; nokuti muromo unoreva zvizere pamwoyo. “Munondiedzireiko, ‘Ishe! Ishe!’ Musingaiti zvandinoreva? Mumwe nomumwe anouya kwandiri, akanzwa mashoko angu, akaaita, ndichakuratidzai waakafanana naye. Akafanana nomunhu akavaka imba, akachera, akadzikisa, akaiteya paruware; mvura zhinji ikauya, mvura ikarova imba iyo, ikasagona kuizunungusa, nokuti yakanga yakavakwa kwazvo. Asi anonzwa, asingaiti, akafanana nomunhu akavaka imba pavhu, isina nheyo; mvura yakati ichiirova, ikawa pakarepo, kuputsika kweimba iyo kukava kukuru.”
Ruka 6:37-49 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Musatonge vamwe, nemi hamuzotongwi, musape vanhu mhosva, nemi hamuzopihwawo mhosva. Regereranai, nemi mucharegererwawo. Ipai, nemi muchapiwa, muchadirirwa pamakumbo mwero wakanaka, wakatsindirwa, wakazunguzirwa, unomupfumvumvu; nokuti chiereso chamunoeresa nacho ndicho chamuchaererwa nacho.” Akazovataurirawo muenzaniso achiti, “Ko bofu ringatungamirire rimwe bofu here? Haangawire mugomba ose ari maviri here? Mudzidzi haasi mukuru panomudzidzisi wake. Asi kana munhu wose achinge anyatsodzidziswa anoita somudzidzisi wake. Ko unotarisireiko kabanzu kari muziso rehama yako asi usingaoni danda riri muziso mako. Kana kuti ungagone sei kuti kuhama yako, ‘Hama, rega ndikubvise kabanzu kari muziso mako, iwe pachako usingaoni danda riri muziso mako?’ Iwe munyengedzi, tanga wabvisa danda riri muziso mako, kuti unyatsoona kubvisa kabanzu kari muziso rehama yako. “Muti wakanaka haubereki muchero wakaipa. Uyewo muti wakaipa haungabereki muchero wakanaka. Muti mumwe nomumwe unozivikanwa nomuchero wawo. Vanhu havatanhi maonde paminzwa kana magirepisi parukato. Munhu akanaka anobudisa zvakanaka zvichibva muupfumi hwakanaka hwemwoyo wake. Nomunhuwo akaipa anobudisa zvakaipa zvichibva muupfumi hwakaipa hwemwoyo wake nokuti muromo unotaura zvinenge zvichibva mune zvizere mumwoyo make. “Seiko muchinditi, ‘Tenzi, Tenzi,’ imi musingaiti zvandinoreva? Munhu wose anouya kwandiri, achinzwa mazwi angu, achita zvaanoreva, ndichakuratidzai kuti akaita saani. Akafanana nomunhu akati avaka imba, akachera zvakadzama kwazvo, ndokuvakira ugaro hwayo paruware. Pakauya mafashafasha emvura, rukova rwukaroverera pamba iyoyo rukatadza kuizunguza nokuti yakanga yakanyatsovakwa. Asi uyo anonzwa mashoko angu asingaaiti, akafanana nomunhu akavakira imba yake pavhu, isina ugaro. Rukova rwakaroverera pairi, ikawa pakarepo, kuparara kwemba iyoyo kukava kukuru kwazvo.”
Ruka 6:37-49 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Musatoŋga, nemi hamuŋgazotoŋgwi; musapa mhaka, nemi hamuŋgazopiwi mhaka; sunuŋgurai, nemi mucasunuŋgurwa ʋo. Ipai, nemi mucapiwa; ʋacakupai pamaʋoko enyu ciyero cakanaka, cakatsikirirwa, cakazuŋguzirwa, cakaita mupfuŋga; nokuti neciyero camunoyera naco, mucayerwa ʋo naco. Wakaʋaʋudza ʋo mufananidzo, akati: Ƃofu riŋgatuŋgamirira rimŋe ɓofu here? Haaŋgawiri mugomba ose ari maʋiri here? Mudzidzi haapfuʋuri mudzidzisi wake. Asi mumŋe nomumŋe, kana akwaniswa, ucaʋa somudzidzisi wake. Unotarireiko ruɓanzu ruri muziso rehama yako, iɀo, ɗanda riri muziso rako hauriʋoni? Kana uŋgareʋa seiko kuhama yako, uciti: Hama, rega ndibvise ruɓanzu ruri muziso rako, usiŋgaʋoni ɗanda riri muziso rako? Iwe munyeŋgeri, taŋga ubvise ɗanda muziso rako, ipapo ucaʋonesesa kubvisa ruɓanzu ruri muziso rehama yako. Nokuti hakunomuti wakanaka unoɓereka ɀiɓereko ɀakaipa, kana muti wakaipa unoɓereka ɀiɓereko ɀakanaka; nokuti muti mumŋe nomumŋe unozikanwa neɀiɓereko ɀawo. Nokuti ʋanhu haʋatanhi maʋonde paminzwa, kana mazambiriŋga haatanhwi parukato. Munhu wakanaka unoɓuɗisa ɀakanaka pafuma yakanaka yomŋoyo wake; wakaipa unoɓuɗisa ɀakaipa pafuma yakaipa yomŋoyo wake; nokuti muromo unoreʋa ɀizere pamŋoyo. Munondiidzireiko Ishe! Ishe! musiŋgaiti ɀandinoreʋa? Mumŋe nomumŋe unoʋuya kwandiri, akanzwa mashoko aŋgu, akaaita, ndicakuratidzai waakafanana naye. Wakafanana nomunhu wakaʋaka imba, akacera, akadzikisa, akaiteya paruware; mvura zhinji ikaʋuya, mvura ikaroʋa imba iyo, ikasagona kuizunuŋgusa, nokuti yakaŋga yakaʋakwa kwaɀo. Asi unonzwa, asiŋgaiti, wakafanana nomunhu wakaʋaka imba pavu, isinenheyo; mvura yakati iciiroʋa, ikawa pakarepo, kuputsika kweimba iyo kukaʋa kukuru.
Ruka 6:37-49 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)