Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 18:1-14

Ruka 18:1-14 SCLB

Jesu akavataurira mumwe muenzaniso wokuti vanofanira kunamata nguva dzose vasingarasi mwoyo. Akati, “Mune rimwe guta maiva nomutongi akanga asingatyi Mwari kana kuzeza munhu. Maivawo neimwe chirikadzi muguta iroro yaingoramba ichiuya kwaari ichiti, ‘Ndienzanisireiwo nyaya yangu nomuvengi wangu.’ Kwechinguva chakati kuti akamboramba. Mushure mezvo akazozviti, ‘Kunyange zvazvo ndisingatyi Mwari kana kuzeza munhu asi pamusana pokuti chirikadzi iyi inondinetsa, regai ndiienzanisire nyaya yayo; ingandisvote nokuramba kwayo ichingouya.’ ” Tenzi akati, “Inzwai zviri kutaurwa nomutongi asina kururama. Mwari haangadzivirire here vasarudzwi vake vanochema kwaari siku nesikati. Angavanonokere kwenguva ndefu here? Ndinokutaurirai kuti achavadzivirira nokuchimbidza. Kunyange zvakadaro zvazvo, pachauya Mwanakomana womunhu, achasvikowana panyika pane chitendero here?” Jesu akavataurirawo muenzaniso uyu kune vamwe vaizvikudza vachizviona savakarurama kupinda vamwe vachishora vamwe. “Vamwe varume vaviri vakaenda muTemberi kundonamata. Mumwe wavo aiva muFarisei, mumwe ari muteresi. MuFarisei akamira akanamata nechomumwoyo achiti, ‘Mwari ndinokutendai nokuti handina kuita savamwe vanhu, vapambi, vasina ruenzaniso, nemhombwe kana somuteresi uyu. Ndinotsanya kaviri pasvondo. Ndinopa chegumi chezvose zvandinowana.’ Asi muteresi akamira nechokure asingatomboda kusimudza maziso ake kudenga. Akazvibata pachifuva achizvininipisa achiti, ‘Mwari, ndinzwirewo tsitsi ini mutadzi.’ Ndinokutaurirai kuti murume uyu akaenda kumba kwake aruramiswa panze pomumwe uya. Nokuti munhu wose anozvikudza achadukupiswa asi uyo anozvidukupisa anokudzwa.”

Verenga chikamu Ruka 18