Zvino akavaudza mufananidzo wokuti vanofanira kunyengetera nguva dzose, vasingarasi mwoyo; akati, “Mune rimwe guta makanga munomumwe mutongi, akanga asingatyi Mwari, kana kuva nehanya nomunhu. Zvino kwakanga kune chirikadzi muguta iro, yairamba ichiuya kwaari, ichiti, ‘Ndiruramisire kumuvengi wangu.’ Iye akamboramba nguva; asi pashure akati mumwoyo make, ‘Kunyange ndisingatyi Mwari, kana kuva nehanya nomunhu; iyi chirikadzi zvainonditambudza, ndichairuramisira, kuti irege kuzouya pashure indirove kumeso.’ ”
Ishe akati, “Inzwai zvinorehwa nomutongi asakarurama. Ko zvino Mwari haangaruramisiri vakatsanangurwa vake, vanodanidzira kwaari masikati nousiku, kunyange achinonoka pamusoro pavo here? Ndinoti kwamuri, achakurumidza kuvaruramisira. Asi Mwanakomana womunhu kana achisvika, achawana kutenda panyika here?”
Akarevawo mufananidzo uyu kuna vamwe, vakanga vachifunga, vachiti takarurama, vachizvidza vamwe, akati,
“Vanhu vaviri vakakwira kutemberi kundonyengetera, mumwe ari muFarisi, mumwe ari muteresi. MuFarisi akandomira, akanyengetera kudai, achizvireva, akati, ‘Ndinokutendai Mwari, kuti handina kufanana navamwe vanhu, makororo, vasakarurama, mhombwe, kana nomuteresi uyo. Ndinozvinyima zvokudya kaviri nevhiki, ndinopa chegumi chezvose zvandinowana.’ Asi muteresi akamira kure, asingadi kunyange nokutarira kudenga, akazvirova chipfuva, akati, ‘Mwari, ndinzwirei tsitsi, ini mutadzi!’ ” Ndinoti kwamuri, “Uyu akaburukira kumba kwake aruramiswa kupfuura uya. Nokuti mumwe nomumwe, anozvikudza, achaninipiswa, nomumwe nomumwe, anozvininipisa achakudzwa.”