Jesu akati kuvadzidzi vake, “Zvinokonzera vamwe kuita zvakaipa hazvimborega kuvapo. Asi zvichamuwana iye anozviunza. Zvaitova nani kuti asungirirwe guyo mumutsipa make achindokandwa munyanza panze pokuti akonzere mumwe wavaduku ava kuti atadzire Mwari. Zvichenjererei imi pachenyu; kana hama yako ikakutadzira, itsiure. Kana ikapfidza iregerere. Uye kana akakutadzira kanomwe pazuva akauya kwauri kanomwe achiti ndapfidza. Unofanira kumuregerera.” Vapositori vakati kuna Tenzi, “Tiwedzereiwo chitendero chedu.” Tenzi akati, “Dai muine chitendero chakaita setsanga yemasitadhi, maigona kuti kumuonde uyu dzipuka undosimwa mugungwa uchikuteererai. “Pane mumwe wenyu here ano muranda anenge achirima kana kufudza hwai, angati kwaari kana abva kumunda, ‘Chibva wauya ugare pakudya?’ Haasi anototi here, ‘Ndigadzirire chokudya chamanheru upfeke undiperekere, kusvikira ndadya ndikanwa, iwe wozodyawo nokunwa mushure macho?’ Anotenda muranda here nokuti aita zvaaudzwa? Nemiwo, kana maita zvamunenge maudzwa itii, ‘Tiri varanda vasingakodzeri. Tangoita zvatinofanira kuita.’ ” Ari parwendo rwokuenda kuJerusaremu akapfuura napakati peSamaria neGarirea. Paakapinda mune mumwe musha, akasangana navanhu gumi vaiva namaperembudzi vakamira nechekure vakadaidzira vachiti, “Jesu, Tenzi tinzwireiwo tsitsi.” Paakavaona akati kwavari, “Endai mundozviratidza kuvapristi.” Pavaienda vakabva vaporeswa. Zvino mumwechete wavo paakaona kuti arapwa, akadzoka achirumbidza Mwari nezwi riri pamusoro. Akazviwisira pasi nouso patsoka dzaJesu achimutenda. Zvino murume uyu aiva muSamaria. Jesu akati, “Ko vanatswa havasi gumi here? Ko vamwe vapfumbamwe varipi? Hapana kuwanikwa adzoka kuzorumbidza Mwari kusiya mutorwa uyu oga.” Akati kwaari, “Chisimuka uenda zvako. Chitendero chako chakuponesa.”
Verenga chikamu Ruka 17
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 17:1-19
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo