Zvino akati kuvadzidzi vake, “Hazvingaitiki kuti zvigumbuso zvisauya. Asi ane nhamo iye azvinouya naye. Zvaiva nani kwaari, kuti guyo risungirirwe mumutsipa wake, awisirwe mugungwa, pakuti agumbuse mumwe wavaduku ava.
“Chenjerai; kana hama yako ikatadza, umurayire; kana akatendeuka, umukanganwire. Kunyange akutadzira kanomwe nezuva rimwe, akadzokera kwauri kanomwe, achiti, ‘Ndatendeuka;’ umukanganwire.”
Zvino vapostori vakati kuna Ishe, “Tiwedzerei kutenda kwedu.”
Ishe akati, “Kana maiva nokutenda kwakaita setsanga yemasitadhi, maiti kumuonde uyu, ‘Dzurwa, usimwe mugungwa!’ Uchakuteererai.
“Ndiani kwamuri angava nomuranda anorima, kana anofudza makwai, akati kwaari, achibva kumunda, Uya, ugare pakudya?
“Handiti angati kwaari, ‘Ndigadzirire zvokudya, uzvisunge chiuno, undishandire, kusvikira ini ndadya, ndikanwa; iwe ugozodya, nokunwa?’ Ko angatenda muranda, zvaaita zvakanga zvarayirwa here?
“Saizvozvo nemiwo, kana maita zvose zvamarayirwa, muti, ‘Tiri varanda pasina, takaita sezvataifanira kuita.’ ”
Zvino vakati vachienda Jerusaremu, akapfuura napaSamaria neGariria.
Zvino achipinda munomumwe musha, akasangana navarume vane gumi vaiva namaperembudzi, vamire kure. Vakadanidzira, vachiti, “Jesu, Tenzi, tinzwirei ngoni!” Zvino akati achivaona, akati kwavari, “Endai mundozviratidza kuvapristi.” Vakati vachienda, vakapora.
Zvino mumwe wavo, akati achiona kuti ndaporeswa, akadzoka, achikudza Mwari nezwi guru; akawira pasi nechiso patsoka dzake, akamuvonga. Zvino iye akanga ari muSamaria.
Ipapo Jesu akapindura, akati, “Havana kuporeswa vane gumi here? Vapfumbamwe varipiko? Hapana akawanikwa adzokera kuzokudza Mwari, asi uyu mutorwa here?” Ipapo akati kwaari, “Simuka, uende; kutenda kwako kwakuponesa.”